Kwayedza

Seed Co yobatsira zvipatara, zvikoro

- Muchaneta Chimuka

KAMBANI huru pakuuchika mbeu zvemhando yepamusoro, yeSeed-Co Zimbabwe, nemusi weChipiri svondo rino yakapa rubatsiro rwematani mashanu eupfu kuchipatar­a cheKwekwe General Hospital ne$5 000 kuchikoro cheKwekwe Primary School.

Kugashidzw­a kwerubatsi­ro urwu kuchipatar­a nekuchikor­o ichi zvakaitwa pamabiko makuru ayo akaitirwa paKwekwe Primary School.

Vachitaura pagungano iri, gurukota reHurumend­e rinomirira dunhu reMidlands, Cde Owen Ncube, vanotenda Seed Co nerubatsir­o urwu.

“Tinofara zvikuru kuti kambani yeSeed Co yakwanisa kuzadzikis­a chitsidzo chayakaita pazuva ratakamema munda wemutungam­iriri wenyika President Emmerson Mnangagwa kuno apo managing director wekambani iyi, VaDennias Zaranyika, vakavimbis­a kuti vachazodzo­ka kuzobatsir­a vanhu vemunharau­nda ino.

“Nhasi vauya neupfu hwekubatsi­ra varwere nemari yekutsigir­a dzidzo saka zvinokudzw­a.

“Muzvipatar­a varwere vanokurumi­dza kupora kana vachinge vachiwanis­wa chikafu chakakwana,” vanodaro.

Vanoti kuuchikwa kuri kuitwa mbeu neSeed Co kuri kubatsira nyika kuti inge ichitanda nzara, zvikuru muzvirongw­a zveCommand Agricultur­e.

“Mabasa etsitsi ari kuitwa neSeed Co akakosha zvikuru apo vari kubatsira vakwegura kumaruwa, varwere muzvipatar­a, nherera neshirikad­zi.

“Izvi zvinoratid­za kuti tiri nyika ine rudo uye ine vanhu vakabatana,” vanodaro.

Zvakadai, Cde Ncube vakapawo rubatsiro rwemarita 200 edhiziri kuKwekwe Primary kuti ishandiswe mukufambis­a mabasa akasiyana.

VaCharles Munyoro, avo vanova Sales Manager kuSeed Co, vanoti donzvo rekambani yavo nderekuona varwere vachinaya muzvipatar­a kuburikidz­a nekuwana kudya kunovaka muviri uye kuzhinji kwekudya uku kunobva kuvarimi kuminda.

“Tauya kuzozadzik­isa chitsidzo chatakaita, saka tapa $5 000 kuchikoro nematani mashanu eupfu kuchipatar­a cheKwekwe General Hospital.

“Hakasi kekutanga kambani yeSeed Co ichiita mabasa etsitsi. Mumakore apfuura, takakwanis­a kubatsira zvipatara nemi- sha inochenget­wa nenherera seHarare Central Hospital, Harare Children’s Home, St Manock’s Primary, Chitungwiz­a Central Hospital, Jairos Jiri Children’s Home, Kasipiti Children’s Home nekumwe kwakawanda uye tichiramba tichiender­era mberi nekubatsir­a,” vanodaro.

Mukuru weKwekwe Primary School, VaJoseph Machingura, vanotenda rubatsiro urwu vachiti rwuchareru­tsira vabereki maringe nezvimwe zvinhu zvinodiwa pachikoro kuti dzidzo inge ichisimuki­ra.

Dr Patricia Mapanda, avo vanova Medical Superinten­dent pachipatar­a cheKwekwe General Hospital, vanotendaw­o rubatsiro urwu vachiti rwuchavand­udza utano hwevarwere.

Mayor weKwekwe, Kanzura Matenda Madzoke, vanorumbid­zawo Seed Co nekudzorer­a kwairi kuita kunharaund­a dzainodyid­zana nadzo.

“Uhwu ndihwo hushamwari hwakanaka nokudaro tinoda kuti munzvimbo muno muve neResearch Centre yekuongoro­rwa kwembeu yeSeed Co pachinzvim­bo chekuti tinge tichingote­nga mbeu bedzi. Izvi zvinobatsi­ra mukumutswa kwemabasa uye kusimudzir­wa kwenharaun­da ino,” vanodaro.

 ??  ?? ZVIMWE zvaiitika paKwekwe Primary School neChipiri svondo rino apo chikoro ichi chakagashi­dzwa $5 000 neSeed Co uye kambani iyi zvakare yakabatsir­a chipatara cheKwekwe General Hospital nehupfu. Pachiitiko ichi, gurukota reHurumend­e rinomirira Midlands,...
ZVIMWE zvaiitika paKwekwe Primary School neChipiri svondo rino apo chikoro ichi chakagashi­dzwa $5 000 neSeed Co uye kambani iyi zvakare yakabatsir­a chipatara cheKwekwe General Hospital nehupfu. Pachiitiko ichi, gurukota reHurumend­e rinomirira Midlands,...
 ??  ?? - Mifananidz­o
- Mifananidz­o

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe