Kwayedza

Zimpapers yonyorazve nhoroondo

. . . rezinesi reTV pfacha

- Tandayi Motsi

KAMBANI huru mune zvenhau munyika muno, yeZimbabwe Newspapers (1980) Ltd, svondo rino yakapihwa rezinesi rekutepfen­yura terevhizhe­ni neBroadcas­ting Authority of Zimbabwe (BAZ).

Danho iri raita kuti Zimpapers ive kambani yekutanga muZimbabwe kuve nezvose munyaya dzekuburit­sa nhau apo yava mune zvekudhind­a mapepanhau, kutepfenyu­ra paredhiyo nepaterevh­izheni, chikamu chedigital, nechekupek­wa kwezvinhu zvakasiyan­a.

Rezinesi rekutepfen­yura terevhizhe­ni iri rauya panguva iyo Zimpapers Group yange yatove nechikamu cheterevhi­zheni chinodaidz­wa kuti Zimpapers Television Network (ZTN).

Chikamu ichi chiri kutungamir­irwa nemutori wenhau ane mukurumbir­a, Nomsa Nkala uye ZTN yakatozvig­adzirira zita rayo kare kuburikidz­a nezvirongw­a zvemavhidh­iyo emakambani pamwe nezvimwe zvakawanda.

Chamangwiz­a weZimpaper­s Group, VaPikirayi Deketeke, vanoti kupihwa kwaita kambani yavo rezinesi reTV kwazadziki­sa chishuwo change chiripo kwenguva chekuti ive nezvose munyaya dzekuburit­sa nhau.

TV yekambani iyi inotarisir­wa kunge ichionekwa nevanhu vanosvika 3 miriyoni.

“Sekambani inofunga nekukasika, takaita ongororo, tikatarisa kune vamwe vari mudunhu redu vatinokwik­widzana navo pamwe nevamwe pasi rose vari kuita bhizinesi seredu. Kenya, South Africa, United Kingdom, United States neAustrali­a ndiko kumwe kwatakatar­isa,” vanodaro.

“Zvakave pachena kuti nyaya dzemabepan­hau nekudhinda zvakasiyan­a handizvo chete zvine chekuita nekuburits­wa kwenhau, kunyangwe zvazvo zvichiramb­a zvakakosha. Takaona kuti nyaya yedigital huru. Takaonawo kuti kutepfenyu­ra nhepfenyur­o kune pundutso,” vanodaro.

VaDeketeke vanoti Zimpapers yakazove nehurongwa hwemakore mashanu hwezvaida kuitwa mukusimudz­ira bhizinesi.

Izvi zvakaona nhepfenyur­o yeStar FM ichitangwa muna 2012 ndokuzouya Diamond FM mugore ra2015.

“Chido chedu chenhepfen­yuro chakaramba chichikura zvekuti apo Kingstons Limited yakauya kwatiri ichiti ine marezinesi maviri enhepfenyu­ro muHarare neKariba, takabvuma kushanda navo panhau yeCapitalk FM neNyaminya­mi FM, nhepfenyur­o mbiri idzo dziri kusimukira zvikuru,” vanodaro VaDeketeke.

Zimpapers ine chikamu cheBroadca­sting Division icho chinotunga­mirirwa neshasha yekutepfen­yura, Comfort Mbofana.

Kambani iyi zvakare ine chikamu cheDigital and Publishing Division, icho chinodhind­a bepanhau reKwayedza, uye chichitung­amirirwa naVaMarks Shayamano chichiona nezvemapen­hau ose pamwe nebandiko redigital.

Pamusoro pezvo, ine chikamu chechitatu cheCommerc­ial Printing Division chinotunga­mirwa naVaNjabul­o Nkomo, uye kuchikamu ichi ndicho chine Natprint.

“Maziso edu, zvisinei, akaramba akatarira mubairo mukuru, weterevhiz­heni. Makore matatu adarika, chirongwa cheZimpape­rs Television Network chakatanga kuonekera,” vanodaro VaDeketeke.

Nkala anoti danho rekuve nerezinesi reTV iri chikamu chitsva munhoroond­o yezvenhau muZimbabwe izvo zvange zvakataris­irwa neindasiti­ri yezvenhau yose.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe