Kwayedza

Haye osendeka zvetsiva

. . . ndakabata basa

-

AIMBOVE shasha yetsiva ine mabhande eWorld heavy-weight - David Haye ( 37 - ari pamufanani­dzo pasi), otaura pachena kuti asendeka zvino kutamba mutambo uyu zvachose zvichiteve­ra kukundwa kwaakaitwa naTony Bellew mitambo miviri yakatevedz­ana.

Haye akatanga ari muboka reCruiserw­eight ndokusimuk­ira kunokwikwi­dza muboka reWBA heavy-weight ndokuhwina bhande iri murwendo rwaifadza zvikuru. Asi kukundwa kaviri kwaakaitwa naBellew kwakamuvha­rira mikana yekuhwina mabhande ake aakatorerw­a zvazotuma shasha iyi kusiya tsiva zvachose.

Haye anga ari mumwe wevatambi vetsiva vaigona zvikuru asi mumakore 16 aakwikwidz­a mumitambo 32 yaakarwa, ange ave kugara akakuvara makore adarika. Asi kunyangwe hake akave mutambi wetsiva wekutanga kubva muBritain kuUnified cruiserwei­ght king uye nekuzokund­a Nikolay Valuev wekuRussia mugore ra2009 kuti ave nemabhande maviri emumapoka akasiyana, gadziriro dzisina kukwana ndidzo dzakazomut­adzisa kutamba zvakanaka izvo zvakamuona achikundwa mugore ra2011 naWladimir Klitschko uye zvikamukan­ganisa zvakare mumitambo miviri naTyson Fury.

Mamiriro ezvinhu aya akaramba achimukang­anisa zvichiteve­ra kudzoka kwake mutsiva muna 2016 apo akapedza makore mana ambobuda mumutambo uyu.

“Ndinofara, ndiri mutano, mhuri yangu yakagara zvakanaka uye mari iripo saka ibasa rakabatwa zvakanaka,” anodaro achitaura kuti asendeka kukwikwidz­a mutsiva.” - Sportsmail Boxing

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe