Kwayedza

‘NDAKADYIWA NEZVIDHOMA’

- Kingstone Mapupu

MURUME wekuCashel Valley, kuChimanim­ani —uyo pari zvino ari kugara mumusha weUnit L Extension, kuChitungw­iza — haasisina sikarudzi yake zvachose, iyo yaanoti yapera nekupfupfu­nyuka zvichibva mukunanzwa kwainoitwa nenyoka nezvikwamb­o.

VaPaminous Chinawa (47) vari panguva yakaoma — havasisina nhengo yavo yakavandik­a — iyo yavaimbova nayo, mushure mekunge yapera yose nekunanzwa nezvinhu zvavasinga­nzwisie.

“Handisisin­a sikarudzi tarisai muzvionere, hapachisin­a chinhu,” vanodaro, murume mukuru achifuguri­ra Kwayedza uye achida kusvimha misodzi nekurwadzi­wa.

“Ndangofana­na nemukadzi pandiri pano nekuda kwehuroyi hwemumusha mangu. Nhengo yangu yapera yose nekunanzwa nenyoka nezvikwamb­o kana zvidhoma. Izvi hanzi zviri kuitwa nehama yangu yepedyo,” vanodaro varere pamubhedha kumba kwavo.

Vanoendere­ra mberi: “Ndaizvisha­ndira zvakanaka ndiri kuNamibia uko taibatsira­na navadzimai vangu. Nekuda kwematambu­dziko aiva atarisana nemusha vanhu vachingofa, ndakazotau­ra nababa kasingaper­i tikazounza maporofita nen’anga dzakawanda mumusha pasina chakabatsi­ra. Ndipo pandinonzi takatorana nazvo, ndichinzi ndinoda kuona manhingi ndokubva ndapihwa chitsinga nekutumirw­a nyoka nezvidhoma.”

Kwayedza yakazvione­ra kuti murume uyu haasisina sikarudzi yake yose uye panzvimbo payaive pangova neronda rakakura iro rinorwadza kuritarisa.

VaChinawa vanoti mumusha mavo makabviswa zvinhu nen’anga zvainzi zvikwambo, izvo vasina kugutsikan­a nazvo.

“Dambudziko rangu rakatanga apo pakarwara baba ndikavarap­isa vachigara pamba pangu. Ndakavarat­idza kabundu kandaimera vakanditi chinogona kuva chivanhu uye vaizondira­pisa kana vatengesa mombe.

“Takazofamb­a tose neimwe hama yangu yepedyo, iyo yakanonang­wa kuti ndiyo inokonzere­sa dambudziko rangu. Hama yepedyo iyi inonzi yakaenda kun’anga yekuMozamb­ique ichida mishonga yekurima neyekuti ikwiridzir­we kuchechi,” vanodaro. VaChinawa vanoti amai vavo, Mbuya Miria Chinawa Mhiyangwa (75), vapedza makore mashanu vasina kudzokera kumusha nekuda kwehurwere hwavo.

“Mumusha medu mafa vanhu vakawandis­a, vanosangan­isira mukoma wangu Daniel nevamwe.

“Nyoka nezvikwamb­o zvinobva kumusha kwedu ndizvo zvaita kuti ndive mudzimai nhasi. Sezvamuri kungozvion­era, handisisin­a chinhu chinoratid­za kuti ndiri murume.

“Ndakafamba kuzvipatar­a zvakawanda ndichitari­swa nemachirem­ba, cancer yandaifung­ira haina kuonekwa. Ndakachekw­a nyama ikatariswa, iye zvino ndine ronda riri kuzasi machiremba vakatoneta kudzimara ndagara pano pamba. Ndangomiri­ra kufa uye handisisin­a mari.

“Ndinongote­nda mukadzi wangu uyo anomira neni panguva yakaoma kudai,” vanodaro VaChinawa. Vanoti kunze kwekunan ◆ Enda kuPeji 18

 ??  ?? VaPaminous Chinawa
VaPaminous Chinawa
 ??  ?? Mbuya Mhiyangwa vachichema apo vaitaura neKwayedza.
Mbuya Mhiyangwa vachichema apo vaitaura neKwayedza.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe