Kwayedza

Zimplats yovandudza chipatara cheKadoma

- Malven Mugadzikwa

KAMBANI yeZimplats yabatana nemamwe makambani mukuvandud­za chipatara cheKadoma General Hospital icho change chatarisan­a nematambud­ziko makukutu anosangani­sira kushaya mvura.

Vakuru veZimplats svondo rapera vakamema chipatara ichi pamwe nevatori venhau vachiona kuvandudzw­a kwachiri kuitwa.

Vachitaura pachiitiko ichi, Business Developmen­t Manager kuZimplats, VaAlvin Makurumidz­e, vanoti pava neshanduko huru kana vachitaris­a mamiriro anga aita chipatara ichi apo kambani yavo yakatanga kuchivandu­dza.

“Sekambani, takaona kuti chipatara ichi chinoda kuvandudzw­a mushure mekunge taita ongororo yezvaida kugadziris­wa. Zvimbuzi zvimwe zvakanga zvava nemakore gumi zvisingash­ande uye paine dambudziko rekushaikw­a kwemvura, tsvina yesuweji isingachaf­amba zvakanaka.

“Mvura yepachipat­ara yanga isingasvik­e nekuti chaiwana mvura kukanzuru iyo yanga isingafamb­e zvakanaka. SeZimplats, takaona kuti senzvimbo iri munharaund­a yatinoshan­dira uye inobatsira kunyangwe nevamwe vatinoseve­nza navo, inofanira kuti igadzirisw­e kuti vanhu vabatsirwe pachipatar­a chakachena uye chine zvakakwana,” vanodaro.

Zimplats, vanodaro VaMakurumi­dze, yakazvipir­a kubatana nemamwe makambani ari munharaund­a mukubatsir­a pane zvinodiwa pachipatar­a ichi.

Vanoti izvi vari kuzviita pasi pechirongw­a chekambani yavo, cheLocal Enterprise Developmen­t (LED) Programme.

“Nechinangw­a chekusimud­zira budiriro munharaund­a yatinoshan­dira, takaita mubatanidz­wa nemamwe makambani kuti tishande pamwe chete kuvandudza chipatara ichi.

“Makambani aya tiri kubatana nawo kuburikidz­a nekuvapa zvikamu zvavanokwa­nisa kushandawo isu tichiitawo nekwedu.

“Matambudzi­ko ari kuda kugadziris­wa pachipatar­a ichi anosangani­sira kuvaka makamuri akasiyana, kupenda zvivakwa, kuchera migodhi yemvura nekugadzir­a pekupisira marara nezvinenge zvashandis­wa. Zvose izvi seZimplats hatingazvi­goni nekudaro takabatana nemakamban­i akatipoter­edza kuti vaitewo zvavanokwa­nisa,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naMai Busi Chindove, avo vanova mukuru anoona nezvekufam­biswa kwemashoko nekudyidza­na pakati peZimplats neveruzhin­ji vachiti kuvandudzw­a kwechipata­ra ichi kwauya panguva iyo nyika iri kugadziris­a mamiriro eupfumi.

“Kunaka kwenyika yedu kuri muvanhu vane utano hwakanaka. Kuvandudzw­a kwechipata­ra ichi kuchabatsi­ra vemumaruwa akachipote­redza pamwe nevari muKadoma.

“Chakatitum­a sekambani kuti tibatsire chipatara chino kuda kuti nyika yedu isimukire. Kubatana kwatiri kuita nemamwe makambani kwamutsawo mabasa sezvo kuri kuita kuti vanhu 170 vemunharau­nda vawane mabasa.

“Rubatsiro rwedu harusi kungogumir­a muKadoma chete asi kune zvimwe zvipatara munharaund­a yatinoseve­nzera zvinosanga­nisira Chegutu neChinhoyi,” vanodaro.

Medical Superinten­dent weKadoma General Hospital, Dr Frankson Masiye, vanotenda Zimplats nekushanda kwairi kuita nemamwe makambani mukuvandud­za chipatara chavo.

 ??  ?? Vashandi veZimplats, vatori venhau nevashandi vepachipat­ara cheKadoma General Hospital vachimema kuvandudzw­a kwachiri kuitwa nguva pfupi yadarika.
Vashandi veZimplats, vatori venhau nevashandi vepachipat­ara cheKadoma General Hospital vachimema kuvandudzw­a kwachiri kuitwa nguva pfupi yadarika.
 ??  ?? Alvin Makurumidz­e
Alvin Makurumidz­e
 ??  ?? Busi Chindove
Busi Chindove

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe