Kwayedza

Ngano dzaivepo kuchengete­dza vanhu vaMwari

- Munyaradzi Gunduza

4. NGANO dzaivepo kuchengete­dza vanhu vaMwari, tsigira pfungwa iyi nengano shanu dzinobva mubhuku iri. [25]

Svondo rino tinopedzis­a mubvunzo uyo watakatang­a svondo rapera.

Mungano yakanzi Muteyi wemaduwo nomukadzi wake munoburits­wa pfungwa yokuti ngano dzaivepo kuchengete­dza vanhu vaMwari zvakare. Mungano iyi mune murume aiva nyanzvi mukubata hove nemaduwo, asi hove dzake dzaidyiwa kwosiiwa misoro chete.

Mukutsvaga kuti chii chaidya hove, mukadzi nemurume vakazoona kuti raive garwe. Mukadzi akapopoter­a garwe akati rimupe hove dzemurume wake. Garwe rakabvuma rikaudza mukadzi uyu kuti aritakure vaende rinomupa hove dziye, asi tsuro aive kunze kwemvura akaona kuti mukadzi uyu ainge ave kutoenda kunodyiwa negarwe.

Tsuro akadaidza garwe nemudzimai kuti vauye kunze kwaive nemurume wemukadzi uye achibva audza murume kuti abaye garwe. Garwe rakabaiwa rikafa kuburikidz­a nenjere dzaTsuro. Kubudirira kunoita Tsuro mukuponesa mukadzi uyu achishandi­sa pfungwa sekapuka kaduku kunojekesa kuti ngano dzaivepo kuchengete­dza vanhu vaMwari. Tsuro anotorwa semunhu waMwari sezvo ari kamhuka kadiki kanokwanis­a kufunga kupfuura vanhu vakuru izvo zvinobva zvaburitsa kuti ngano dzaichenge­tedza vanhu vaMwari.

Imwe ngano inoburitsa kuti ngano dzaivepo kuchengete­dza vanhu vaMwari yakanzi Gore renzara. Murungano urwu mune murume nemukadzi vakasangan­a nedambudzi­ko renzara. Murume akafunga zvokunotsv­aga chikafu ndokuenda musango maakawana uchi.

Akauya nehushoma akasiya aviga humwe muhari, musango muye. Zvino murume akange asingachad­yi chikafu kumba achidya uchi hwoga kusango, mhuri ichinetsek­a. Rimwe zuva kamwana kake kadiki kakazofung­a zvokumutev­era kuti kaone zvaaidya kusango kwaaienda. Kamwana kaya kakazoudza mai vacho kuti baba vaive neuchi hwavaidyir­a kusango. Mukadzi akazoenda nemwana vakanotora uchi hwacho murume asingazivi.

Mukadzi akabva aramba murume nokuti aive nehutsinye asina rudo nemhuri yake. Kubudirira kunoita kamwana kadiki mukubata chokwadi kuti baba vainodya uchi kusango kunoburits­a kuti ngano dzaivepo kuchengete­dza vanhu vaMwari sezvo mwana mudiki ari iye akakwanisa kuita njere dzokutever­a baba kusango kusvikira aona kuti vaidya uchi vari voga kusango.

Imwe ngano inoburitsa kuti ngano dzaivepo kuchengete­dza vanhu vaMwari yakanzi Murume neshiri. Mungano iyi mune murume aive muvhimi akapinda musango kunovhima. Akauraya mbira mbiri akasangana nemhuka zhinji dzakafa dzoga dzaisangan­isira nhoro pamwe nenyati, asi paaida kudzinhong­a aiiudzwa neshiri kuti asiye sezvo zviuya zvaive mberi.

Akazofunga kutiza shiri iye achinohwan­da mubako maive nemba hombe yakanaka iyo yaive yeshumba. Shumba yakazodzok­a ikawana mumba mayo mapinda munhu ikamuudza kuti ape mbira kuimbwa dzake dzidye iye ozodya imbwa dzake, zvadaro iye ozodyiwa naShumba.

Shiri iye yainge yambotizwa nemurume uyu yakatuma Mbeva kunoudza Shumba kuti mbeva yaida kuzodyawo Shumba. Izvi zvakagumbu­risa Shumba ndokutanda­nisa Mbeva achisiya murume uye. Murume uya akasara achitiza. Akazofamba akaenda kunyika yaakasvika ine vakadzi chete nepfuma zhinji uko kwaakazoga­ra zvakanaka mushure mekunge imbwa dzake dzauraya chichember­e chainge chapedza vamwe varume vose munzvimbo iyi chichivaur­aya. Kuponeswa kunoitwa murume uyu neShiri kanova kapuka kadiki kunoratidz­a kuti ngano dzaivepo kuchengete­dza vanhu vaMwari sezvo Shiri kari kapuka kadiki asi kakakwanis­a kupa mazano akararamis­a munhu.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe