Akapinyoresa mukadzi $40
nyaya yakazoipa ave kunyengerwa wake mukadzi apo akazomhanya kunotaurira nyaya dzose mbiri kwaSabhuku Mungazi zvikazoita kuti gure iri rifumuke.
“Dare rakazoti Brian haachada kuonekwa mudunhu raMambo Chivero nekuda kwenyaya yaakaita yekupinyoresa mudzimai wake ndokunzi adzokere kumusha kwake kwaMutoko mushure mekupedza kuripa mombe.
“Uyuwo Mutengezanwa akanzi atame, obva zvake mudunhu raChivero nekutenga kwaakaita mudzimai wemunhu uye nekupfimba mudzimai wasekuru vake. Akanzizve haabvumidzwe kuonekwa akapfeka gemenzi rekuchechi ari mudunhu raChivero sezvo achipa mucherechedzo wakaipa wechechi yaanopinda,” vanodaro VaKaseke.
Mutevedzeri waSabhuku Mungazi, VaMunyaradzi Mungazi (39), vanoti nyaya yekupinyoresa mukadzi iyi inonyadzisa.
“Vanhu vose ava — Brian Nyaruwabvu nemukadzi wake, Shame Mutengezanwa nemhuri yake — handichada kuvaona muno. Tinonzwa kuti Brian akatengesa mukadzi wake kuna Mutengezanwa ndokupihwa $100 asi iye ndokuramba achigara nemudzimai wake achiziva kuti sahwira wake anodanana nemukadzi uyu,” vanodaro.
Melania Rufu (35) anova mudzimai waMutengezanwa anotsinhira nyaya yekuti murume wake anonzi anodanana nemudzimai waNyaruwabvu.
“Ndazvinzwa kudaro, ndakapotsa ndanwa muchetura ndikaenda kunobvunza Brian nemudzimai wake nenyaya iyoyi yekunzi vakatengeserana mukadzi. Ivo vakazviramba kusvikira nyaya yakazoenda kudare,” anodaro.
Kausha nemudzimai wake — Prisca Marowa (25) — vakatsinhirawo kuti muzukuru wavo Shame Mutengezanwa aitsvaga rudo kuna ambuya vake ava inova nyaya yakazosvika kudare ramambo.
Kuchiti Mai Beauty Mutyori (39), avo vane pamusha pehama yavo panochengetwa naNyaruwabvu, vanoti inyaya inozivikanwa kuti murume uyu akapinyoresa mudzimai wake.
Hatred Mungazi (33) anoti nyaya iyi yasvibisa musha wavo kuchiti Manomano Mungazi (43) anotiwo vanhu vanoita zvakadai vanofanirwa kubviswa mumusha.
Pakashanyirwa dunhu iri neKwayedza, Nyaruwabvu akawanikwa asi mudzimai wake akanzi ainge ashanya kuHarare.