Dzokorodzo inokosha pakugadzirira bvunzo
◆ Kubva kuPeji 10 reva kuti kuverengawo nekuita dzokorodzo kwawedzera.
Ndiko kusaka ndakati tishandise mukana uno kupanana zvatingaite kuti dzokorodzo negadziriro yebvunzo ireruke uye igotipa goho ratiri kutsvaga. Ndinoziva kuti vanhu nevanhu vane mafungiro avo ari maererano nekugadzirira bvunzo nokudaro andichaisa muchirongwa muno ndeekungowedzerawo asi achigona kutibatsira.
Chekutanga ndechekuzviisa munzvimbo inokodzera kuverenga uri, uye pfungwa dzako dzoungana pakuverenga kwete kutamba. Hazvibatsire kuti ubate mabhuku uri panzvimbo pane zvinokwezva pfungwa sechivhivhiti kana runharembozha nekuti pfungwa dzako hadzigoni kuzvikamura kuti dzimwe dzonzwa zviri kuchivhivhiti dzimwe dzosara pabhuku.
Usada zvakare kuverenga uri padyo nepaunorara nekuti nenguva dikidiki unenge wotodzipfodora dzehumambo. Kana pamba paine mhwerepwere idzo dzinoda kutamba dzichiita ruzha, suduruka panguva yekuverenga. Zvijaidze kugara wakabata gwaro nguva zhinji.
Kana wazviisa mumwando wekuverenga pasina chinokukwezva, chibva wagara wagadzira nzira yekutevedzera (time table) woinamira kumadziro wozvipa mutemo wokuti unofanirwa kuitevedzera uye nenguva dzacho dzakatarwa.
Mukugadzira iyi nhevedzo, isa mupfungwa zvidzidzo zvausinganyatsobude zvakanaka wozvipa nguva yakareba. Wanzira simba redzokorodzo kuzvidzidzo zvinokutambudza asi usingazokanganwi zvimwe zvacho.
Chitanga nekuverenga wega uchitsvaga ruzivo nekushandisa mabhuku. Verenga chero neawakanyora uchiona pawaigona nekutadza. Zvinhu zvakaita serondedzero gara uchinyora nyora uchipa vanhu vepamba vachikugadzirisa kana wogona wochinopa murairidzi kuchikoro.
Bvisa kapfungwa kekupona nekutora zvavamwe usingaite zvako nekuti bvunzo rinoda zvako iwe. Ukaona wava neruzivo chitsvaga shamwari yepedyo yaunodzidza nayo imwe chete isingakufururi kutamba motanga kuita mese dzokorodzo asi muchitevedza nhevedzo yamakagadzira. Kakanai nharo zvikuru asi mozoshandisa mabhuku kuti mudzimure nharo idzodzo.
Pananai nguva yekunyora musingatarisi mhinduro dzakapiwa. Mega munoona kuti mava kugona mobva matsvaga vamwe vane pfungwa dzakarurama movaka boka redzokorodzo. Muchaona kuti muboka muchadzidza zvakawanda zvamanga musina kuita.
Boka redzokodrodzo harisangani mazuva ose asi kuti munopana zvekuita mazopanana mazuva ekusangana kuti muite dzokorodzo. Boka rinovhura njere apo muchisangana vane pfungwa dzinopinza zvakasiyana.
Apa pamatanga kusangana seboka manga muchishandisa mabhuku zvekuti kana manzwa nawo chipananai zviya zvekutsvaga mumhepo mava kushandisa makombiyuta iwo adai kuzara muzvikoro.
Kana ichinetsa kuwana munogona kushandisa nharembozha mowana ruzivo rwakadzama.
Mudzidzisi wenyu ndiyo nguva yekumutadzisa kana kudya chaiko kuchikoro nekubvunza mibvuno. Kana bvunzo raswedera, ndipo panodiwa mapepa akanyorwa nevamwe kare muchiita dzokorodzo mushure mekupedza zviri mubumbiro redzidzo.
Nguva yedzokorodzo negadziriro ndiyoyi.
Vanoti vadzidzi vachanyora bvunzo gore rino mazamanishoni acho anenge asina chikamu checontinuous assessment saka hapana chikonzero chinoita kuti zvimwe zvikoro zvirambidze vakanyora bvunzo gore rapera vakafoira kuti vange vachinyora zvakare gore rino.
“Saka havafanire kutaura nyaya yecontinuous assessment. Zvinenge zviripo chete zvidzidzo zvemabasa emawoko izvo zvagara zvichiitwa sechikamu chebvunzo,” vanodaro Dr Utete Masango.
Mashoko avo anotevera kugunun’una kuri kuitwa nevamwe vabereki vane vana vakanyora bvunzo gore rapera avo vari kurambidzwa kunyora zvakare gore rino.
Pasi pechirongwa checontinuous assessment, vadzidzi veO- neA-Level vaitarisirwa kuti zvavanozobura mubvunzo zvinenge zvabva muongororo yezvidzidzo zvanoita pamwe nebvunzo yavanozonyora mukupera kwegore sezviri muNew Curriculum. Vana vanenge vafoira muzamanishoni, vaitarisirwa kuti vanozonyora zvakare kwapera makore maviri apo vamwe vainzi vanofanira kudzokera kuchikoro zvakare kana varamba vachifoira.