Kwayedza

‘Ehe, wakandibat­a nechikomba . . .’

‘INGA NDAKATI SORI WANI?’

- Janet Chari

MUKADZI wekubatiki­dzwa aine chikomba nemurume wake anoti ari kuona ndondo nekushungu­rudzwa nekuda kwenyaya iyi, zvisinei kuti akamukumbi­ra ruregerero pazvakaiti­ka.

Mildred Gumbo akaendesa Simon Gumbo kudare reHarare Civil Court achida anoda runyararo naye.

“Akandibata nechikomba akanditi andiregere­ra asi ari kuramba achingondi­shusha nekuda kwenyaya iyoyo,” anodaro Mildred.

Anoti chinomusha­misa ndechekuti vakatombot­aurirana pamusoro penyaya yechikomba iyi, iye akakumbira ruregero, asi murume wake pose paanodzoka kubva kubasa, anosvika achimurova nokuda kwayo.

“Anondibvun­za zuva nezuva paanobva kubasa kuti ndakazviit­irei. Ndikarega kumupindur­a bedzi, anobva atanga kundirova zvokuti ndinozoped­zisira ndanorara kunze,” anodaro Mildred.

Anoti murume wake anomupopot­era pamberi pevana pamwe chete nekumurova zvinova zvave kushaisa vana mufaro pamba kana baba vavo vadzoka kubva kubasa.

“Haasisina ruremekedz­o nevana apa ave kuda kutondodzi­nga pamba,” anodaro Mildred.

Simon anoti haapikisan­e nechikumbi­ro chemudzima­i wake chekuti apihwe gwaro rerunyarar­o.

“Pose pandinobva kubasa, ndinosvika kumba vana vari voga. Iye anozodzoka pakati pehusiku zvinova zvinondipa hasha kuti anenge ari kupi,” anodaro.

Anoti pose paanobata runhare rwemukadzi wake, anoona mashoko emurume waanoita zvechipfam­bi naye zvinoreva kuti haana kusiya mabasa ake akashata.

“Ngaende kumba kwake andisiye ndichiri mupenyu nekuti chikomba chake chave kutondityi­sidzira kuti chinoda kundiuraya,” anodaro Simon.

Mutongi Manase Musiiwa akapa Mildred gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe