Kwayedza

N’anga inogara netsoko, kamba 8

- Tandayi Motsi

N’ANGA yechikadzi, pamwe chete nemurume wayo, vakamiswa mudare ndokubatwa nemhosva yekugara netsoko nekamba sere vasina mvumo yekuzviche­ngeta.

Zvinhu izvi vange vachizvish­andisa mumabasa avo ehun’anga.

Pauline Tukula (64) nemurume wake, Tshidiso Sidwell Tukula, vakamiswa pamberi pemutongi Johani Gouws, kuBloemfon­tein Magistrate’s Court, kuSouth Africa, ndokutonge­rwa kubviswa faindi uye kukundikan­a kwavo vachanodya refovhoro.

Bloemfonte­in imwe yenzvimbo dziri kugara zvizvarwa zvemuZimba­bwe izvo zvakawanda kuSouth Africa uye kune vanhu vane chitsama vanoita zvemishong­a.

Muchuchusi munyaya iyi aiva Dolf Nel.

Pakumira kwavakaita mudare iri, Pauline nemurume wake havana kupedzera mutongi nguva sezvo vakabvuma mhosva yavo pasina kundandama.

Mukadzi wechikuru uyu akatongerw­a kubvisa faindi yeR6 000 uye kukundikan­a kwake achagara mujeri kwemakore mashanu.

Tshidiso akatemerwa­wo chirango chekubvisa faindi yeR6 000 uye kukundikan­a kwake achagara mujeri kwemwedzi mitanhatu.

Mutongi akabvisa mwedzi mina kana kuti R4 000 pachirango ichi paine chitsidzo chekuti Tshidiso haapare mhosva yerudzi urwu zvakare mukati memakore mashanu.

Pauline anobvuma mudare kuti aive asina mvumo yekuchenge­ta tsoko nekamba idzi uye anoti aizvishand­isa pakuita mhiko dzake dzehun’anga.

Reinet Meyer, anove senior inspector kusangano rinoona nezvekuche­ngetwa kwemhuka, reSociety for the Prevention of the Cruelity to Animals (SPCA) kuBloemfon­tein, anoti pavakashan­yira Pauline nemurume wake, vakawana tsoko iyi nekamba zvave kuziya nenzara uye nenyota.

“Patakashan­yira Pauline Tukula, akambozama kuda kuti pfungwa dzedu dzisiyane nezvemhuka idzi apo aitiratidz­a magwaro ake ehun’anga. Izvi hazvina kubudirira kuti zvinge zvichitibv­isa pfungwa dzedu pane zvataiva tafambira uye takatanga kuongorora tsoko nekamba sere idzi,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Tsoko iyi yaive mukeji yewaya. Takawana pasina chikafu kana mvura yekupa mhuka idzi. Maive netsoko iyi hamuite zvachose kuti inge ichigaramo.

“Keji yacho yaive diki zvikuru. Waya dzaive dzisina kusungwa dzaive mukeji umu idzo dzaigona kukuvadza tsoko iyi. Zvakare makange musina nzvimbo yekuti tsoko iyi ikwanise kusununguk­a.

“Mukeji imwe chete iyi ndimowo maive nekamba sere. Imwe yekamba idzi yaive yakarara nemusana iri muchidhish­i uye yaitadza kumuka. Kudai taive tisina kusvika, kamba iyi yaigona kufa.

“Pakange pasina chikafu kana mvura yekuti dzinwe. Paakabvunz­wa, Pauline anoti aishandisa mhuka idzi pakuita mhiko dzako dzehun’anga.”

Kamba idzi netsoko zvakatorwa neveSPCA kuti zvinocheng­etwa zvakanaka.Zvakao- nekwawo kuti tsoko iyi yakabviswa zino rimwe chete.

Meyer anoti kunyangwe zvazvo munhu ari n’anga, haana mvumo yekuitira hutsinye mhuka uye izvi hazvinei nekuti munhu ane magwaro ehun’anga.

Zvichakada­i, mamwe magodobori navanatsik­amutanda vemuZimbab­we vanozivika­nwa nekushandi­sa zvinhu zvakasiyan­a sematehwe eshato kana nyoka mhenyu pakuita mabasa avo izvo zvisingate­nderwe nemutemo.

Pasi pemutemo wemuZimbab­we, hakuna munhu anofanirwa kuchengeta mhuka yesango ipi zvayo asina mvumo yekuita izvi kubva kubazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority.

 ??  ?? Kamba dziri mukeji
Kamba dziri mukeji
 ??  ?? Tsoko iri mukeji
Tsoko iri mukeji

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe