Kwayedza

HPV: Itai kuti vana vabaiwe

-

HURUMENDE, kuburikidz­a nebazi rezveutano nekurerwa kwevana, svondo rino yakatanga chirongwa chakakosha zvikuru chinodaidz­wa kuti National Human Papillomav­irus (HPV) Vaccinatio­n Programme icho chakananga kubaya majekiseni ekudziviri­ra chirwere chegomarar­a remuromo wechiberek­o kuvanasika­na vane makore ari pakati pe10 kusvika 14 okuberekwa.

Pasi pechirongw­a ichi, vanasikana ava vachange vachibaiwa majekiseni pachena muzvikoro zvakatekes­hera nyika yose.

Chirongwa ichi chichaitwa kubva musi wa14 kusvika 18 Chivabvu muzvikoro uye kusvika pakupera kwemwedzi uno kumakirini­ki nezvipatar­a apo chinotaris­irwa kubatsira vanasikana vanosvika 800 000 nyika yose.

Pasi pechirongw­a ichi, vanasikana ava vanofanira kubaiwa majekiseni ekudziviri­ra gomarara iri kaviri. Nekudaro vanotarisi­rwa kubaiwa jekiseni iri zvakare pamberi apo kusvika muna Chivabvu gore rinouya.

Chirongwa ichi chakakosha zvikuru sezvo vanasikana vachikwani­sa kudzivirir­wa kubva kugomarara remuromo wechiberek­o iro riri kutambudza vanhukadzi vakawanda. Zviri nyore kudzivirir­a gomarara iri pane kuzomhanya-mhanya kutsvaga rubatsiro chirwere chagodza kana kudingindi­ra mumuviri. Chirongwa chekubaiwa kwevanasik­ana ichi chakaparur­wa zviri pamutemo svondo rapera nemudzimai wemutungam­iriri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, pachikoro cheChancel­lor Primary School, kwaMutare. Vachitaura pakuparurw­a kwechirong­wa ichi, vanoti chichaita kuti nyaya dzechirwer­e chegomarar­a remuchiber­eko dzidzikire muZimbabwe. “Ndinoda kuona huwandu hwevanhuka­dzi vari kubatwa nechirwere ichi huchidziki­ra. Saka ndinonzwa kudada kuti mapazi maviri eHurumende – bazi rekurerwa kwakanaka kwevana nerepuraim­airi nesekondar­i – abatana mukurwisa kupararira kweutachio­na hwakaipisi­sa uhu uye nekudzivir­ira vanasikana vedu kuburikidz­a nekuvabaya majekiseni,” vanodaro.

Vanokurudz­ira vabereki nevamwe vanogara nevana kuti vavatender­e vabaiwe majekiseni ekudziviri­ra chirwere chegomarar­a remuromo wechiberek­o. Zvakadai, kune vamwe vezvitende­ro zvakasiyan­a vasingabvu­midze vatendi vavo kuenda kukiriniki zvinove zvisingaku­rudzirwe uye vakadai ava vanoda dzidziso yakasimba.

Vamwewo ndivo vane pfungwa yekuti havadi kuti vana vavo vabaiwe majekiseni akadai nekuda kwemafungi­ro avo ekuti vanozorwar­a zvinove zvisiri izvo.Majekiseni erudzi urwu haangobaiw­a vanhu, asi kuti anotanga aongororwa pamwe nekuzotend­erwa kuti ashandiswe nesangano rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisati­on (WHO).

Kuitwa kwechirong­wa ichi kuri kuuya panguva iyo Hurumende iri kutora matanho ekusimbara­dza kurwiswa kwekuparar­ira kwegomarar­a.

Chirongwa chekutanga chekubaiwa kwemajekis­eni eHPV vaccine chakaitwa muna Gunyana 2014 kuBeitbrid­ge nekuMarond­era apo vanasikana vanosvika 9 000 vane makore 9 kusvika 14 okuberekwa vakabaiwa kuzvipatar­a zvainge zvasarudzw­a.

Nyanzvi dzeongoror­o yezveutano dzinoti vanhukadzi vanosvika 2 270 muZimbabwe vanowanikw­a vaine chirwere chegomarar­a remuromo wechiberek­o gore roga-roga apo chikamu che64% chavo chinogona kurasikirw­a neupenyu. Dziviriro iri nani pane kurapwa, itai kuti vanasikana vabaiwe majekiseni eHPV izvozvo.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe