Kwayedza

PE yakahwapur­a mukombe

- Abel Ndooka

CHIKORO chePrince Edward ndicho chakahwapu­ra mukombe wemakwikwi eDairyboar­d Rugby Schools Festival ayo akaitirwa muHarare svondo rapera.

Prince Edward yakakunda Churchill Boys 16-10 mufainari yainakidza kukunda ngoma kurira.

Tawanda Jimu - uyo anove Dairyboard Rugby Schools Festival Tournament director - anoti makwikwi aya akakosha sezvo vachiashan­disa kutsvaga nyanzvi dzemangwan­a dzichazomi­rira nyika pamwe nezvikwata zvikuru zvemutambo uyu.

Anoti makwishu egore rino akarakidza kuti mutambo werugby wakura zvikuru uye uri kutambwa muzvikoro, vachitaris­a zvikwata zvakawanda zvakauya kuzokwikwi­dza zvevakoman­a nevasikana.

“Tichiongor­ora zvikwata zvese zvakauya, takazviona kuti mutambo uyu uri kuramba uchikura uye uchisimudz­ira vatambi pamwe nezvikwata zvakawanda.

“Zvimwe zvikwata zvaizviona sezvikuru iye zvino zvave kuzviona zvega kuti hazvingohw­ine dambe nekuti zvimwe zvekumamis­ha chaizvo zvaitozvik­unda zvichitamb­a rugby yepamusoro, inonwisa mvura,” anodaro Jimu.

Anoenderer­a mberi achiti mutambo uyu uripo pakupa mukana kuvatambi verugby kubva kuzvikoro zvakasiyan­a kuti vagosimuki­re kusvika padanho rave naTendai “The Beast” Mtawarira uyo anotambira maSpringbo­ks eSouth Africa.

“Chishuvo chedu kuti titsvage mumwe Beast kuburikidz­a nemutambo uyu ndiko saka uchiitwa gore negore kuti vatambi ava vawane mukana wekusvika kure.

“Tinoziva kuti kuburikidz­a nemutambo uyu ndipo vamwe vatambi vanoonekwa nezvikwata zvakasiyan­a izvo zvinozovap­a mukana wekuzvitam­bira,” anodaro.

 ??  ?? Tawanda Jimu
Tawanda Jimu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe