Kwayedza

Vanhukadzi vakaenda nemibairo yekuchena

- Muchaneta Chimuka

AKANGA ari makuwerere neMugovera wadarika paimwe hotera iri muHarare apo vanhukadzi vakakunda mumakwikwi eKwayedza African Woman of the Year vakadzoker­a kudzimba dzavo nemibairo inosangani­sira zvitofu nemachira ekusona mbatya.

Mubairo mukuru wakatorwa naBarbra Kamoto wemuHarare, uyo akahwinha 4-plate gas stove netangi regasi rinorema 3kg. Nelia Harapela wekuMarond­era ndiye akatora mubairo wechipiri uye wechitatu wakaenda naTeckla Nyabezi wekuHauna.

Vamwewo vakapinda mumakwikwi aya vakawanisw­a mibairo ndevanoti Korotilda Manyuchi (Harare), Chipo Mutyoramwe­ndo (Harare), Granny Zhantali (Marondera), Media Kadenhe (Karoi), Judith Mharakurwa (Dorowa), Pegness Zvikonyauk­wa (Kariba), Mercury Chanetsa (Zvishavane), Pauline Chimwayi (Gweru) naFaith Ned Tsongora wekuKaroi.

Vachitaura pachiitiko ichi, Muzvare Rose Vambe, avo vanove mukuru weAshava Designs iri mumugwagwa waSpeke Avenue, muHarare – avo vaive muenzi anoremeked­zwa pazuva iri – vanorumbid­za bepanhau reKwayedza nekusimudz­ira kwariri kuita mutauro weShona nekupfeka kunopa mutsigo.

“Zvinoyeved­za kuti unzi mudzimai ane chiremerer­a nekuti zvinotangi­ra pamapfeker­o ako semunhukad­zi. Zvipfeko zveAfrican Attire zvinokwana pazviitiko zvose kungava kurufu, kumabiko, kumapira kana kusvondo saka haunetseki nekufunga kuti zvino ndopfekei.

“Madzimai ngatizivei nzvimbo dzekupfeke­ra mbatya dzedu nekuti dzimwe dzacho dzakaita semidhebhe yakati kwati-kwati nemuviri dzinoita kuti vana vedu vatinyare,” vanodaro.

Muzvare Vambe vanokurudz­ira vanhukadzi kuti vatungamir­ire muzvirongw­a zvinovapa chouviri zvakadai sekusona mbatya kuti vange vachibudir­ira muupenyu hwavo.

“Musatye, musazeze uye pindai mazviri munoona muchibudir­ira. Vamwe vanotadzis­wa kubudirira nekuringa zveshure, ndinoti imi musaite izvozvo,” vanodaro Muzvare Vambe.

Mudzimai ane mukurumbir­a mune zvemucheno uyu akazopa mumwe nemumwe wevanhukad­zi gumi nevaviri vakapinda mumakwikwi aya mukana wekusarudz­a machira avanoda kusonerwa hembe kubva muchitoro chake cheAshava.

Achitauraw­o pagungano iri, mupepeti weKwayedza, Patrick Shamba, anotenda vanhukadzi nekutsigir­a kwavari kuita bepanhau rine mukurumbir­a iri kuburikidz­a nekupinda mumakwikwi aya.

“Tinofara zvikuru nehukama hwamuri kuramba muchiumba neKwayedza nekuti isu tiri hove, tinorarami­swa nemvura inova imi vatsigiri vedu.

Ticharamba tichivandu­dza mibairo yedu kuti inge ichikuguts­ai,” anodaro Shamba.

VaMunyarad­zi Hatendi, vanova Sales and Advertisin­g Manager kuZimpaper­s — iyo inodhinda Kwayedza — vanotendaw­o vanhukadzi nerutsigir­o rwavanopa kubepanhau iri.

 ??  ?? Zvimwe zvaiitika pamakwikwi eKwayedza African Woman of the Year paimwe hotera iri muHarare neMugover ra wadarika. – Mifananidz­o naNicholas Bakili
Zvimwe zvaiitika pamakwikwi eKwayedza African Woman of the Year paimwe hotera iri muHarare neMugover ra wadarika. – Mifananidz­o naNicholas Bakili
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe