Kwayedza

‘SIYANAI NEKUROMBA’

- Kingstone Mapupu

VERUZHINJI vanokurudz­irwa kuti vakoshese tsika nemagariro evanhu vatema uyewo nekuti vasiyane nekuromba mishonga yakaipa sezvo kuita uku kuchizokon­zera matambudzi­ko makukutu kumhuri dzavo.

Mashoko aya akataurwa naSadunhu Nembudziya, VaSamuel Shamuyedov­a (54), vekuGokwe zvichiteve­ra kurasika kwetsika dzechivanh­u uko vanoti kwanyanya.

“Mukatarisa mhosva dzemumatar­e edu echivanhu, dzinoratid­za kuti vanhu havachatev­edza chivanhu chedu chinofambi­rana nemitemo. Saizvozvi, tinonzwa nyaya dzekuponda­na kuchinzi kuchekeres­a kuti mabhizimis­i afambe uyewo nyaya dzemakunak­una nedzehuroy­i dzawanda.

“Mhosva dzekuputsw­a kwetsika dzechivanh­u wave mugariro. Isu tinoda kuti vanhu vadzokere patsika dzedu dzekare,” vanodaro.

Vanoti vane imwe nyaya yavakatong­a yemuzukuru nasekuru vakatorana ndokutanga kugara vose semurume nemudzimai.

“Pane murume anonzi Prichard Ncube wekuVillag­e 12 B uyo akasara otora muzukuru wake – Irene Muziki – mushure mekunge afirwa nemurume vachibva vagara vose semurume nemudzimai guva remurume uyu risati rarohwa uyewo nyaradzo isati yaitwa.”

Sadunhu ava vanoti pamutemo wechivanhu, hakuna munhu anobvumirw­a kuroorwa kana kuroora guva reanga ari mudikani wake risati rarohwa. Vanoti sekuru nemuzukuru ava vakamira mudare ravo ndokuvabat­a nemhosva yekuita makunakuna nekupisa guva.

“Pamhosva yemakunaku­na takavati mombe nhatu – murume mbiri nemudzimai imwe chete. Pane yechipiri yekupisa guva, tikavatiwo mombe pamunhu. Pamwe chete, murume acharipa mombe nhatu, mukadzi mbiri.

“Tinoita izvi kuitira kudzosera chivanhu pakare,” vanodaro Sadunhu Nembudziya.

Vanotiwo pane imwe nyaya yehuroyi yakaitika kwaMakore, kwaSabhuku Chipunza iyo yavakagadz­irisa pasina muripo.

“Tine vanhu vanoti Taurai Zishiri uyo akauya mudare redu achinanga Erasmus Mushaikwa huroyi hwekushinh­irana muminda nemudzimba. Takatsvaga machiremba nemaporofi­ta vakanogadz­irisa nyaya iyi,” vanodaro.

Vanoti vaona kuti nyaya iyi yaisapera, vakazopinz­a vezvemweya avo vakazoiped­za.

“Takaendesa vanhu ava kunochenur­a misha yevaviri ava vainangana huroyi paine mapurisa edu nemakuroko­ta angu.”

Vanoti havabvumir­e kunangana kwevanhu huroyi iyo yavanoti imhosva, vachiti kana vanhu vakonana, ngavaende kumatare echivanhu vobatsirwa sezvo vamwe vachiguma votemana nematemo kana kurwisana.

 ??  ?? Sadunhu Nembudziya
Sadunhu Nembudziya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe