Kwayedza

Fodya yakawanda yakatenges­wa

- Kingstone Mapupu

KAMBANI yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) inoti fodya yatengeswa kumisika yakasiyana kubva mwaka wekutenges­a chirimwa ichi uchitanga kusvika parizvino inosvika 167 135 856 kgs ichikosha $483 698 575 iyo inova yakawedzer­a kana zvichienza­niswa neyakateng­eswa panguva imwe chete gore rapera.

TIMB inoti mwaka wadarika panguva imwe chete, fodya yaiva yatengeswa yaiva 139 426 614 kgs ichikosha $400 611 738.

Kambani iyi inoti zvinotarid­za kuti mwaka uno fodya iri kukurumidz­a kuunzwa kumisika kana zvichienza­niswa newapera.

Misika inotengesa fodya munyika muno inosangani­sira Boka Tobacco Auction Floors (BTF), Premier Tobacco Auction Floors (PTF) neTobacco Sales Floor (TSF).

Zvakadai, pafodya yatengeswa kusvika parizvino yaive mumabhero 2 179 492 asi mamwe 106 051 ndokurambw­a nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a.

Mutauriri wekambani yeTIMB, VaSheunesu Moyo, vanoti vanoyambir­a varimi vose kuti vasiyane nekusangan­isa fodya yavo nezvimwe zvinhu kana vachida kuti isanoita matambudzi­ko pakunoiten­gesa.

“Kune fodya inorambwa kumisika yedu nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a izvo tinokurudz­ira varimi vedu kuti vatevedze mitemo yose inodiwa mukurimwa nekutenges­wa kwefodya. Fodya yedu inofanirwa kuoma zvakakwana, yorega kuva nehunyoro uyewo kune vanoda kuwedzera uwandu hwekurema kwefodya yavo nekuisa zvimwe zvinhu mukati memabhero. Izvi zvinoonekw­a hapana chitsotsi ipapo saka munozoona kuti varimi vanozomisw­a kwenguva yakareba vari kumisika vave kugadzirid­za fodya yavo kuti iite zvinodiwa,” vanodaro.

Mwaka uno, fodya iri kutengwa nemutengo wepamusoro iri kuita $5,35 pakg izvo zvinonzi zvakaitika kamwe chete kumusika mutsva weBoka Auction Floors wekwaRusap­e, kuchiti kumwe kwese iri kugumira pa$4,99 pakg uyewo mutengo wepasi uri $0,10c pakg.

Sangano rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti rinorumbid­za zvikuru kuvambwa kwemimwe misika kune mamwe matunhu richiti danho iri rinoreruts­ira varimi panyaya yekudhurir­wa nezvifambi­so apo vanenge vachida kuenda kuHarare chete kunotenges­wa fodya yavo.

VaPaul Zakariya vanova ZFU executive director vanoti, “Varimi vose vekuManica­land havasisina dambudziko rekutenges­a fodya yavo sezvo Boka yakavhura musika mudhorobha reRusape. Tinokurudz­ira kuvhurwa kwemimwe misika yakawanda kune mamwe matunhu.”

Mai Chido Boka Nyaku- dya vanova managing director weBTF vanoti vane hurongwa hwekuvhura mimwe misika inotenga fodya kunzvimbo dzakasiyan­a munyika kuitira kurerutsir­a varimi.

“Izvozvi varimi vedu havachauya kuHarare kubva kuManicala­nd vamwe vanongoend­a kumusika nengoro chaidzo nemombe, vatengerwa votenga zvinhu zvavanoda vodzokera kumusha pasina kuhaya motokari nemari yakawanda,” vanodaro.

 ??  ?? Kambani yeTobacco Industry Marketing Board (TIMB) inoti fodya yatengeswa kumisika yakasiyana kubva mwaka wekutenges­a chirimwa ichi uchitanga inosvika 562 884 kgs ichikosha $1 468 474 iyo inova yakawedzer­a kana zvichienza­niswa neyakateng­eswa panguva...
Kambani yeTobacco Industry Marketing Board (TIMB) inoti fodya yatengeswa kumisika yakasiyana kubva mwaka wekutenges­a chirimwa ichi uchitanga inosvika 562 884 kgs ichikosha $1 468 474 iyo inova yakawedzer­a kana zvichienza­niswa neyakateng­eswa panguva...
 ??  ?? Mai Chido Boka Nyakudya
Mai Chido Boka Nyakudya
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe