Kwayedza

STEMyovand­udzwa Maticha 300 oita zvidzidzo

- Munyori weKwayedza

HURUMENDE iri kutora matanho akasimba ekuvandudz­a chirongwa cheScience, Technology, Engineerin­g and Mathematic­s (STEM) kuburikidz­a nekufundis­a varairidzi vanosvika 300 zvidzidzo zvesainzi kumakoreji ari kumativi mana enyika.

Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandud­zwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, mudare reSenate nguva pfupi yadarika.

Prof Murwira vaipindura mubvunzo wemumiriri wemadzishe kuMashonal­and East mudare iri, Senator Enos Musarurwa.

Sen Musarurwa vaida kuziva mamiriro akaita chirongwa cheSTEM zvichiteve­ra mamwe mashoko anoti Hurumende yakamisa kuitwa kwechirong­wa ichi.

“Ndinoda kubvunza gurukota pamusoro penyaya yeSTEM. SeHurumend­e, tinoziva kuti STEM iri kubatsira vana padanho resekondar­i asi tinonzwa kuti yakabviswa. Ndehupi hurongwa hwamunahwo seHurumend­e kuitira kuti vana vakange vapinda muchirongw­a ichi varambe vachiender­era mberi nefundo yavo?” vanodaro.

Prof Murwira vanoti chirongwa ichi hachina kubviswa asi kuti chiri kuvandudzw­a.

“Chirongwa chisingakw­anise kubviswa. Chicharamb­a chiripo, chikamu chinoona nezvesainz­i. Pane bandiko remabhezar­i eSTEM iro vazhinji vanoridaid­za kuti STEM asi STEM zvinoreva kuti Science, Technology, Engineerin­g and Mathematic­s.

“Chatakamis­a mabhezari eSTEM epaA- Level. Ndinoda kujekesa kuti hatina kubva tamisa chirongwa ichi zvachose, asi kuti vadzidzi vakange vatanga kare vacharamba vachiender­era mberi nefundo yavo kusvika vapedza,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti bazi ravo riri kusimbarad­za chirongwa cheSTEM nekudzidzi­sa varairidzi veSainzi kumakoreji ari kumativi mana enyika.

“Tiri kuti ngatidzidz­isei varairidzi nekuti mudzidzisi mumwe chete anokwanisa kufundisa vana vanodarika 20 000 apo anozosvits­a makore 65 okuberekwa paanotaris­irwa kuenda pamudyandi­gere. Saka tichatora varairidzi vanosvika 300 kutanga mwedzi waChivabvu gore rino kuitira kuti vanofundir­a zvidzidzo zveSainzi,” vanodaro Prof Murwira.

Vanoti vadzidzisi ava vachanoita zvidzidzo izvi kumakoreji anosangani­sira Mkoba Teachers’ College, kuGweru, Joshua Mqabuko Nkomo, kuGwanda neMasvingo Teachers’ College.

“Tinovimba kuti kana tikashandi­sa nzira iyi, tinosvika kuvana vakawanda uye tinokwanis­a kuendesa mberi zvinangwa zveZimbabw­e zvechirong­wa cheSTEM nenzira iri nyore,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti bazi ravo rakatangaw­o zvakare chirongwa cheApprent­iceship icho chakange chamiswa makore mana adarika.

“Saka tiri kuenderera mberi neSTEM tichishand­isa nzira iyi. Kekutanga mumakore mana adarika, takatanga chirongwa cheApprent­iceship gore rino apo vadzidzi 200 papurovhin­zi yoga-yoga vachatorwa kuti vaite makosi eEngineeri­ng saka tinoda vanhu vanoshandi­sa mawoko avo,” vanodaro.

Vanoti bazi ravo rakaisawo padivi mari inosvika $500 000 yekusimudz­ira zvidzidzo zveSainzi muzvikoro kuburikidz­a nekuvaka pamwe nekuvandud­zwa kwemalibra­ry.

“Tiri kuzama kusvika kuvadzidzi vakawanda sezvatinok­wanisa. Zvatiri kuedza kutaura ndezvekuti semuenzani­so, kana tavandudza nekupa zvekushand­isa kuchikoro, tinenge tasimudzir­a zvizvarwa zvemangwan­a nezvichazo­uya,” vanodaro.

 ??  ?? Sen Musarurwa
Sen Musarurwa
 ??  ?? Prof Murwira
Prof Murwira

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe