Kwayedza

Ndiko kupindana kwamazuva

-

VAKAPINDA musarudzo dzokutanga sevavhoti nyika ichiwana kuzvitonga kuzere mugore ra1980, vachiripo nhasi uno tadongorer­ana neimwe sarudzo, vanogona kupupura kuti zvinhu zvasanduka.

Pane zvizhinji zvakaitwa muna1980 zvisisiri kuitwa mugore rino. Asi hwaro hwakaumbwa gore iroro hahufe hwakaparad­zwa zvakare. Chingangoi­ta ndechokuti zvimwe zvinhu zvinoenda zvichivand­udzwa, zvichiende­rana nezvavako, kwete muZimbabwe chete, asi mudunhu reSadc neAfrican Union yose.

Vanhu pavakavhot­a muna1980 sangano reSadc rakange risati ravepo nokuti dzimwe nyika mudunhu rekuchamhe­mbe kweAfrica dzakange dzisati dzasunungu­ka, kusanganis­ira South Africa neNamibia. Mozambique neAngola vakange vari pakati pehondo (civil war), vapanduki vachirwisa hurumende itsva.

Sarudzo dzegore rino dzinenge dziine mapato akawanda ari kukwikwidz­a, asi vamwe vechidiki vari kukwikwidz­a gore rino, vanofunga kuti vatsva vetsambo nokuti muZimbabwe hamuna kumbokwikw­idza mapato akawanda kudaro.

Vasingaziv­e ngavadzidz­iswe, vaudzwewo kuti vakatarisa nhoroondo yesarudzo dza1980, vachaona kuti kune mapato akawanda akakwikwid­za, zvisinei kuti nyika yaibva muhondo.

Ivava vechidiki zvakare, vakatarisa, vachaona kuti sarudzo dza1980 dzaive nevanhu vechidiki nevakuru vaikwikwid­za, pasina aizvidza mumwe kubudikidz­a nezera.

Chanetsa gore rino ndechepfun­gwa yapinda muvana vechidiki (makore 18 kusvika 40) vanofunga kuti vose vane makore ari pamusoro pemakore aya, ngavaende kumba, vanozorora ivo voita basa.

Kafungiro aka kanosuwisa zvikuru, nokuti hapana munhu akangoerek­ana ave nemakore makumi matanhatu kana manomwe.

Munhu wese anotevera muronga mukukura kwake.

Patinenge tichikura kudaro, ndipo patinowana­wo ruzivo nounyanzvi hwedu zvichikwen­enzvereka, kuitira kuti kana tikati tave kuda chigaro chakati kuti, tinenge tichiziva kuti tave narwo ruzivo.

Saka iri kubva kupiko pfungwa yokuti vanhu vezera romutungam­iri werimwe bandika reMDC-T, Nelson Chamisa, ndivo chete vakakodzer­a kukwikwidz­a?

Zvauya sei? Kuzvidza kana kuti ipfungwa yabata mazera echidiki kuti ndivo chete vane kodzero yokushanda?

Inzwai, Mukwende haarambi kuti vechidiki vawanda kupinda vanhu vakuru.

Asi hazvizi muZimbabwe chete, uyewo hazvingaon­ekwe sedambudzi­ko nokuti ndozvazvir­i mumaziso aMusiki.

Zera rimwe nerimwe rinenge richiita zvaro zvakananga kuen- desa nyika mberi.

Saka zvatave kuona mazuva ano kuti vechidiki vave kuti vakuru ngavaende kumusha kunofudza mbudzi, kuti ivo vatore mabasa, zviri kubva kupiko?

Muzvare Jessie Majome, mumiriri weMDC-T mudare reParamend­e kuHarare West ari parumananz­ombe nevechidik­i vemubato rake vari kumuti ngaaende kumusha anofudza madhongi.

Izvi zvasvika padanho rokuti achapinda musarudzo ari nhengo yakamira yoga.

Muzvare Majome haasi iye wokutanga kuudzwa makobvu nematete nemazera echidiki vave kungofunga kuti zvese ngazviitwe naivo. Ukaenda pa”social media”, ndidzo nyaya dziripo dzokutuka.

Unonzwa vachiti vatadza zvachose mumabasa avo, uye ngavasiire vechidiki vanonzwisi­sa ruzivo rwamazuva ano rwehunyanz­vi hwe”technology”.

Vamwe takakura tichiudzwa kuti mukuru, mukuru, hanga haigari pfunde, nezvo takange tisingaziv­e kuti ichasvika nguva yokuti vakuru vanonzi hapana zvamunotib­atsira. Toona kwazvinosv­ika.

Kupindanaw­o kwemazuva, sezvatiri kuona suku nasai iri kuitika mumatunhu akasiyana-siyana vanoda kukwikwidz­a vachitsvag­a rutsigiro.

Zviri kuitwa nenzira dzakasiyan­a-siyana, asi donzvo riri rokuti pito painorira kuti ngoma iya ngairidzwe, Zimbabwe inosarudza mutungamir­i wenyika wainogutsi­kana naye; vamiriri mudare reParamend­e nevamiriri vematunhu mumaguta nekumaruwa.

Iye zvino, zvinoita segomo risina hukwiriko, kumwe kuchinzi tabiridzir­wa, vamwewo vachichema kuti mumiriri wavainaye ndewokuman­ikidzirwa.

Zvisinei zvese izvi, semvura yeguvi, zvichagadz­ikana sarudzo dzongoitwa murunyarar­o, pajekerere. Inganzi “democracy” sei kana vanhu vasingaedz­ane masimba? Kutori kukura kweZimbabw­e ikoku, nhasi kuchiuya zvimwe, mangwana kwouyawo zvitsva.

Kana ivo vechidiki vanhasi vari kuti vakura ngavanofud­za mbudzi kumusha, vachaona kuti vachasvika pazera iroro, uyewo vachaziva kuti hapana chakamboip­a pakufudza mombe, madhongi kana mbudzi. Upfumi hunorarami­sa munhu, kwete motokari dzinodhura.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe