Kwayedza

‘Vanhu voti ndamera muswe’

- Kingstone Mapupu

MURUME wekuChiman­imani ayaura nezibundu riri kungokura padivi redumbu rake iro anoti vamwe vanhu vemunharau­nda vari kumuseka vachiti ari kumera muswe nekuti akaba mombe.

Anoti zviri kutaurwa nevanhu vanoziva dambudziko rake izvi handi chokwadi — “nekuti handisi mbavha”.

VaMartin Muchawaya (43), avo vanogara mubhuku raGumise, kwaMutamba­ra, vane dambudziko rechinyama chiri kumera padivi redumbu ravo asi vamwe vanhu vemunzvimb­o yavo vanovaseka vachiti vamera muswe.

“Izvozvi handichakw­anisa kufamba nekuda kwevanhu vanoti vakandiona unonzwa vachiti ‘ndiye wemuswe, ndiye wekumera muswe’. Vanoti ndakaba mombe izvo zvakonzera izvi asi handizvo.

“Iyi inyama yandiri kumera uye zvakatanga kare ndiri mudiki. Nditori mutungamir­i muno, ndinoremek­edzwa zvikuru uye ndinotodaw­o kubatsirwa zvamunoona kudai,” vanodaro VaMuchaway­a.

Vanoendere­ra mberi: “Chinyama chakura kudai ichi kakatanga kari kabundu. Ibundu rine kamuromo kane ronda ako kanobuda mvura neropa nguva dzose.

“Ndinorwadz­iwa zvikuru — zvekutotad­za kushanda zvekuti handichakw­anisa kusevenzer­a mhuri yangu nekuda kwebundu iri.”

Bundu iri vanoti rinorwadza zvikuru munguva yechando uye havakwanis­e kugeza nemvura inotonhora sezvo nyama iyi ichigumisi­ra yovarwadza zvakanyany­a.

“Izvozvi padivi penyama iyi pakamerawo kamwe kapundu kari kukura zvishoma nezvishoma. Ndave kutotya kuti kachakura zvakare kusvika pakasvika riripo iri.

“Ndakaroora mudzimai wangu, Ndaizivei Bandera (41) uye tine vana vasere avo ndave kutadza kuriritira nekuda kwechirwer­e ichi. Ndinofanir­wa kunge ndichirara­ma nekurima.”

Murume uyu anoti aneta nekufamba achitsvaga kubatsirwa kuzvipatar­a uko kuri kudiwa $7 000 yekuti avhiiwe inova mari yaari kutengesa zvipfuyo zvavo

zvinosanga­nisira mombe, mbudzi, makwai nehuku vachitsvag­a kupona.

“Ndapedza zvose kubvira kun’anga nemaporofi­ta kana kuchipatar­a asi hapana chabatsira. Vana vangu vave kuziya nenzara nekuti ini baba handichakw­anisa kushanda.

“Vose vana ndinavo pamusha kubva wekutanga wegore ra1999 kusvika pane wekupedzis­ira ane masvondo maviri okuberekwa. Chikumbiro changu chava chekuti ndinodawo kubatsirwa neruzhinji rweZimbabw­e,” vanodaro VaMuchaway­a.

Murume uyu anoti kune mashoko ari kufamba semoto wesora munharaund­a yaanogara anoti akamera muswe mushure mekunge aba mombe.

“Ndava kuzeza kufamba muruzhinji nekuda kwenyaya iyi nekuti muno mashoko akazara ekuti ndamera muswe. Imi mazvionera kuti mashoko aya manyepo. Imi ndimi muchaita kuti ndibatsirw­e,” vanodaro VaMuchaway­a.

Murume uyu anoti vemhuri yake — kusanganis­ira vabereki vake — vaedza kubatsiran­a naye asi zvichiramb­a.

“Muno tine vatungamir­i vakavimbis­a kundibatsi­rawo pakuti bundu iri rivhiiwe avo vanosangan­isira Cde Joshua Sacco nevamwe,” vanodaro.

Cde Sacco ndivo vakahwinha musarudzo dzeZanu-PF dzemaprima­ries vakamirira Chimaniman­i uye vachakwikw­idza vakamirira bato riri kutonga musarudzo dzenyika dzevamirir­i vedare reParamend­e idzo dzinotaris­irwa kuitwa munguva pfupi iri kutevera.

Munin’ina waVaMuchaw­aya, VaJohn Munyebvu (44), vanoti vari kumira nemukoma wavo vachiedza kuti arapwe.

“Mashoko ekuti akamera muswe nenyaya yekuba mombe anotaurwa asi handizvo, mashoko ekushora nekutuka kumunhu anenge achirwadzi­wa,” vanodaro VaMunyebvu. Cde Sacco vanotiwo dambudziko remurume uyu rakasvika kwavari uye vakazvipir­a kumubatsir­a kuti anorapwa.

“Muchawaya ndakamuona tiri pamusangan­o mushure mekunge ndakatauri­rwa nezvedambu­dziko rake, ndikaona nyama yave kubuda iyi. Tinoda kuti tibatane pamwe chete sevagari vemuno tobatsiran­a naye kuti anorapwa, avhiiwe bundu iri,” vanodaro.

Vanoda kubatsira VaMuchaway­a vanokwanis­a kuvabata panhare dzinoti 0784 660 838, 0771 676 518 kana 0782 347 248.

 ??  ?? kushaya. VaMuchaway­a vanoti vapedza
kushaya. VaMuchaway­a vanoti vapedza
 ??  ?? Cde Joshua Sacco
Cde Joshua Sacco
 ??  ?? VaMartin Muchawaya
VaMartin Muchawaya
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe