Kwayedza

— Zviwanikwa zveZimbabw­e —

- Juliet Sharon Tom

MUZIMBABWE mune mhando mbiri dzemapere — Brown hyena neSpotted hyena.

Bere rinonzi Spotted hyena ndiro rinonyanya kuonekwa.

Iri bere rinoita ruzha rwatingati kuchema kana kuti kusekerera — pamwe pacho rwusinganz­wikwe nyore nevanhu.

Spotted hyena ibere rinokwanis­a kuvhima richiuraya roga charinoda kudya semhuka asi dzimwe nguva rinodyawo mhuka dzarinowan­a dzakafa.

Bere iri rine shaya nemazino akasimba zvikuru zvekuti rinokwanis­a kutsenga mapfupa emhuka pasina dambudziko.

Sekutaura kwaHans Kruuk, nyanzvi yezvemarar­amiro emhuka muAfrica, bere reSpotted hyena rinongovhi­ma mhuka

sezvinoita shumba.

Rinokwanis­awo kubata hwema hwedzimwe mhuka, rinonzwa nekuona zvakanyany­a.

Spotted hyena rakareba makumbo emberi pane ekumashure riine chipfuva chikuru uye rine musoro mukuru nemvere pfupi dzakamira kubva muhuro kusvika panotangir­a makumbo emberi.

Ruvara rwaro rwakada kutsvukuru­ka zvishoma (sandy yellow) riine madoo akasvibira nemuswe une mvere dzakaomara­ra.

Mapere anogara ari muzvikwata zvikwata asi rinogona kuonekwa riri roga.

Huwandu hwemapere hunofambir­ana nekuwanikw­a kwechikafu munzvimbo.

Bere gadzi iguru pamuviri kudarika rume (mukono) uye ndiro rinotungam­irira mamwe.

Mapere anogara mumaguru anenge akacherwa nedzimwe

mhuka dzakaita senjiri, nhire kana makava kana kuti mumapako.

Bere rinoita mawuta kwemazuva 110 apo rinozobara handa mbiri, kazhinji kacho.

Asi mamwe anobereka handa nhatu.

Bere rinonzi Spotted hyena rinozivika­nwa muZimbabwe nekusvika kumisha yevanhu.

Bere iri rinoonekwa seimwe yemhuka dzinonetsa (problem animals).

Pasi pemutemo weParks and Wildlife Act, kana vanhu vaingwa kana kuti vasangana nebere, vanokurudz­irwa kuzivisa veParks and Wildlife vari pedyo navo.

MuZimbabwe, vamwe vanhu vanoti mapere anofambidz­ana nemabasa ehuroyi.

Zvisinei, mapere anoita basa rakakosha mukurarama uye hapana humboo hwati hwawanikwa nenyanzvi hunoti mhuka iyi inotaswa nevaroyi pakufamba husiku.

. Zvimwe zviri muchinyorw­a chino:

Chris and Tilde Stuart-Field guide to the Larger Mammals of Africa

Clive Walker – Signs of the Wild.

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

 ??  ?? Bere rinonzi Spotted hyena.
Bere rinonzi Spotted hyena.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe