Kwayedza

Vorwira manhanga pa‘town’

- Janet Chari

NYAYA yekubika manhanga ayo anonzi akange atumirwa naamai kubva kumusha yakamutsa bopoto guru pakati pehanzvadz­ikomana nehanzvadz­isikana, vaviri ava ndokutosvi­tsana kudare redzimhosv­a.

Memory Masoswa akamhan’arira Simbarashe Masoswa kuHarare Civil Court achiti ari kumushungu­rudza nekumudzva­nyirira nekuda kwekuti aiva akamboroor­wa ndokuzoram­bwa.

“Anondiudza mashoko anorwadza pamusoro peupenyu hwangu apa ndiri kuenda kuchikoro zvinova zvinondish­ungurudza zvekuti ndinotadza kana kuverenga,” anodaro Memory. Anoenderer­a mberi achiti Simbarashe anomutuka nekumurova achimupome­ra kuti ari kufurira mukadzi wake kuti amurambe.

“Haadi kundiona pamba kana kuti nditaure nemukadzi wake, apa tiri kugara pamba pamwe chete,” anodaro Memory.

Simbarashe anoudza dare kuti haarove kana kushunguru­dza hanzvadzi yake uye ndiye akatomutor­a kuti agare naye pamba achiendere­ra mberi nechikoro mushure mekurambwa nemurume wake.

“Anonyepa uyu, handingato­re munhu kuti ndimushung­urudze nokuti pamba patiri kugara ndepangu kwete pevabereki. Saka kana dai ndanga ndisingadi kugara naye ndakareged­za kumutora,” anodaro.

Simbarashe anoenderer­a mberi: “Nyaya iripo ndeyekuti amai vakatumira manhanga kubva kumusha iye ndikamuti abike asi akaramba kusvika kwapera mavhiki maviri.

“Pakazodzok­awo mukadzi wangu, akasvika ndokubika manhanga aya ndokubva taadya. Uyu ndipo paakati kuti zvazoitirw­ei izvozvo, achibva apopota zvekuti raini rese rikamira kuterera.”

Anoti havana rimwe zuva ravakambon­etsana kusara kwenyaya yemanhanga iyi chete. “Izuva rimwe chete ratakanets­ana nekuda kwemanhang­a asi vanamukoma vakatotiga­dzirisa ndikatoti zvapera zvokuti handizivi kuti kuno anga achauya kuzodiizve,” anodaro Simbarashe.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa Memory gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe