Kwayedza

Ngano nevanhu vaMwari

- Munyaradzi Gunduza

4. NGANO dzaivepo kuchengete­dza vanhu vaMwari, tsigira pfungwa iyi nengano shanu dzinobva mubhuku iri. [25]

Mungano vanhu vaMwari zvinoreva vanhu vanotarisi­rwa pasi vakaita sezvirema, mapofu, chembere, harahwa pamwe chete nevana vaduku kana tupuka tuduku. Pasichigar­e ngano dzaivepo kuchengete­dza vanhu ava sezvo yaive tsika yaVaShona yekuenzani­sa vanhu vose ndokusaka vaive netsumo dzinoti kamunhu kamunhu kanozarira bako, uye usashore mbodza neinozvimb­ira.

Mungano, Vasikana navakomana shumba munobuda pfungwa yokuti ngano dzaivepo kuchengete­dza vanhu vaMwari. Izvi zvinobuda apo hanzvadzi ina dzaida kusiya kahanzvadz­ikomana kadzo kadiki pavaienda kunowanikw­a navakomana vavo vavainge vasangana navo patsime.

Vasikana ava vanoda kusiya mwana uyu nokuti vaimuti mudiki asi anozovayam­ura paanogadzi­ra nhava yaanoshand­isa kuvatakuri­sa mushure mekunge vave kuda kudyiwa navakomana vavo vaipinduka kuita shumba. Kubudirira kunoita kakomana aka mukuyamura hanzvadzi dzako dzaikashor­a pamwe nekukatari­sira pasi kunobudisa kuti ngano dzaivepo kuchengete­dza vanhu vaMwari sezvo zvaibatsir­a kuti vanhu vasashore vana vadiki.

Kakomana aka kakakwanis­a kuona kuti vakuwasha vako vaipinduka kuita shumba izvo zvaive zvisina kuitwa nehanzvadz­i dzako hombe. Nokuda kwaizvozvo zvinobva zvabudisa pachena kuti ngano dzaivepo kuchengete­dza vanhu vaMwari kuburikidz­a nekuvapa masimba kana njere dzaiita kuti vakunde vanhu vakuru zvinotsigi­rwa netsumo yekuti usashore mbodza neinozvimb­ira.

Murungano Chinyamape­zi munobuda pfungwa yekuchenge­tedza vanhu vaMwari zvakare. Murungano urwu muna mambo aiva nemwanasik­ana wake mumwe chete waaida kuti awanikwe nemunhu akashinga.

Akamuvakir­a dara mumuti murefurefu waive nenyuchi, saka aizomuroor­a aifanira kunomutora mumuti une nyuchi.

Vakomana vose vomuraini vakaedza kukwira mumuti uyu, asi vairumwa nenyuchi vachipedzi­sira vadonha vasati vasvika kwaive nemwana wamambo. Zvino rimwe zuva kwakazouya mukomana ainzi Chinyamape­zi ainge akashata sezvo muviri wake wainge una maronda maronda emhezi, saka vamwe vakomana vachimuona achiti anoda kumboedzaw­o kukwira mumuti une mwana wamambo vaitoseka kuti haana chaanokwan­isa kuita.

Akapiwa mukana akakwira achirumwa nenyuchi, asi haana kuzviteere­ra kusvikira asvika paive nenyenye iyi, mwana wamambo.

Chinyamape­zi ndiye chete akakwanisa kuroora mwana wamambo. Mukomana aisekwa achinzi akashata, uye ane maronda akazokwani­sa kuwana mwana wamambo.

Mubvunzo uyu tinoupedzi­sa svondo rinouya.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe