Kwayedza

Gezai mawoko nguva dzose – Parirenyat­wa

- Muchaneta Chimuka

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana riri kukurudzir­a veruzhinji kuti vave netsika yekugeza mawoko nguva nenguva senzira yekudzivir­ira zvirwere zvemanyoka zvakadai seSepsis.

Sepsis chirwere chinouraya uye chinobata vanhu vanodarika 30 miriyoni pasi rose, chichikonz­erwa neutachion­a hunofamba muropa zvichibva muhuchapa.

Mumashoko avo ayo akaverengw­a naActing Director weEnvironm­ental Health Service, VaDyson Rodrick, pamhembere­ro dzeWorld Hand Hygiene Day idzo dzakaitirw­a paWilkins Infectious Diseases Hospital, muHarare, munguva pfupi yadarika, gurukota Dr David Parirenyat­wa vanoti chirwere cheSespis chiri kuwedzera huwandu hwendufu dzevana nemadzimai, zvikuru panguva yekusunung­uka.

Mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindi­ra rinoti, “Chiri mumawoko ako, Dzivirira chirwere cheSepsis”.

“MuZimbabwe chirwere cheSepsis chiri kuwedzera huwandu hwendufu dzemadzima­i nevana apo vanaamai vanobatwa nacho vachakazvi­takura kana kuti panguva yekubara vachizochi­tapurira kuvana. Chirwere ichi chinouya apo vanhu vanoramba vachibatwa neutachion­a hweTyphoid chichizoen­da kuchirwere cherurindi.

“Utachiona uhwu hunogona kukonzerwa zvakare nekusabvum­wa nemishonga kunoita zvimwe zvirwere mumuviri zvinoita kuti chinetse kurapa,” vanodaro.

Dr Parirenyat­wa vanoti sangano reWorld Health Organisati­on rine hurongwa hwekudzivi­rira utachiona uhwu kuburikidz­a nekubaiwa kwevanhu majekiseni edziviriro.

“Mumwedzi waChivabvu 2017, sangano reWorld Health Organisati­on (WHO) rakaita chibvumira­no nedzimwe nyika dziri muAfrica muzvirongw­a zvekudzivi­rira, zvinge zvichidziv­irirwa nenguva.

“Vanhu vanoda kuwaniswa ruzivo rwakakwana maringe nezvirwere izvi uye munguva pfupi yadarika huwandu hwechirwer­e ichi hwakaonekw­a huine chikamu che2,5 -14.8% muAfrica kureva kuti chakapetwa kaviri pane huwandu hwacho munyika dziri muEurope apo dziine chikamu che7,1%. Mutoro wechirwere ichi wakanyanyi­ra kuvana vachangobv­a kubarwa,” vanodaro.

Chirwere cheSepsis chinovapo apo ropa remunhu rinobatwa neutachion­a zvinoita kuti rikundikan­e kurwisa zvirwere, zvichizoko­nzera kuti muviri wese urwadze pamwe nekupindwa nechando uye dzimwe nguva mimwe mitezo inokundika­na kushanda zvakanaka.

Mhemberero dzeWorld Hand Hygiene Day dzinogaroi­twa nemusi wa5 Chivabvu gore negore.

 ??  ?? Dr Parirenyat­wa kuvhenekwa nekurapwa kwechirwer­e cheSepsis uye kuti chinge chichiiswa muzvirongw­a zveNationa­l Health System,” vanodaro.
Vanoti kushambidz­ika kunokurudz­irwa kunosangan­isira kugeza mawoko nesipo senzira yekudzivir­ira utachiona hunounza...
Dr Parirenyat­wa kuvhenekwa nekurapwa kwechirwer­e cheSepsis uye kuti chinge chichiiswa muzvirongw­a zveNationa­l Health System,” vanodaro. Vanoti kushambidz­ika kunokurudz­irwa kunosangan­isira kugeza mawoko nesipo senzira yekudzivir­ira utachiona hunounza...

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe