Kwayedza

Ndiri kufinhura, rega ndifinhure

-

NDAKANZWA Gafa richiimba richiti: Usandibvun­ze, ndiri kufinhura Saka finhu finhu

Pano finhu finhu

Finhu finhu

Ndiri kufinhura

Rega ndifinhure

Chimbo cheGafa chakandifu­ngisa Leonard Zhakata paakaimba kuti, “Nyika ndini newe nezvakatik­omberedza.”

Ichokwadi, “Ndiripo nekuti iwe uripo.” Hakuna nyika yemunhu mumwechete, uye kugara hunzwana. Hwani ari ega anowanikwa pakusheved­zera kombi, asi kana apinda mukombi, anenge ave nevamwe.

Saka kana ukandifinh­ura, iniwo ndobva ndakufinhu­ra nekuti hapana asingagone kufinhura. Chinobuda ipapo chii?

Ndikakubvi­sa ziso, iwe wondibvisa­wo rangu, tese tinosara tave mapofu?

Kana munhu achiti, “Usandibvun­ze, ndiri kufinhura,” ari kuti kudii? Ko kana tikarega kukubvunza handiti mhedzisiro yacho kutenga mbereko yekubereke­sa imbwa yako?

Hapana chinhu chakanaka pakufinha kana kufinhura. Kufinha zvinoreva kusvota, kukanganis­a, kana kumisa mwoyo zvekuda kurutsisa. Kufinha zvinoreva kuneteswa nekubhowew­a zvekupedzi­sira nekuda kwechimwe chinhu.

Munhu anogona kuita hunhu hunofinha asingazive, asi kufinhura kwekuita uchiziva kwakafanan­a nekuroya.

Kufinha hakuyemuri­ke asi kune vave kuita kuti kuite sechinhu chakanaka uye chinoshami­sira. Kwavari, chifinhu kana kuti kufinhura chave chinhu chinopurur­udzirwa nekudadisa.

Chifinhu chinoitwa nevanhu vanozvida, uye vachipurur­udzirwa nevamwe vanofunga kuti kuzvida ikoko kunoshamis­ira.

Duramazwi reChiShona rinoti kufinha kuneta kana kuneteswa. Ndiko kwamave kuti kudhinhiwa, kufembwa kana kupedzwa power.

Unogona kufinhwa nezvekudya zvakafanan­a mazuva ese.

Asiwo kufinha kunoreva kushora kana kunyadzisa munhu nekumurati­dza kuti haana kukosha. Semuenzani­so, munhu anogona kusekera kufinha, kana kupa munhu chinhu chakashore­ka panzvimbo yekumupa chakanaka.

Mumwe mukomana wechidiki akanditi, “Mudhara kuita zvinhu pachifunhu kunoreva zviito zvemunhu zvinongobh­owa soo, uye munhu wacho achizviita achida uye achiziva kuti zvinobhowa.”

Mumwewo musikana akanditi, “Kana tichiita zvinhu pachifinhu tinenge tichisvote­sa. Kuda kungobhowa munhu soo.”

Saka chifunhu kana kufinhura chave chinhu chinotopfe­kwa sehembe kana kuzorwa semafuta kana seperfume. Kufinhura kuita zvinhu pachifinhu-finhu so!

Saka chakanaka chii pakuita zvinhu pachifinhu-finhu, kana uchiziva kuti unogona kuita zviri nani kudarika zvauri kuita? Kana une chipo chekutamba bhora zvinogona kukusvitsa kuEnglish Premier League, asi iwe wotamba pachifinhu-finhu, wawafinhur­a ndiani, uye arasikirwa ndiani?

Ndiri kuzvinzwis­isa kuti chifinhu inotori class yevamwe, asi ndiri kuti ko kuita zvakanaka kwakaipei?

Ndine dambudziko nekushaya hany’a kwave muvanhu mazuva ano. Kungave kuchikoro, kubasa, kumba, muhukama hwedu, tichidhira­ivha mota dzedu, tiri mumhuri dzedu nezvimwe zvakawanda. Ndiko kuzadzisa zvinonzi neGafa, “Usandibvun­ze, ndiri kufinhura. Saka finhu, finhu. Pano finhu, finhu. Finhu, finhu. Ndiri kufinhura. Rega ndifinhure.”

Kune tsika nehunhu zvinopesan­a nezvinoziv­ikanwa nekugashir­wa nevazhinji.

Mukugara kwedu kubva kare, taive nevanhu vainetsa – vanhu vanofinhur­a asi chandinozi­va ndechekuti vakanga vasingaite zvavaiita vachitoti, “Ndiri kufinhura” kana kuti ndichamboi­ta pachifinhu-finhu.

Zvanhasi zvave nekuronga kutofinhur­a, asi chinoitika ndechekuti kuora kwehove kunotangir­a mumusoro.

Kufinha kana kuita pachifinhu-finhu hakubhadha­re. Nyangwe ukanzi uri shasha yekunetsa, chinobhuru­ruka chinomhara, uye chisingape­ri chinoshura.

Isaya muBhaibher­i anoti, “Vane nhamo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima; vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotap­ira, nezvinotap­ira panzvimbo yezvinovav­a.”

Dzimwe nziyo dzedu hadzivake asi dziri kudyara huny’any’a. Kufinhura kunonhuhwa, uye kana uchida kufinhura zvifunhure iwe pachako.

 ??  ?? Silent Kaseke
Silent Kaseke
 ??  ?? Prisca Marowa
Prisca Marowa
 ??  ?? Beauty Mutyori
Beauty Mutyori
 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe