Kwayedza

‘Siyanai nezvinodha­ka’

- Kingstone Mapupu

VATAMBI vekarate vokurudzir­wa kuti vasiyane nekutora zvinodhaka uyewo nekuti vave nehunhu hunoyemuri­ka kana vachida kusvika kure mumutambo uyu.

Kurudziro iyi yakaitwa namuzvinab­himizisi Sensei Collen Utete (46) avo vanove mutsigiri mukuru wekarate pamwe nemutambi wemutambo uyu zvakare pagungano remhembere­ro dzekusvits­a makore makumi maviri chikwata cheMai Musodzi Hall Shukokai Karate Club chavambwa idzo dzakaitirw­a kuMbare, muHarare nguva yadarika.

Chikwata ichi - icho chinotunga­mirirwa naSensei Clover Musariri - chakavambw­a mugore ra1998.

Sensei Utete, avo vaive muenzi anoremeked­zwa pagungano iri, vanoti zvakakosha kuti vatambi vasatore zvinodhaka.

“Mutambo wekarate unoita kuti miviri yedu igare yakasimba uyewo tichikwani­sa kuzvidzivi­rira matinofamb­a kana mudzimba dzedu kubva kune vanoda kutirwisa. Asi nyaya huru ndinoti vari mumutambo uyu hatisiyane­i nekutora zvinodhaka nekutevera­wo marokwe kana kuita zvevarume kuvanhukad­zi nekuti miviri yedu kana tikadaro inoguma yapera simba totadza kuenderera mberi nemutambo uyu. Asi kana mazvitadza, kune vanoda kunwa doro moregawo kuraradza monwa zvine mwero,” vanodaro.

Vanoyambir­awo vatambi vekarate kuti vave nehunhu hwakanaka, vorega kuita tsika yekurwisa vamwe vanhu. Sensei Utete - avo vane bhandi reblack belt uye vakadzidzi­ra mutambo uyu paMai Musodzi Hall zvakare, vanoti nzvimbo iyi yabura shangwiti dzekarate dzinodarik­a 1 000 pamakore makumi maviri adarika.

Zvakadai, vanorumbid­zawo Sensei Musariri - avowo vane bhandi reblack belt third dun - nekuzvipir­a kwavo mukubatsir­a kusimudzir­a vechidiki mumutambo uyu.

“Tinotenda zvikuru Sensei Clover Musariri nekudzidzi­sa vechidiki mutambo uyu pano pamakore makumi maviri aya ndichitsig­irana navo nezvavanod­a zvose. Tine vatambi vedu vanobuda kunze nevamwe vari muno vanopinda muma- kwikwi akatsaukan­a uko vanouya nemamendur­u akasiyana, vanosangan­isira Tungamirai Madzimbamu­to, Brian Kupara, Trevor Goba nevamwewo avo vaita kuti nzvimbo ino ive nemukurumb­ira. Tine mamenduru makumi mashanu atawana pano kuburikidz­a nevatambi vakapfuura nepano,” vanodaro.

Sensei Utete vari kubatsira mune zvose zvinodiwa nechikwata cheMai Musodzi Hall uyewo vakabatsir­a kuti kunzvimbo yeMarirang­we, kuBeatrice kutangwe kudzidzisw­a karate kuchitunga­mirirwa naSensei Madzimbamu­to.

Zvakadai, Sensei Musariri vakazotend­awo kubatsirwa uko vari kuitwa naSensei Utete ndokuvakur­udzira kuti varambe vakadaro.

“Pane chose chatinoda pano tinoitirwa naVaUtete, mbatya dzemitambo, mari dzekufambi­sa nekuenda kumakwikwi nezvimwe ndivo vanotipa kana motokari dzekufambi­sa chaidzo. Izvozvi tava nedhojo idzva kuMarirang­we kuburikidz­a navo,” vanodaro.

 ??  ?? Chikwata cheKarate cheMai Musodzi Hall Shukokai Karate Club chichitari­dza zvidobi-dobi zvacho nguva yadarika
Chikwata cheKarate cheMai Musodzi Hall Shukokai Karate Club chichitari­dza zvidobi-dobi zvacho nguva yadarika
 ??  ?? Sensei Collen Utete
Sensei Collen Utete

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe