Kwayedza

– ZVIWANIKWA ZVEZIMBABW­E –

-

SAMBANI/HWIRIBIDI (Isambane/Aardvarks/Ant bear)

SAMBANI kana kuti hwiribidi imhuka inowanikwa munzvimbo dzakawanda dzemuZimba­bwe, kunyanya kunevhu rejecha. Mhuka iyi ine muromo murefu – vamwe vanoti wakarebenu­ka – uyo wainoshand­isa kubata hwema nekufukunu­ra mwena nezvuru zvinenge zviine majuru kana kuti muchenge kana masvosve.

Sambani ine muviri wakasimba uye musana wayo wakatutuma­ra, uine tumvere twakada kutsvukuru­ka (yellowish-grey) asi dzimwe nguva twuchinosv­ibirira zvichiende­rana nevhu renzvimbo yainogara <https://en.wikipedia. org/wiki/Soil>.

Ganda remhuka iyi rakasimba kana kuti rakaomarar­a kuitira kuidziviri­ra kuzvimwe zvikara. Makumbo esambani ekumashure akati rebei zvishoma kudarika ekumberi, dzimba remberi riine zvigunwe zvina asi reshure riine zvishanu.

Sambani inogona kurema zvekusvika 80 kg uye inoreba kusvika 60 cm. Sambani inogara muguru kana kuti mazimwena ayo inochera ichishandi­sa makumbo ayo akasimba. Mhuka iyi inofarira kufamba husiku uye masikati apo kunze kunenge kuchipisa, inenge iri muguru.

Zuva richingodo­ka, sambani inotanga kuvhima chikafu – yoshandisa nemazvo matsimba ayo ane nzara kutsvaga kudya kwepamoyo – majuru kana kuti muchenje.

Inochera churu nekukasika ichitsvaga kudya. Ichishandi­sa rurimi rwayo rwakareba zvekusvika 30cm, sambani inoita zvekunanzv­a majuru. Ganda rayo iro rakaomarar­a rinoibatsi­ra kuti isarumwe nemajuru pakudya.

Sambani hadzi inoita mawuta kwemwedzi minomwe <https:// en.wikipedia.org/wiki/Gestation> uye inobara mwana mumwe chete angangorem­a 1.7 kusvika 1.9 kg. Dzinowanzo­ita vana munguva yechando uye mwana wacho anochenget­wa nesambani hadzi kwemwedzi mitanhatu.

Kana zvaipa, sambani inotizira muguru rayo – asi kana paine mukana, inokwanisa kuchera mwena nekukasika wekungopin­da nguva iyoyo.

Kana ichipfuiwa, sambani inogona kurarama kwemakore 23.

Kunze kwekugona kubata hwema, sambani ine nzeve dzinonzwa zvakanyany­a izvo zvinoita kuti ikasike kunzwa zvikara zvakaita seshumba, mbada, mhumi, mapere kana dindingwe kana vanhu apo zvinenge zvichiri kure.

Kana yotiza, sambani haimhanye yakati twasa kuitira kunzvenga muvengi asi kana yaiswa pakaomarar­a, inoswinya nenzara dzayo refu.

Vamwe vanoshandi­sa sambani mumabasa echivanhu akasiyana. Vamwe vanoti sambani inotaswa nevaroyi pakufamba husiku kunyangwe zvazvo aya achingova mafungiro evamwe sezvo pasina humboo hwakazara nezvazvo. Vamwe vanoti rurimi rwesambani mudya ndakasunga sezvo rwuchinzi rwunonaka zvikuru sehusavi.

Zvisinei, bazi reZimparks harikurudz­ire vanhu kuti vatevedze tsika dzose dzakashata idzi, asi kuti vagarisane zvakanaka nezviwanik­wa.

. Zvimwe zviri muchinyorw­a chino: Chris and Tilde Stuart Field Guide to the Larger Mammals of Africa.

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

 ??  ?? Sambani
Sambani
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe