Tsikamutanda: Vose imbavha
SVONDO rino tine imwe nyaya inosuwisa zvikuru — nyaya iri pamusoro pemurume aigara kwaMashayamombe, kuMhondoro — uyo anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekunge nyoka yaanonzi aishandisa mumabasa ehuroyi yabatwa nanaTsikamutanda.
Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi murume uyu akazviuraya neshungu zvichitevera kubatwa nekuuraiwa kwakaitwa nyoka inonzi yaive yake iyi.
Asi kune mamwewo mashoko anoti nyoka iyi yaisave yemushakabvu uyu, asi kuti inogona kunge yakaita zvekukandwa mumba make nanaTsikamutanda ava. VanaTsikamutanda in’anga kana maporofita vanofamba mumatunhu akasiyana enyika vachiti vari kuchenura misha – vachipumha vanhu huroyi. Tsikamutanda kupumha huroyi? Muroyi kuona huroyi hwemumwe muroyi? Vanhu tinojaidzirei makudo neanokamhina?
Chakakosha kuziva ndechekuti mutemo wenyika hautenderi vanhu vanoita zvehutsikamutanda zvisinei nekuti vazhinji vacho vanopinda mumatunhu mushure mekunge vatenderwa nevatungamiriri vakaita semasabhuku kana madzishe. Imhosva munhu kuita zvehutsikamutanda. Nekudaro zvakakosha kuti vanhu vamhan’arire vanhu vakadai ava kumapurisa kuitira kuti varangwe nemutemo. Senyaya yekuMhondoro iyi, zvinorwadza kuti munhu akarasikirwa neupenyu kuburikidza nekuzviuraya uye mhuri yake ndokusara isisina muriritiri. Fungidziro yekuti nyoka iyi inogona kunge yakaita zvekukandwa mumba memurume uyu hairambike.
Kana vaverengi muchayeuka, nguva yadarika Kwayedza yakamboburitsa nyaya apo yaiva nemibvunzo pamusoro pezvinobatwa navanaTsikamutanda ava — nyoka dzakangofanana kwose kwavaenda, kamba dzakasungirwa zvimachira nezvichuma nezvimwe zvinhu zvenhema.
Nyaya iyi yakaburitsawo kuti zvinhu izvozvi zviri kutengeserwa n’anga nemaporofita venhema. Paongororo yakaitwa neKwayedza, zvikwambo zvenhema zvinotengeswa kuMbare, muHarare. Vatori venhau vakatotengeserwa chimwe apo vakanyebera kuve maporofita.
Ndizvo zvinoita kuti tibvume kuti vanaTsikamutanda ndevemanyepo uye chinangwa chavo ndechekurozva vanhu mari neupfumi hwavo apo vanenge vachinyepera kuti vari kuchenura misha.
VanaTsikamutanda vanonotenga zvinhu izvi vonozvikanda kana kucherera mumisha yevanhu, pangave pakati pehusiku kana panguva iyo vanenge vasingaonekwe neveruzhinji. Vanozoenda kumisha iyi vachiti vari kuichenura vobvisa zvinhu zviya zvichinzi zvinoshandiswa nevaroyi asi vari ivo vanenge vazviisa. Kunotova nevamwe vanaTsikamutanda vane chitsama vakabatikidzwa nevanhu kumativi mana enyika vave kuda kukanda dzingave nyoka kana nyanga mumisha yavanenge vachiti vari kuchenura.
Kazhinji munhu anonangwa huroyi anenge aine mari kana humwe upfumi uye izvi vanozviita vachinyatsoziva kuti anokwanisa kuzovabhadhara pabasa rehukopokopo ravanenge vachiita iri.
Vatungamiriri vematunhu vanofanira kunge vari ivo vari pamberi kurambidza vanaTsikamutanda kuti vasashandire mumatunhu avo.
Zviri pachena kuti avo vari kubvumidza vanaTsikamutanda kuti vashandire mumatunhu avo vane zvavanenge vapihwa zvakadai semari kana mombe dzinenge dzichirozvwa kubva kuvanhu vane misha inonzi inenge ichichenurwa. Kwete, uhu huwori hunofanirwa kurwiswa husati hwadzika mudzi. VanaTsikamutanda vari kukonzeresa nyonga-nyonga kwose kwavanoenda.
Ibasa remunhu wose kurwisa mabasa ehumbavha ari kuitwa nenhubu idzi.