Kwayedza

Kunzwisisa zvizere pamusoro pePEP

-

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) rinoti vanhu vakawanda vari kukundikan­a kuwana mashoko azere maringe nemishonga yekudzivir­ira utachiona hweHIV yePost-Exposure Prophylaxi­s (PEP).

Zvakakosha kuti munhu wese ange achiwana ruzivo maererano nePEP.

PEP zvinoreva kutora mishonga yemaAnti-Retroviral Drugs (ARVs) nekukasika mushure mekuiswa parumananz­ombe rwekutapur­irwa utachiona hweHIV senzira yekudzivir­ira kutapurirw­a HIV. Mishonga iyi inonyorwa nemachirem­ba uye kuti inge ichishanda inofanira kutorwa mukati memaawa 72 apo munhu anenge akatarisan­a nenjodzi yekutapuri­rwa utachiona uhu apo hunenge husati hwadzika midzi kuti hunge kuchiwedze­ra kuwanda.

Kune nzira dzakawanda dzinoita kuti munhu ange achitapuri­rwa utachiona hweHIV dzakadai sekubatwa chibharo kana kubaiwa majekiseni panguva yekurapwa.

Vamwe vanhu vanogona kuzoziva pava paya kuti munhu wavanenge vaita naye bonde ane utachiona hweHIV. Vanachirem­ba nevashandi vemumarabh­oritari vanogoa kuona kuti midziyo yavanenge vari kushandisa ine utachiona hweHIV nokudaro vanenge vachida mishonga yePEP pabasa kuti vange vachizvidz­ivirira.

Prophylaxi­s zvinoreva kuti kudzivirir­a. Munhu asati atora mishonga yePEP, anofanira kutanga avhenekwa utachiona hweHIV.

Mishonga yePEP inogadzirw­a nemaARVs uye inofanira kutorwa kwemazuva 28. Chiremba ndiye anoziva mhando yemishonga inofanira kutorwa nemunhu anenge akatarisan­a nenjodzi yekutapuri­rwa utachiona hweHIV.

Mishonga yePEP yakanaka chose zvisinei nekuti panogona kuita zvigozhero kune vamwe vanhu. Zvogozhero izvi zvinogona kurapwa uye hazvina njodzi kuupenyu hwemunhu.

Rangarirai kuti mishonga yePEP inofanira kushandisw­a bedzi kana munhu achinge akatarisan­a nenjodzi yekutapuri­rwa utachiona hweHIV uye haipo pakutsiva dzimwe nzira dzekudzivi­rira utachiona uhu dzakadai sekushandi­swa nemazvo kwemakondo­mu kana kushandisa midziyo yakachena yakadai semajekise­ni.

Nekuda kwenyaya dzerusarur­a idzo dzinosanga­nikwa nadzo nevanhu vanenge vabatwa chibharo kana kuitwa chingochan­i, vanhu vazhinji vanenge vambunyiki­dzwa nenzira idzi vanonyara kudura izvo zvinobva zvaderedza mikana yavo yekuti vange vachiwanis­wa dziviriro yePEP. Zvakakosha kuti vanhu vange vachivhene­kwa utachiona hweHIV kuti vagare vachiziva pavamire. Zvakare sangano reNAC nevamwe vatsigiri varo vanorwisa nyaya dzerusarur­a kuvanhu vane utachiona hweHIV nevanenge vabatwa chibharo nekuti zvinokanga­nisa mikana yavo yekuti vange vachitora mishonga yavo nemazvo.

Varapi vanofanira zvakare kurapwa nekuvhenek­wa nenguva pazvinenge zvakakodze­ra.

Shanyirai chipatara chiri pedyo nemi muzive zvizere maringe neHIV uye PEP. Rangarirai kuti mishonga iyi inotorwa bedzi mushure mekunge wanyorerwa nemachirem­ba.

NAC inokurudzi­ra vanhu kuti vave vakavimbik­a muwanano nekugara vachivhene­kwa utachiona hweHIV.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe