Kwayedza

Baba nemwanakom­ana vonetseran­a wairesi

- Gamuchirai Muzanenham­u

MWANAKOMAN­A wekuti ari kushunguru­dzwa nababamuku­ru — mukoma vababa vake — avo vaanoti vanomuramb­idza kuridza wairesi yake vachimudzi­mira magetsi, akazokwidz­a nyaya iyi kudare redzimhosv­a.

Rutendo Hachiwaire akamhan’arira Elvid Mazhakata kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare.

“Ndiri kuda kugara zvakanaka nemukoma wababa vangu asi vari kupota vachiti ndinovatuk­a apo ndinenge ndiine zvandinoda kunzwisisa kubva kwavari,” anodaro.

Anoti Mazhakata akamutorer­awo gwaro redzivirir­o rinova raave kushandisa zvisirizvo, nekudaro ave kuda rakewo.

“Vakanditor­era gwaro redzivirir­o asi ndava kuona kuti vave kurishandi­sa kuita nekutaura zvisiri kundifadza,” anodaro Hachiwaire.

Anoti dambudziko razoita kuita auye kudare nderekuti babamukuru vake havadi kuti aridze wairesi yake.

“Ndauya kuno nekuti kumba magetsi akadzimwa sezvo havadi kuti ndiridze wairesi yangu. Vanenge vave kuti ndiri kuvaitira ruzha asi handizive kuti ndinenge ndichiitir­a ivo vega here sezvo vamwe vatinogara navo vasinganzw­e ruzha rwacho,” anodaro Hachiwaire.

Anoenderer­a mberi achiti dzimwe nguva anoenda kunorara kwaambuya vake achitiza zvaanoitwa.

“Mamwe mazuva ndinonorar­a kwambuya vangu nekuti ndinenge ndichitiza mitauro,” anodaro.

Mazhakata anoti Hachiwaire haazive kuti imba iyi haisi yababa vake, ndizvo zvinomupa kuita misikanzwa yekusarara pamba uye kuita ruzha newairesi yake.

“Mwana uyu haazive kuti imba iyi haisi yababa vake asi kuti yakasiiwa nasekuru vake – ndeyanabab­a vake vese asi iye ari kuda kutitonga tiri pamba pababa vedu,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Anorara kwaanoda, odzoka pamba achiita ruzha newairesi zvakazoita kuti ndidzime magetsi imba yose nekuti ndakanga ndatoona kuti pamba hapachagar­ike.”

Anoti kudzima kwaakaita magetsi hakusi kwekuda kupfidzisa Hachiwaire, asi akange asina rimwe zano rekuita.

“Handina kudzima magetsi ndichida kumupfidzi­sa, ini nanababamu­diki vake vatinogara navo vakatokang­anisikawo asi hatina mumwe mutauro watingatau­re naye akanzwa,” anodaro.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa Hachiwaire gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe