Kwayedza

Akapinyore­sa mukadzi $40

-

nyaya yakazoipa ave kunyengerw­a wake mukadzi apo akazomhany­a kunotaurir­a nyaya dzose mbiri kwaSabhuku Mungazi zvikazoita kuti gure iri rifumuke.

“Dare rakazoti Brian haachada kuonekwa mudunhu raMambo Chivero nekuda kwenyaya yaakaita yekupinyor­esa mudzimai wake ndokunzi adzokere kumusha kwake kwaMutoko mushure mekupedza kuripa mombe.

“Uyuwo Mutengezan­wa akanzi atame, obva zvake mudunhu raChivero nekutenga kwaakaita mudzimai wemunhu uye nekupfimba mudzimai wasekuru vake. Akanzizve haabvumidz­we kuonekwa akapfeka gemenzi rekuchechi ari mudunhu raChivero sezvo achipa muchereche­dzo wakaipa wechechi yaanopinda,” vanodaro VaKaseke.

Mutevedzer­i waSabhuku Mungazi, VaMunyarad­zi Mungazi (39), vanoti nyaya yekupinyor­esa mukadzi iyi inonyadzis­a.

“Vanhu vose ava — Brian Nyaruwabvu nemukadzi wake, Shame Mutengezan­wa nemhuri yake — handichada kuvaona muno. Tinonzwa kuti Brian akatengesa mukadzi wake kuna Mutengezan­wa ndokupihwa $100 asi iye ndokuramba achigara nemudzimai wake achiziva kuti sahwira wake anodanana nemukadzi uyu,” vanodaro.

Melania Rufu (35) anova mudzimai waMutengez­anwa anotsinhir­a nyaya yekuti murume wake anonzi anodanana nemudzimai waNyaruwab­vu.

“Ndazvinzwa kudaro, ndakapotsa ndanwa muchetura ndikaenda kunobvunza Brian nemudzimai wake nenyaya iyoyi yekunzi vakatenges­erana mukadzi. Ivo vakazviram­ba kusvikira nyaya yakazoenda kudare,” anodaro.

Kausha nemudzimai wake — Prisca Marowa (25) — vakatsinhi­rawo kuti muzukuru wavo Shame Mutengezan­wa aitsvaga rudo kuna ambuya vake ava inova nyaya yakazosvik­a kudare ramambo.

Kuchiti Mai Beauty Mutyori (39), avo vane pamusha pehama yavo panochenge­twa naNyaruwab­vu, vanoti inyaya inozivikan­wa kuti murume uyu akapinyore­sa mudzimai wake.

Hatred Mungazi (33) anoti nyaya iyi yasvibisa musha wavo kuchiti Manomano Mungazi (43) anotiwo vanhu vanoita zvakadai vanofanirw­a kubviswa mumusha.

Pakashanyi­rwa dunhu iri neKwayedza, Nyaruwabvu akawanikwa asi mudzimai wake akanzi ainge ashanya kuHarare.

 ??  ?? Manomano Mungazi
Manomano Mungazi
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe