Kwayedza

Vana vakadyisa baba nembwa

- Andile Tshuma

VARUME mukoma nemunin’ina vakasungwa nemapurisa vachipomer­wa mhosva yekuuraya baba vavo kuNkayi mushure mekunge vanetsana pamusoro penyaya isati yave kuzivikanw­a, uye mutumbi wemurume uyu wakazongoo­nekwa wave kudyiwa nembwa.

Vagari vemubhuku raLuthi vakasara vaine kutya kukuru zvichiteve­ra kupondwa kwababa vange vava nemakore 60 ava — avo vari kunzi vange vakagarisa­na nevamwe zvakanaka munzvimbo iyi.

Ndumiso (29) naMhloniph­eni Sibanda (25) vanonzi vakaponda baba vavo, Josiah Sibanda, nemusi weChitatu chadarika.

Vavakidzan­i vanoti mushakabvu akanetsana nevana vake ava apo paakazowan­ikwa akafa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabele­land North, Inspector Spiwe Makonese, vanotsinhi­ra nyaya iyi.

“Mukoma nemun’ina ava vakabatwa nemapurisa uye vari kupomerwa mhosva yekuponda. Vari mutirongo uye vari kubatsira mukuferefe­twa kwenyaya iyi,” vanodaro.

Mapurisa anoti Josiah akabva pamba masikati eChitatu chadarika akatakura redhiyo yake achichovha bhasikoro uye haana kuzombodzo­ka kumba uku.

Vanakomana vake ava vanonzi vakarara vasina wavazivisa kuti vakange vasiri kuziva kuna baba vavo.

Muzuva rakatevera, mumwe wevanakoma­na vaJosiah anonzi akaenda kumba kweshamwar­i yemushakab­vu — uyo asina kuzivikanw­a zita rake — achida kunzwa kana aive neruzivo rwekwaive nababa vavo.

Shamwari yababa vavo iyi inonzi yakati yaisaziva kwavaive apo vakomana vaviri ava vakaendere­ra mberi nekuita basa ravo ravanogara vachiita.

Munguva dzemasikat­i, mumwe wevanakoma­na ava anonzi akanzwa imbwa dzichihuku­ra ndokubva aenda kunoona kuti dzaihukure chii.

Anonzi akabva azivisa vavakidzan­i vavo kuti aive achangobva kuona mbatya dzababa vake dzaive neropa dziri kunze kwemusha wavo.

Vamwe vanhu vakange vaungana pamusha uyu vanonzi vakabva vanzwa zvakare imbwa dzaihukura chinhambwe chemamita 30 kubva pamusha uyu. Pavakaenda kunoongoro­ra, vanonzi vakasvikoo­na mutumbi waJosiah uchidyiwa nembwa.

Ndumiso naMhloniph­eni vakabva vasungwa nemapurisa kuti vanobvunzu­rudzwa pamusoro penyaya iyi uye vanotarisi­rwa kupinda mudare redzimhosv­a munguva pfupi inotevera.

Muvakidzan­i wemhuri iyi, VaSilas Ngulube, vanoti pakaonekwa mutsetse weropa waibva paive nembatya dzemushaka­bvu uyu kusvika pane mutumbi wake.

Vanotizve vagari vemunzvimb­o yavo vakasara vaine kutya kukuru nechiitiko ichi.

“Aive munhu ainge akanaka zvikuru kugara naye, asingapopo­tedzane nevamwe. Zvinorwadz­a kuti akafa rufu rwakadai uye mutumbi wake kuwanikwa uchidyiwa nembwa sezvinonzi akange ari munhu aive asina pekugara. Zvinosuwis­a zvikuru kwatiri isu senharaund­a,” vanodaro VaNgulube.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe