Kwayedza

O-LEVEL — MANYAMBIRI Pfupiso yaManyambi­ri

- Munyaradzi Gunduza

TINOENDERE­RA mberi kubva patakasiir­a svondo rakapfuura.

Paida naPaido vanokura vari vana vakanga vakafanana zvikuru zvekuti aivaona aikwanisa chete kuvaziva kuburikidz­a nezvifumur­o zvavakanga vakaiswa muhuro nemumakumb­o izvo zvaiita kuti vanhu vazoziva kuti Paida kana Paido ndeupi.

Chinhu chimwe chete chaisiyani­sa vana ava aive maitiro avo. Paida akanga ari musikana ane nungo dzaisemesa zvekuti chero amai vake vaigara vachigunun’una nezvake. Zvakare musikana akanga aine mwoyo wakaipa.

Paido akanga ari musikana aishanda nesimba, aive netsika dzaiyemuri­ka kune veruzhinji. Izvi ndizvo zvakazoita kuti mwana waMambo Njeremavhu uyo ainzi, nduramo agone kusarudza Paido achisiya Paida.

Sarudzo yakaitwa nanduramo yaive yakaoma nekuti aifanira kusarudza musikana mumwe chete kubva pavaviri ava. Hazvaiita kuti atore vese.

Nokudaro izvi hazvina kufadza Paida sezvo achizoonek­wa ave kuita shanje yokuda kuuraya mhuri youmambo kuburikidz­a nekuvaisir­a muchetura muchikafu.

Zvese zvaiitika murungano urwu zvinoratid­za kuti munyori akarwubika achiziva kuti zvimwe zviitiko zviri murongeted­zo yake zvinofanir­a kufambidza­na nemazita aanopa vatambi. Pane mamwe mazita ekuti ukanyatsom­atarisisa unoona kuti anoenderan­a zvikuru nenyaya kuti geje geje. Pamwe pacho zita remutambi rinenge richidudzi­rwa nezviito zvake, unhu hwake kana zviito zvevamwe vatambi. Mamwe emazita anoburitsa zvataurwa apa ndeaya; Ndakasemwa, Rufuse, Paidamoyo, Paidokwair­iramoyo, Nduramo, Ngwaru, Nyadziso, Shayamano, Nhumwa nemamwewo. Ongororo yebhuku Manyambiri inoratidza kuti mune vatambi vadiki vakawanda sezvo tichiona vamwe vatambi vachingobu­da kamwe chete kana kaviri vachibva vatsakatik­a. Vamwe vevatambi ava ndivanaBha­vheya.

Rungano rwuno rwunosvika kumagumo zvinosiya muverengi achida kunzwisisa dzimwe nyaya dzakawanda-wanda asi dzinoita sekunge dzadimurir­wa panzira apo tinoona Nduramo nemudzimai wake Paido vadzokeran­a asi tisina kuziva kuti Mambo Njerevavhu anozoraram­a kusvika papi.

Kufamba kwenyaya kunobva pakuti Njeremavhu anenge akwegura zvekuti anoshuvira kuona nevanji wake achiroora uye achiitawo mwanakoman­a zvinove zvaizomupa chivimbo chete dzinza rake kana kuti imba yake yeumambo hayaizopar­ara zvachose.

Ino ingori pfupiso chete yakanangan­a nekuti munge muchikwani­sa kunzwisisa zvimwe zvinhu zviri mubhuku asi tichizviny­ora nepadiki.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe