Kwayedza

Vakadzi vanouya vari musvo: Muporofita

- Kingstone Mapupu

MUPOROFITA weJohane Masowe yeNguwo Tsvuku uyo anogara papurazi reChigomo, kuMt Hampden, anoti aoneswa nhamo nevaroyi — vakawanda vacho vakadzi — avo vanoenda kumba kwake husiku vasina kupfeka.

Passmore Chinovava (32) — uyo anozviti Madzibaba Prangadai uye kumusha achibva kuHoya, kuMuzaraba­ni — anoti akwanisa masvondo matatu achiona manenji aya.

Anoti minana inoitika husiku iyi yakatanga paakabva kuMusengez­i, kuMuzaraba­ni, uko akanga anoshandir­a imwe mhuri.

“Ndiri kushanyirw­a nevanhu, kana kuti varoyi vasina kupfeka, madzimai mana nevarume vatatu – vose vechikuru. Vanosvikom­ira pamusiwo wemba yangu votanga kuridza miridzo nemitsonyo izvo vanoita panguva imwe chete.

“Zvakatanga ndichangob­va kuMusengez­i kunoshandi­ra imwe mhuri,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Ndakazivis­a vemhuri iyi kuti pane vanhu, vakawanda vacho vanhukadzi, avo vari kuuya kwandiri vasina kupfeka, tikawirira­na kuti ini ndidzokere ikoko.”

Madzibaba Prangadai anoti panouya vanhu ava, wechirume ndiye anotanga kutaura achiti vanoda kupedzeran­a naye.

“Vamwe vanozopind­ira vachitaura mashoko akasiyana.

‘‘Vanotender­edza muti uyu vakatarisa mativi ose uye vakafukati­ra muti, vachiti madzimai kumabviraz­uva varume kumadokero uye vari musvo,” anodaro. Vanhu vasinganzw­isisike ava vanonzi vanonyanya kuuya pakati pehusiku.

 ??  ?? Madzibaba Prangadai
Madzibaba Prangadai

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe