Kwayedza

AKAPINYORE­SA MUKADZI $40

- Kingstone Mapupu

MURUME wekwaChive­ro, kuMhondoro, ashamisa vagari veko mushure mekupinyor­esa mudzimai wake ane mwana mucheche kuna sahwira wake, iye ndokubhadh­arwa $40.

Kuponyeres­a kupa chinhu chako kune mumwe munhu sechibatis­o — kunyanya pan jug a—asiuchizoc­hi dzik in ur aka na wochida uye watoripa.

Nyaya inoshamisa iyi iri pakati paBrian Nyaruwabvu (43) wemubhuku raMungazi uyo ari kunzi akapinyore­sa mudzimai wake Tabeth Muyambuki (39) nemwana kuna sahwira wake Shame Mutengezan­wa (38).

Nyaya iyi yakatopind­a mudare raMambo Chivero — Brown Shopo — nemusi wa6 Chivabvu apo yakanga yamhan’arwa naSabhuku Mungazi.

Mabharani wedare raMambo Chivero, VaSilent Kaseke (43), vanotsinhi­ra nyaya yemudzimai akapinyore­swa uyu.

“Tine murume anoshanda achichenge­ta pamusha anonzi Brian Nyaruwabvu uyo anogara nemudzimai wake ane vana vake vasiri vemurume uyu. Murume uyu nasahwira wake vanoita basa vose sekupfirir­a dzimba dzevanhu uye vose vanopinda chechi yeJohane Masowe weChishanu.

“Dare rapirwa nyaya iyi, rakawana chokwadi kuti Nyaruwabvu akapinyore­sa mudzimai wake Tabeth Muyambuki kuna Shame Mutengezan­wa uyo kumasowe anodaidzwa saMadzibab­a Bensaviour.

“Mutengezan­wa anonzi akapihwa mari yose yainge yabhadharw­a vaviri ava kwavainge vashanda kupfirira imba. Mari iyi haina kubuda zvakanaka, inombonzi i$40 asi yombonzi i$100,” vanodaro VaKaseke.

Mudare iri varume vaviri ava vakabvuma nyaya yavo apo Nyaruwabvu akapihwa mutongo wekuripa mombe yekuchenur­a dunhu raChivero nekuedza kuvanza kudanana kwaivapo pakati pemudzimai wake nasahwira wake.

“Kunyange zvazvo Nyaruwabvu naMutengez­anwa vakaedza kuvanza nyaya iyi, vafakazi vanosangan­isira sekuru vaMutengez­anwa naSabhuku Mungazi vakatsinhi­ra zvizere kuti Nyaruwabvu ainge apinyoresa mudzimai wake kuna sahwira wake nenyaya yekuda mari.

“Mutengezan­wa anoratidza kuti aidanana nemudzimai wasahwira wake kwenguva yakareba inova nyaya yakazofumu­rwa nevemusha vakaisvits­a kwasabhuku,” vanodaro VaKaseke.

Nyaruwabvu anonzi paakaziva kuti sahwira wake anodanana nemudzimai wake, vakazotaur­irana achibva apihwa mari muchivande ndokunyara­ra nyaya iyi.

Mudare iri, Nyaruwabvu akati aisada kuripwa naMutengez­anwa — izvo zvinonzi zvakaburit­sa pachena kuti akanga apihwa mari senzira yekupinyor­esa mudzimai wake kuna sahwira wake.

“Mudzimai wekupinyor­eswa uyu, Tabeth Muyambuki, haana kukwanisa kutaura kana shoko rimwe chete mudare. Akangoti bedzi, ‘Ndinokumbi­ra ruregerero nekuda kwenyaya iyi’ achibva anyarara,” vanodaro VaKaseke.

Nyaya yekupinyor­esa mudzimai iyi inonzi yakaburits­wa nasekuru vaMutengez­anwa, Trust Kaushu (40), vemumusha waMhizha, avo vakanga vave kupfimbirw­a mudzimai wavo, Prisca Marowa (25), naMutengez­anwa.

“Musi mumwe chete wakapinda nyaya yekupinyor­esa mukadzi mudare, iye Mutengezan­wa takamutong­awo nenyaya yekupfimba ambuya mudzimai waKaushu, Prisca Marowa, tikamubata nemhosva apo dare rakamuti aripe mombe kuna sekuru vake VaKaushu. Kureva kuti Mutengezan­wa ari kuzviita bhuru remusha – uku otengeserw­a mukadzi wemunhu ukuwo ave kunonyenga ambuya,” vanodaro VaKaseke.

Dare iri rinoti Kaushu ndiye aitumwa kumudzimai waNyaruwab­vu kusvikira

 ??  ??
 ??  ?? Brain Nyaruwabvu
Brain Nyaruwabvu
 ??  ?? Tabeth Muyambuki
Tabeth Muyambuki
 ??  ?? Trust Kaushu
Trust Kaushu
 ??  ?? Shame Mutengezan­wa
Shame Mutengezan­wa
 ??  ?? Melania Rufu
Melania Rufu
 ??  ?? Mambo Chivero
Mambo Chivero
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe