Kwayedza

ODANANA NE‘VILLAGE’ ROSE

. . . ‘sorry bamwana’

- Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anopinda chechi yeJohane Masowe weChishanu uyo akaroorwa kwaSeke — nyakunzi akaita chipfambi aine mimba ndokurega kureurura, zvikazokon­zera rufu rwemwana waakabara — ari kuita kuimba chaiko achiti anodana nevarume “hobho”.

Pachivanhu, zvinonzi mukadzi akaroorwa akangoita chipfambi iye aine pamuviri, ozorega kureurura, anosangana nematambud­ziko pakusunung­uka kana kuti mwana waanobara anofa zvisinganz­wisisike.

Nyaya yemukadzi wemunhu uyu yakatopind­a mudare raSabhuku Chitate apo mudzimai uyu akataura pajekerere uye pasina kunyara kuti anodanana nevarume vakawanda vemubhuku raakarorwa — chipo che‘‘village” rose.

Zvimwe zvezvikomb­a zvemukadzi uyu zvaive mudare iri.

Izvi zvakazoita kuti mukadzi uyu azvambarad­zwe kurohwa nemamwe emadzimai evarume vaanoti ari kudanana navo padare ipapo. Marshia Mukwada (21) — uyo anova mudzimai waMadzibab­a Foster Karikoga (26) wemubhuku raChitate — akamiswa mudare raSabhuku Chitate, VaZiva Chitate (61), svondo rapera paseri nenyaya yekuita gumbo mumba gumbo kunze.

Mudare iri, Madzimai Mukwada anodura mazita evarume vana vaanoti anodanana navo uye vakashinha kakawanda.

Dare iri rinonzi rakapindwa nevanhu vaisvika zana, apo Madzimai Mukwada asina kupedzera dare nguva, ndokuita kuimba achibvuma kuti anoita chipfambi nevarume vemumusha uyu. Dare iri rinonzi rakagutsik­ana kuti mudzimai wechechi uyu anodanana nevarume vakawanda kudarika vaakadoma. Sabhuku Chitate vanoti vakashamis­wa nenyaya yaMukwada, uyo wavanoti akadura mudare ravo kuti anodanana nevarume vanosangan­isira mupurisa wemumusha (neighbourh­ood watch committee), uyo anonzi nemukadzi uyu pamwe pacho vakanosasa­na mukati memakuva eko.

“Nyaya iyi yakatanga pakafa mwana wemudzimai uyu. Mushure merufu rwemwana, vemhuri iyi vakazoenda kugata kumaporofi­ta kwavanopin­da, amai ava vakabatwa kuti vakasherek­eta nevamwe varume apo vaiva nepamuviri pemwana wekufa uyu.

“Vanonzi vakadura kumasowe ikoko mazita evarume vavakasher­eketa navo zvikazoita kuti nyaya iyi iunzwe kudare rangu nemurume wacho,” vanodaro Sabhuku Chitate. Mudare iri, Madzimai Mukwada anonzi akabuda pachena kuti akashereke­ta nevamwe varume — kusanganis­ira mupurisa uyo akamubhadh­ara $1 rekutenga juice card.

Pamwe pacho anoti akazviita apo murume wake akange aenda kuMt Darwin. Mukwada anonzi anodura zvakare kuti akashereke­ta nemumwe murume uyo akange

aenda kumba kwake achikumbir­a sauti neshuga, ndokumupa uye akazomugai­sira hupfu pachena sezvo murume wake (madzimai) aine chigayo.

Mukadzi uyu anonzizve akaudza dare iri kuti akaita misikanzwa nevamwe varume — Raymond naSucceed, uyo waanoti akadzidza naye.

Sabhuku Chitate vanoti Mukwada akaudza dare ravo kuti anoita chipfambi nekuda kwenzara achiti, “Murume wangu anondinyim­a zvekudya. Ini nevana tinorara nenzara, pamwe pacho tichiseves­a sadza nesauti.”

Kwayedza yakaita hurukuro naMadzimai Mukwada — uyo akatobva kumurume uye ava kushanda basa remumba kuBorrowda­le, muHarare — mukadzi uyu ndokutsinh­ira nyaya iyi.

“Ichokwadi, ndakashere­keta nevarume ivava — vakawanda — asi ndinoda kuti vandiripe sezvo vakandipar­adzira imba yangu.

“Murume wangu ndinomuda, imba yangu ndichiri kuida uye ndinokumbi­ra ruregerero kumurume wangu – tine mwana tose. Handizive mweya wakandibat­a.

“Pane vakadzi vaviri vakandirov­a padare iri ndikaita mazuva ndichirwad­ziwa nemusoro, saka ndinoda kuti vakadzi ivavawo vandiripe. Kana ndiri ini hamheno chakandipi­nda,” anodaro mukadzi uyu.

Anoti asarirwa naamai vapenyu bedzi sezvo baba vake vakashaya.

Dare rasabhuku rinonzi rakapindwa nezvimwe zvikomba zvaMadzima­i Mukwada, avo vanonzi vanoramba nyaya iyi zvisinei nekuti mukadzi uyu akavatsana­ngudza zviri pavari uye kwavanosan­gana.

Sabhuku Chitate vanoti murume wemukadzi uyu, Karikoga, ari kuramba kuripwa nezvikomba izvi achiti munamati.

Murume uyu anonzi akapa zvikomba izvi mukana wekuramba vachiender­era mberi nekudanana nemudzimai wake apo akabvisa gupuro re$1 ndokugashi­dza Mukwada.

Padare iri panonzi hapana hama yemudzimai yakauya, kunyangwe vainge vadanwa.

Uyuwo Karikoga anoti ave kuda zvekuripwa nevarume vose vakadanana nemudzimai wake, kunyangwe zvazvo akambenge audza dare raSabhuku Chitate kuti haidi kuripwa.

“Mukadzi wangu akaita chipfambi tikaenda kudare ndikamuram­ba. Inyaya inorwadza, ndaimuitir­a zvose tikatenga chigayo chaiunza mari pamba kwete zvekuti anoti ndaimunyim­a zvekudya.

“Akataura oga vanhu vaaidanana navo inova nyaya yakabudira kugata achinzi ndiye akauraisa mwana wedu. Ndinoda kuripwa, varume vaidanana nemukadzi wangu vanogara vachindity­isidzira,” anodaro.

Munyai akanoroora Mukwada, VaGodfrey Dadiwa (34), vanoti nyaya yakaitwa nemudzimai uyu inonyadzis­a.

Mai Tamari Mandaza (48) avo vanogara mumusha uyu vanoti Mukwada anyadzisa madzimai nezvaakait­a.

“Semadzimai, hatisati tamboona nyaya yakadai. Kana akanga asisade murume dai akamuramba pane kumuitira mashura akadai, amai ava vane shavi,” vanodaro.

Mudzimai wasabhuku, Mai Eneresi Alimu (52), vanoti mashura chaiwo kuti mudzimai akaroorwa anosangani­sa varume vemusha wose.

“Dzimwe nguva amai ava vane mushonga wegondwa, nekuti hakuna murume anovaramba,” vanodaro.

 ??  ?? Marshia Mukwada
Marshia Mukwada
 ??  ?? Foster Karikoga
Foster Karikoga
 ??  ?? Godfrey Dadiwa
Godfrey Dadiwa
 ??  ?? Sabhuku Chitate
Sabhuku Chitate
 ??  ?? Eneresi Alimu
Eneresi Alimu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe