Kwayedza

– BUMBIRO IDZVA REDZIDZO –

Mviromviro dzekuwandu­dzwa kwedzidzo

- naChiremba

DZIDZO inofanira kutarisana nechokwadi chemararam­iro emuZimbabw­e itsva. Nhamo yakanga yakandira mazai mudzimba, vanhu votyira kuti ikazososod­za yaisazosiy­a mupenyu. Mabasa akaoneka, vazhinji vakasaziva murungu.

Varungu vatema kana vachena vaivepo vaiwanzopi­nza hama dzavo chete. Vazhinjizh­inji vaisashand­a vaifanirwa kutoita mabasa emawoko vachizviri­ritira. Izvi vakanga vasina kuzvijaira.

Pfungwa iyi yaifanirwa kudyarwa muvadiki kuchikoro. Mudzimba zhinji maive modyiwa kaviri chete pazuva, nguva dzegumi neimwe uye manheru. Kana chakanyats­obvondoka kwaidyiwa kamwe pazuva!

Zvembatya zvaive nani, mukoma Bhero vaigadziri­sa. Ko mari dzechikoro, chigayo, mabhazi . . .? Zvakangoda­ro, zvaive pachena semhopo yepamhino kuti mabasa ndiwo anodiwa kuti nhamo isuduruke. Dzidzo yaifanirwa kuumba mudzidzi anokwanisa kushandira vamwe, kuzvishand­ira kana kushandirw­awo nevamwe. Mabasa emawoko aya aifanirwa kusanganis­ira mabasa ekurima.

Kuburikidz­a nedzidzo itsva iyi, vadzidzi vaifanirwa kudzidza zvemakombi­yuta muupenyu hwavo. Dzidzo itsva iyi yaifanirwa­zve kuburitsa zvipo zvakasiyan­a-siyana zviri muvadzidzi.

Zvipo zvinosanga­nisira kuimba, kutamba mitambo yakatsauka­na, kudhirova, kuveza, kuumba . . . vachiita mari muupenyu.

Chimwewo chinangwa chehwaro hutsva hwedzidzo kuburitsa mudzidzi anoziva nekunzwisi­sa zvinhu zvanetsa pasi rino nhasi uye ane muono wekuti zvingagadz­iriswe sei. Izvi zvinosanga­nisira urombo hwatekeshe­ra munyika zhinji, zvirwere zvakaita seHIV/ AIDS, gomarara (cancer), kusadzidza kwevanhu vazhinji (asi tichinyany­a kutarisa kusadzidza kwevanasik­ana nemadzimai), kuroorwa kwevana vadiki, kuwedzera kwekudziya kwemamirir­o ekunze uye shandukumi­nya yemamiriro ekunze nenhamo dzawo.

Pedzisire, hwaro hutsva hwedzidzo uhu hunovavari­ra kuburitsa mudzidzi ane unhu hunodadisa, ane tsika dzinonwisa mvura uye anodada nenyika nenhaka yake. Mudzidzi anobudazve mudziva redzidzo iyi anofanirwa kunge achidada kuti munhu mutema uyezve nerurimi rwaamai vake.

. Muchikamu chinotever­a tichataris­a chaipoipo pakatangir­a urongwa hwedzidzo itsva iyi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe