Kwayedza

‘NDINOPINDA-PINDA NABABAMUDI­KI’

‘Murume wangu anozviziva’ ‘Zvinoita, iropa rimwe chete’

- Kingstone Mapupu

MUKADZI wekwaNembu­dziya, kuGokwe, ndiye anonzi akarova shiri mbiri nedombo rimwe chete - ari kuparika varume mukoma nemunin’ina achiti “iropa rimwe chete”.

Mudzimai uyu ari kudura pasina kana kunyara kuti kana dai zvazvo akatanga nekuroorwa nemurume mumwe chete, pari zvino ava nebarika remukoma nemunin’ina.

Kudakwashe Chinhadada (43) nemunin’ina wake wemudumbu rimwe chete - Alfonse Chinhadada (37) - vachigara mubhuku raTakawira vari kuparikwa naJesca Depute (41) uyo akaroorwa naKudakwas­he.

Jesca ari kuita kuimba chaiko – asina kana ganda kumeso – achiti anodanana nemukoma nemun’ina ava uye “babamudiki Alfonse vasatomboz­virambe”.

“Ichokwadi. Ndakaenda kuKwekwe babamudiki vafona kumukoma wavo vachiti ndiuyeko kunotora mwana. Ndasvika ikoko, ndakawana amainini vasipo ndikanorar­a ndoga muimwe imba apo babamudiki vakazouya vakati vanondichi­va zvikuru zvichibva zvangotang­a.

“Vanoti vakandiend­era kun’anga kuti tidanane,” anodaro Jesca.

Mudzimai uyu anoti haana zvaanokwan­isa kuita sezvo achiti akashandis­irwa mishonga yechivanhu.

“Pamazuva mana andakagara­ko iwayo, tairara tose muimba imwe chete. Babamudiki vakazondip­a $20 iyo ndisina kutaurira murume wangu nezvayo,” anodaro.

“Asi chokwadi kunyangwe izvi zvakaitika, ini murume wangu ndinomuda. Iyi inongova tsaona yakaitika.

“Ini ndakaroorw­a ndiine makore 17 okuberekwa uye tava nemhuri tose, uku kufuririka chete kwakaitika.”

Jesca anoti vabereki vake vakamuudza kuti adzokere kumurume wake apo akambenge aendeswa kumusha kwake.

“Vabereki vangu vakanditi titauriran­e nemurume wangu, vachiti munhu wandiri kudanana naye munin’ina wemurume wangu izvo zvavanokat­i iropa rimwe chete saka ngavatauri­rane,” anodaro.

Kudakwashe - uyo anova muporofita wechiposit­ori munzvimbo iyi - anotsinhir­a kuti nyaya yekudanana kwemudzima­i wake naAlfonse akatanga kuinzwa nerunyerek­upe mugore ra2015 apo akazoita tsvakurudz­o yakamuita kuti azive chokwadi.

“Nyaya yamavinga yekuti ini nemunin’ina wangu tiri kuparikwa nemukadzi wandakaroo­ra ini - kumubvisa kumusha kwavo - hadzisi nhema. Mukadzi wangu akandibudi­ra pachena ndamubvunz­a nezvenyaya iyi akabvuma kuti anodanana nemunin’ina wangu Alfonse Chinhadada.

“Akatondiud­za kuti vakashinha vose kakawanda,” anodaro Kudakwashe.

Anoti vaviri ava vakadanana mugore ra2015 apo mudzimai wake akaenda kubasa kuKwekwe iye ndokusara kumusha kuGokwe.

“Babamudiki vakaridza nhare kwandiri kuno kumusha vachiti vaida kuti amaiguru vauye vazotora mwana aivako. Ini ndakavabvu­midza kuenda ndisingazi­ve kuti ndaitopinz­a mbudzi mukanwa memapere. Mudzimai akanogara mazuva mana achiridza nhare achiti aizodzoka zvake ndisingazi­ve kuti vaviri ava vainge votodanana,” anodaro Kudakwashe.

“Handizive, zvichida vanhu vakagara vachidanan­a muchivande nekuti mudzimai wangu akazodzoka kumusha ndokuzogar­a ava kungoenda kuKwekwe pasina zvikonzero zvaionekwa,” anodaro.

Murume uyu anoti akazotaura nemukadzi wake, uyo akabvuma kuti anodanana nemunin’ina wake achinerera kuti akasevenze­serwa mishonga kuti vadanane.

“Mudzimai anonditi munin’ina wangu akamuudza kuti akamuender­a kun’anga kuti vadanane. Nyaya iyi yabuda, ini ndakaenda kumadzitez­vara ndikanotau­ra kuti ndizvo zvavapo, ivo vakanditi ndinofanir­wa kudzoka kumusha kuti tizogadzir­isana nemudzimai pamwe chete nemunin’ina wangu,” anodaro Kudakwashe.

Zvisinei nekuti mudzimai wake anobuda pachena kuti anodanana nemunin’ina wake, Kudakwashe anoti: “Mukadzi wangu ndinongomu­da zvakadaro.

“Takaita dare remusha wedu vanababa vangu vekwaNeman­gwe nanasekuru vekwaChiru­mhanzu mukadzi uyu akabvuma kuti anodanana nemunin’ina wangu. Vakanditi ndigare nemukadzi uyu, ndisamudzi­nge sezvo tiine vana.

“Vakatizve Alfonse anofanirwa kundiripa nekupinda uko akaita mumba mangu. Mukadzi ndinaye ndewangu, uyo Alfonse chikomba.”

Anoti akaroorana nemudzimai uyu mugore ra1994 uyo ane vana vashanu naye.

“Handizive kana Alfonse ndikazotau­ra naye akati anoda kuroora mukadzi uyu amaiguru vake, ndinomupa toenda kumadzitez­vara tonotaura kuti ndiye ava mukuwasha wavo, kwete ini.”

Kudakwashe anoti akabata mashoko erudo munharembo­zha yemudzimai wake aibva kumunin’ina wake.

“Munyai wangu, Mai Lizzy Mercy Taruvinga, takavapira nyaya iyi apo takazoiend­esa kuna tezvara wangu - Bothwell Depute - avo vakangoti tigadziris­ane,” anodaro.

Alfonse haana kukwaniswa kutaurwa naye neKwayedza panhare yake kuti apindure oga nyaya iyi.

Jesca anoti haana kupfimbwa naAlfonse asi kuti “zvakangota­nga pasina mashoko erudo”.

“Ndakatadza, ndinokumbi­ra ruregerero kumurume wangu. Asi amainini mukadzi waAlfonse haazive nezvenyaya iyi, ndinonyara zvikuru vakaiziva. Vakambondi­fonera ndiri kuShamva ndikavati hapana iripo,” anodaro Jesca.

Sadunhu Nembudziya, VaFanuel Shamuyedov­a (54), vanoti nyaya iyi vachiri kuinzwa nerunyerek­upe uye haisati yasvika mudare ravo.

 ??  ?? Sadunhu Nembudziya
Sadunhu Nembudziya
 ??  ?? Jesca Depute
Jesca Depute
 ??  ?? Kudakwashe Chinhadada
Kudakwashe Chinhadada

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe