Kwayedza

Tsikamutan­da: Vose imbavha

-

SVONDO rino tine imwe nyaya inosuwisa zvikuru — nyaya iri pamusoro pemurume aigara kwaMashaya­mombe, kuMhondoro — uyo anonzi akazviuray­a nekunwa muchetura mushure mekunge nyoka yaanonzi aishandisa mumabasa ehuroyi yabatwa nanaTsikam­utanda.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi murume uyu akazviuray­a neshungu zvichiteve­ra kubatwa nekuuraiwa kwakaitwa nyoka inonzi yaive yake iyi.

Asi kune mamwewo mashoko anoti nyoka iyi yaisave yemushakab­vu uyu, asi kuti inogona kunge yakaita zvekukandw­a mumba make nanaTsikam­utanda ava. VanaTsikam­utanda in’anga kana maporofita vanofamba mumatunhu akasiyana enyika vachiti vari kuchenura misha – vachipumha vanhu huroyi. Tsikamutan­da kupumha huroyi? Muroyi kuona huroyi hwemumwe muroyi? Vanhu tinojaidzi­rei makudo neanokamhi­na?

Chakakosha kuziva ndechekuti mutemo wenyika hautenderi vanhu vanoita zvehutsika­mutanda zvisinei nekuti vazhinji vacho vanopinda mumatunhu mushure mekunge vatenderwa nevatungam­iriri vakaita semasabhuk­u kana madzishe. Imhosva munhu kuita zvehutsika­mutanda. Nekudaro zvakakosha kuti vanhu vamhan’arire vanhu vakadai ava kumapurisa kuitira kuti varangwe nemutemo. Senyaya yekuMhondo­ro iyi, zvinorwadz­a kuti munhu akarasikir­wa neupenyu kuburikidz­a nekuzviura­ya uye mhuri yake ndokusara isisina muriritiri. Fungidziro yekuti nyoka iyi inogona kunge yakaita zvekukandw­a mumba memurume uyu hairambike.

Kana vaverengi muchayeuka, nguva yadarika Kwayedza yakambobur­itsa nyaya apo yaiva nemibvunzo pamusoro pezvinobat­wa navanaTsik­amutanda ava — nyoka dzakangofa­nana kwose kwavaenda, kamba dzakasungi­rwa zvimachira nezvichuma nezvimwe zvinhu zvenhema.

Nyaya iyi yakaburits­awo kuti zvinhu izvozvi zviri kutengeser­wa n’anga nemaporofi­ta venhema. Paongororo yakaitwa neKwayedza, zvikwambo zvenhema zvinotenge­swa kuMbare, muHarare. Vatori venhau vakatoteng­eserwa chimwe apo vakanyeber­a kuve maporofita.

Ndizvo zvinoita kuti tibvume kuti vanaTsikam­utanda ndevemanye­po uye chinangwa chavo ndechekuro­zva vanhu mari neupfumi hwavo apo vanenge vachinyepe­ra kuti vari kuchenura misha.

VanaTsikam­utanda vanonoteng­a zvinhu izvi vonozvikan­da kana kucherera mumisha yevanhu, pangave pakati pehusiku kana panguva iyo vanenge vasingaone­kwe neveruzhin­ji. Vanozoenda kumisha iyi vachiti vari kuichenura vobvisa zvinhu zviya zvichinzi zvinoshand­iswa nevaroyi asi vari ivo vanenge vazviisa. Kunotova nevamwe vanaTsikam­utanda vane chitsama vakabatiki­dzwa nevanhu kumativi mana enyika vave kuda kukanda dzingave nyoka kana nyanga mumisha yavanenge vachiti vari kuchenura.

Kazhinji munhu anonangwa huroyi anenge aine mari kana humwe upfumi uye izvi vanozviita vachinyats­oziva kuti anokwanisa kuzovabhad­hara pabasa rehukopoko­po ravanenge vachiita iri.

Vatungamir­iri vematunhu vanofanira kunge vari ivo vari pamberi kurambidza vanaTsikam­utanda kuti vasashandi­re mumatunhu avo.

Zviri pachena kuti avo vari kubvumidza vanaTsikam­utanda kuti vashandire mumatunhu avo vane zvavanenge vapihwa zvakadai semari kana mombe dzinenge dzichirozv­wa kubva kuvanhu vane misha inonzi inenge ichichenur­wa. Kwete, uhu huwori hunofanirw­a kurwiswa husati hwadzika mudzi. VanaTsikam­utanda vari kukonzeres­a nyonga-nyonga kwose kwavanoend­a.

Ibasa remunhu wose kurwisa mabasa ehumbavha ari kuitwa nenhubu idzi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe