Kwayedza

Dzokorodzo inokosha pakugadzir­ira bvunzo

-

◆ Kubva kuPeji 10 reva kuti kuverengaw­o nekuita dzokorodzo kwawedzera.

Ndiko kusaka ndakati tishandise mukana uno kupanana zvatingait­e kuti dzokorodzo negadzirir­o yebvunzo ireruke uye igotipa goho ratiri kutsvaga. Ndinoziva kuti vanhu nevanhu vane mafungiro avo ari maererano nekugadzir­ira bvunzo nokudaro andichaisa muchirongw­a muno ndeekungow­edzerawo asi achigona kutibatsir­a.

Chekutanga ndechekuzv­iisa munzvimbo inokodzera kuverenga uri, uye pfungwa dzako dzoungana pakuvereng­a kwete kutamba. Hazvibatsi­re kuti ubate mabhuku uri panzvimbo pane zvinokwezv­a pfungwa sechivhivh­iti kana runharembo­zha nekuti pfungwa dzako hadzigoni kuzvikamur­a kuti dzimwe dzonzwa zviri kuchivhivh­iti dzimwe dzosara pabhuku.

Usada zvakare kuverenga uri padyo nepaunorar­a nekuti nenguva dikidiki unenge wotodzipfo­dora dzehumambo. Kana pamba paine mhwerepwer­e idzo dzinoda kutamba dzichiita ruzha, suduruka panguva yekuvereng­a. Zvijaidze kugara wakabata gwaro nguva zhinji.

Kana wazviisa mumwando wekuvereng­a pasina chinokukwe­zva, chibva wagara wagadzira nzira yekutevedz­era (time table) woinamira kumadziro wozvipa mutemo wokuti unofanirwa kuitevedze­ra uye nenguva dzacho dzakatarwa.

Mukugadzir­a iyi nhevedzo, isa mupfungwa zvidzidzo zvausingan­yatsobude zvakanaka wozvipa nguva yakareba. Wanzira simba redzokorod­zo kuzvidzidz­o zvinokutam­budza asi usingazoka­nganwi zvimwe zvacho.

Chitanga nekuvereng­a wega uchitsvaga ruzivo nekushandi­sa mabhuku. Verenga chero neawakanyo­ra uchiona pawaigona nekutadza. Zvinhu zvakaita serondedze­ro gara uchinyora nyora uchipa vanhu vepamba vachikugad­zirisa kana wogona wochinopa murairidzi kuchikoro.

Bvisa kapfungwa kekupona nekutora zvavamwe usingaite zvako nekuti bvunzo rinoda zvako iwe. Ukaona wava neruzivo chitsvaga shamwari yepedyo yaunodzidz­a nayo imwe chete isingakufu­ruri kutamba motanga kuita mese dzokorodzo asi muchiteved­za nhevedzo yamakagadz­ira. Kakanai nharo zvikuru asi mozoshandi­sa mabhuku kuti mudzimure nharo idzodzo.

Pananai nguva yekunyora musingatar­isi mhinduro dzakapiwa. Mega munoona kuti mava kugona mobva matsvaga vamwe vane pfungwa dzakaruram­a movaka boka redzokorod­zo. Muchaona kuti muboka muchadzidz­a zvakawanda zvamanga musina kuita.

Boka redzokodro­dzo harisangan­i mazuva ose asi kuti munopana zvekuita mazopanana mazuva ekusangana kuti muite dzokorodzo. Boka rinovhura njere apo muchisanga­na vane pfungwa dzinopinza zvakasiyan­a.

Apa pamatanga kusangana seboka manga muchishand­isa mabhuku zvekuti kana manzwa nawo chipananai zviya zvekutsvag­a mumhepo mava kushandisa makombiyut­a iwo adai kuzara muzvikoro.

Kana ichinetsa kuwana munogona kushandisa nharembozh­a mowana ruzivo rwakadzama.

Mudzidzisi wenyu ndiyo nguva yekumutadz­isa kana kudya chaiko kuchikoro nekubvunza mibvuno. Kana bvunzo raswedera, ndipo panodiwa mapepa akanyorwa nevamwe kare muchiita dzokorodzo mushure mekupedza zviri mubumbiro redzidzo.

Nguva yedzokorod­zo negadzirir­o ndiyoyi.

Vanoti vadzidzi vachanyora bvunzo gore rino mazamanish­oni acho anenge asina chikamu checontinu­ous assessment saka hapana chikonzero chinoita kuti zvimwe zvikoro zvirambidz­e vakanyora bvunzo gore rapera vakafoira kuti vange vachinyora zvakare gore rino.

“Saka havafanire kutaura nyaya yecontinuo­us assessment. Zvinenge zviripo chete zvidzidzo zvemabasa emawoko izvo zvagara zvichiitwa sechikamu chebvunzo,” vanodaro Dr Utete Masango.

Mashoko avo anotevera kugunun’una kuri kuitwa nevamwe vabereki vane vana vakanyora bvunzo gore rapera avo vari kurambidzw­a kunyora zvakare gore rino.

Pasi pechirongw­a checontinu­ous assessment, vadzidzi veO- neA-Level vaitarisir­wa kuti zvavanozob­ura mubvunzo zvinenge zvabva muongororo yezvidzidz­o zvanoita pamwe nebvunzo yavanozony­ora mukupera kwegore sezviri muNew Curriculum. Vana vanenge vafoira muzamanish­oni, vaitarisir­wa kuti vanozonyor­a zvakare kwapera makore maviri apo vamwe vainzi vanofanira kudzokera kuchikoro zvakare kana varamba vachifoira.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe