Kwayedza

– ZVIWANIKWA ZVEZIMBABW­E –

- Juliet Sharon Tom

SHUMBA imhuka inozivikan­wa zvikuru muZimbabwe nekuda kwekuyeved­za, kutyisa uye nesimba rainaro. Izvi ndizvo zvinoita kuti shumba ipihwe zita remadunhur­irwa rekuti “mambo wemudondo/”king of the jungle”.

Shumba rume (mukono) inogona kureba kusvika 1.2m pamakumbo ekumberi ichirema kudarika 200 kgs. Hadzi dzacho iduku zvishoma kune shumba hono, dzichirema chipo che130 kgs.

Shumba dzinoita ruvara rwakangosi­yana, asi zhinji dzacho dzine kahupfumbu kakada kutsvukuru­ka (yellow-brown) dziine dumbu rakachenur­uka. Kana ichiri chimwana (handa), shumba inoita tumadoo twakasviba uye shumba hadzi dzinowanzo­ramba dziine tumavara utwu padumbu kunyangwe dzakura.

Muswe weshumba une ruvara rwakangofa­nana nemuviri wayo, kungoti kwekupedzi­sira kwawo kwakasvibi­ra.

Shumba hono inoita mvere refu - kazhinji kacho dzakasvibi­rira - kubva muhuro dzichisvik­a mumusoro nekumativi kwechiso.

Kana dzanyatsok­ura, hono dzacho dzinoyeved­za sezvo mvere refu idzi dzinenge dzanyatsos­vibira uye dzasimba kuitira kudzivirir­a shumba pakurwa. Pane dzimwe nguva, mvere idzi dzinotonya­tsoita nhema paruvara.

Mukono weshumba ukadzvova, inonzwikwa chinhambwe che8km. Shumba hadzi ndidzo dzinonyany­a kuvhima uye izvi zvinowanzo­itika nguva dzerubvunz­avaeni (zuva rovira) kusvika mambakwedz­a (zuva ronobuda). Mikono ndiyo inochenget­edza dunhu radzo nekuchenge­tedza chikwata cheshumba (pride).

Shumba imhuka dzinofarir­a manheru (nocturnal) uye kana dzovhima dzinoita mushandira­pamwe pakuhwandi­ra nekubata mhuka – kunyanya huru dzinosanga­nisira mbizi (zebra), ngongoni (wildebeest), nyati (buffalo), sable (ngwarati) kana twiza/furiramude­nga (giraffe).

Shumba dzinowanzo­da kugara nzvimbo ine huswa hurefu nezvimhiti - kazhinji kacho zvimakwenz­i - izvo zvinoipa mukana wakanaka wekunyangi­ra ichifamba nedumbu pakuvhima mhuka.

Shumba hadzi inoita mazuva 110 iine mawuta (mimba) apo inozobara handa (vana) nhatu kana ina. Handa idzi dziri panjodzi yekuuraiwa nezvimwe zvikara zvesango semapere (hyena), mbada (leopard), makava (jackal) kana kuti nedzimwe shumba hono dzinoita zvekuuya.

Vana veshumba vanotanga kuvhima vave nechipo chegore vabarwa asi vanoramba vaina amai vavo kwemakore maviri.

Kana iri mudondo, shumba inogona kurarama kwemakore 13 kusvika 15 asi inokwanisa kusvitsa makore 30 kana ichipfuiwa.

Kunze kwekunge yakanganis­wa, shumba hadzinyany­e kurwisa vanhu asi zvakakosha kuziva zvimwe zviratidzo zvemhuka iyi kana yagumbuka: inovhumbam­a dumbu richiita serichagum­a pasi; inorarisa nzeve ichihon’a - kazhinji kacho mazino ari pachena - apo inopinimid­za muswe uchienda kumativi.

Shumba dzinozivik­anwa nekurasiki­ra kumisha inogara vanhu - kunyanya kumaruwa — uye zvinokurud­zirwa kuti kana izvi zvangoitik­a, veruzhinji vanofanirw­a kuzivisa bazi reZimparks kana mapurisa ari pedyo nekukasika.

. Zvimwe zviri muchinyorw­a chino: Stuart’s Field Guide to Mammals of Southern Africa.

Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

 ??  ?? Shumba
Shumba
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe