Kwayedza

Anoda kuti mukadzi wake arare nembwa

- Gamuchirai Muzanenham­u

MURUME samusha akaendesa mudzimai wake kudare redzimhosv­a achiti ari kurarisa imbwa dzavo dzine chivanhu panze zvose nemachira emudzimu, izvo zviri kukonzera kuti iye arware nechirwere chisinganz­wisisike sezvo imbwa idzi dzichifani­ra kupota dzichirara mumba.

Charles Katso akamhan’arira Angela Katso kuHarare Civil Court.

“Mukadzi wangu handichamu­nzwisisa, anouya pamba pakati pehusiku achiti abva kukereke asi mabasa ake haaenderan­e nemunhu anonamata,” anodaro.

Anoti Angela anomutuka zvinyadzi, anodzinga vana vake pamba uye ari kurarisa imbwa dzake nemachira emudzimu panze.

“Anotuka zvinyadzi zvekuti vana vangu vakatobva pamba nekuda kweizvozvo. Ndiri kufunga zvekugura muchato nekuti imbwa nemachira angu zvechivanh­u changu haasi kugona kuzvibata zvakanaka,” anodaro.

Charles anoenderer­a mberi: “Ari kurova nekurarisa imbwa dzangu panze idzo dzandakamu­udza kuti dzine chivanhu changu uye machira angu emudzimu akaaburits­a panze zvikaita kuti ini ndirware nemudumbu zvisinganz­wisisike.”

Anoti aisada zvekuchata asi Angela akaona vamwe vake kubasa vachata akati ari kudawo muchato.

“Ini muchato ndaisauda asi iye akaona vamwe vake kubasa vachata akati ari kudawo kuchata neni. Zvino ndatova muranda nekuti pese patanetsan­a anenge achingobur­itsa kabepa ikako,” anodaro Charles.

Angela anoti Charles anoda kuti arare nembwa muimba imwe chete izvo zvaasingak­wanise kuita.

“Anoda kuti ndirare nembwa dzake mumba mumwe chete achiti ndedzechiv­anhu asi handikwani­se kuita saizvozvo, ndozviri kuita kuti dzirare panze,” anodaro.

Anoti haana kudzinga vana asi kuti vakura zvekuti vave kuitawo zveupenyu hwavo.

“Ndakauya aine vana vake, mumwe ari kupuraimar­i asi izvozvi atobva zera.

‘‘Saka hapana pandingava­dzinge asi kuti vave kuitawo zveupenyu hwavo,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti gwaro redzivirir­o ari kuridawo nekuti ari kutadziswa kuita basa rake.

“Anodzinga vanhu vanenge vauya kuzorukwa neni,” anodaro.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa mumwe nemumwe wevaviri ava gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe