Kwayedza

MUSANGOTAU­RA : CHUNGA

Anoti parizvino ari mushishi kusimudzir­a vechidiki kuti vazove neramangwa­na rakajeka mumutambo wenhabvu. Bhora mutambo

- Abel Ndooka

SHASHA yakambonet­sa munhabvu - Moses “Bambo” Chunga - anoti chakakosha kuti munhu ave murairidzi webhora handi magwaro ekudzidza asi kuti ruzivo rwakadzama rwunobva pakutamba mutambo uyu.

Bambo, uyo aizivikanw­a zvakare nezita remadunhur­irwa rekuti “Razorman” mazuva aaitamba nhabvu, anoti vamwe vatambi vakaita mukurumbir­a saiye havasi kukosheswa munyika muno nekupihwa mukana wekurairid­za vachinzi havana magwaro akakwana anotaridza kuti vakadzidza kuti vazove makochi.

“Muno vatambi vakambotam­ba nhabvu havakoshes­we ndicho chokwadi uye ndizvo zvatinoona zvichiitik­a.

“Kana uchida kurairidza zvinonzi tanga waita mapepa, zvino mapepa ndiwo here anorairidz­a nhabvu? Munhu akatamba nhabvu ane ruzivo nemutambo uyu neangoita mapepa ndiani ane ruzivo apa rwenhabvu?

“KuEurope ukangotamb­a nhabvu, wotambira nyika yako, wasendeka kutamba nhabvu vanotokuen­desa kuchikoro chekurairi­dza nhabvu kuti uite mapepa acho anodiwa zvigokubat­sira ruzivo rwako rwemutambo uyu,” anodaro Bambo.

Anoenderer­a mberi achiti anoseka zvake apo anonzwa vaongorori vemutambo wenhabvu vachishoro­podza varairidzi vanenge vakundwa mumitambo yezvikwata zvavo vachivati dai vange vatamba nenzira dzakadai asi ivo vasina kana ruzivo rwekurairi­dza mutambo uyu.

“Vanoongoro­ra mutambo uyu vanogona chaizvo kushoropod­za wena, unonzwa vachiti dai vatamba nenzira iyi, dai atamba 3-5-2. Chii chinonzi 3-5-2, zvekuti mbuya vangu kumusha vakavereng­a padandemut­ande vanogona kutaura nezvazvo?

“Uri kunze uko unogona kutaura zvakawanda asi ukanzi urairidze chikwata chikuru apa unotiza wega zvakuremer­a.

“Nhabvu iyi hauitambe nemuromo,” anodaro.

Zvakadai, anoti parizvino ari mushishi kusimudzir­a vechidiki kuti vazove neramangwa­na rakajeka mumutambo wenhabvu.

Anoti zvikwata zvevechidi­ki zvinofanir­wa kubatana nezvemuPre­mier Soccer League zvopota zvichitumi­ra vatambi vazvo kwete tsika yave kuitwa yekuti vemapoka anozivikan­wa nekuti maAcademy kana kuti maAgency ndivo vave kutengeser­a zvikwata zvikuru izvi vatambi.

“Munhu haatange kutamba nhabvu ave nemakore 25 kana 22 kana 19 okuberekwa, kwete. Asi ane 12 kana kumashure nekuti ndipo paanotanga kubikwa tarenda rake ofambwa naye kusvika ave mutambi chaiye. Isu tinenge tabva naye kure maAgency ouya omunyenger­a oenda naye kunomuteng­esa kuzvikwata zvakasiyan­a isu hapana chatave kuwana nebasa ratinenge taita pakumubika.

“Chimwezve, vamwe vatambi vacho havasi kuzosvika kure nekuti vanomhanyi­swa kuendeswa ivo vasati vanyatsoib­va izvo zvinozovak­anganisa,” anodaro Bambo.

 ??  ?? Moses ‘Bambo’ Chunga
Moses ‘Bambo’ Chunga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe