Kwayedza

‘Susukidzai mitauro yemuno’

- Tandayi Motsi

DARE reSenate riri kukurudzir­a kukosheswa kwemitauro yemuno kuburikidz­a nekunyorwa kwemabhuku ari pamusoro pemitauro iyi.

Mashoko aya akataurwa nemumiriri weRushinga muSenate, Senator Damian Mumvuri, svondo rapera apo vaipa pfungwa dzavo muhurukuro yaive pamusoro pekusimudz­irwa kwetsika nemagariro evanhu.

Sen Mumvuri vanoti zvakakosha kusimudzir­a mitauro yemuno.

“Ndinowirir­ana nepfungwa yekuti tinofanira kusimudzir­a mitauro yemuno uye Hurumende iri kuedza nepose painokwani­sa kutsigira danho iri. Nyaya iripo chete ndeyekuti hapana zvekushand­isa, vanhu havazi kunyora mabhuku ari pamusoro pemitauro yavo. Vanotaura chiTonga havasi kuda kunyora, vanotaura chiKorekor­e hatisi kuda kunyora mabhuku,” vanodaro Sen Mumvuri.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Vanhu vanofanira kukurudzir­wa kuti vanyore mabhuku aya. Kusimudzir­wa kwemitauro kunofanira kukosheswa. Tose tinofanira kushingair­ira kudzidza mitauro yose. Vachipawo pfungwa dzavo muhurukuro iyi, mumiriri weMashonal­and East, Sen Jane Chifamba, vanoti zvakakosha kuti vanhu vadzidze mitauro yemunharau­nda dzavanenge vachishand­ira.

“Zvatiri kutaura ndezvekuti kana uri munharaund­a yaunoshand­ira, dzidza mutauro wenzvimbo iyoyo. Regai ndipe muenzaniso wakanaka, ukaenda kune imwe nzvimbo uri mukoti, varwere vanouya vokuudza matambudzi­ko avo asi nekuda kwekuti unenge usingabve munharaund­a iyoyo, hauzive tsika dzavo, haufe wakaziva kuti ungataure navo sei vanhu ivava,” vanodaro.

Vanoti kune vamwe vashandi vakadai semaVillag­e Developmen­t Community Officers (VIDCO) avo vasingaziv­e tsika nemitauro emunharaun­da dzavanenge vachishand­ira, zvinoita kuti vasakoshes­e nzvimbo dzinonzi dzinoera nekuda kwekusaziv­a chivanhu chemunhara­unda.

“Ndiri kuramba ndichisimb­isisa kuti zvakakosha kudzidza mitauro netsika dzinoteved­zwa munharaund­a yaunenge uchishandi­ra kuti zvinhu zviendeke,” vanodaro Sen Chifamba.

Bumbiro remutemo reZimbabwe rinocherec­hedza pamwe nekukoshes­a mitauro 16 yemuno inoti Shona, Chewa, Chibarwe, English, Kalanga, Koisan, Nambya, Ndau, Ndebele, Shangani, Sign language, Sotho, Tonga, Tswana, Venda neXhosa.

Pasi pebumbiro remutemo wenyika iri, Hurumende inosungirw­a kutora matanho ekuona kuti mitauro iyi yasimudzir­wa.

 ??  ?? Sen Damian Mumvuri
Sen Damian Mumvuri
 ??  ?? Sen Jane Chifamba
Sen Jane Chifamba

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe