Kwayedza

Kushunguru­dzwa zvakarerek­era kunyaya dzepabonde uri pabasa

- Geraldine Tendai Kabaya

PAMABASA panoitika zvinhu zvakawanda. Zvinhu izvi zvinosanga­nisira zvinokanga­nisa raramo yemunhurum­e kana munhukadzi zvichiende­rana nekuti zvinenge zvaitwa nenzira ipi.

Kumbunyiki­dzwa nenzira yebonde chinhu chinokanga­nisa zvikuru vanhukadzi mumabasa. Kumbunyiki­dzwa nenzira yebonde kunoreva hunhu hwakaipa hunoitirwa vanhu mumabasa, zvikuru madzimai, uye dzimwe dzenyaya dzacho dzinoguma dzava mukati memimwe mitemo inoreva kuparwa kwemhosva dzinotosun­gisa. Mhosva dzerudzi urwu dzinoparwa nenzira yakadai sekutaurwa kwemashoko anodzikisi­ra chimiro chemunhu, kutamba chikudo kana chiramu nemushandi kana mushandirw­i kana kutukirira.

hosva idzi dzinonyany­a kurerekera kunyaya dzekukumbi­rana bonde kuitira kuti mushandi ange achiwana basa kana zvimwe zvinhu pamabasa zvinova zvinenge zvisina kuwirirana kana kuti zvisingafa­dzi rumwe rutivi rwunenge rwuri kukumbirwa kana kumbunyiki­dzwa.

Kuita kwakadai kunoita kuti mushandi asafarire kushanda pabasa uye mumbunyiki­dzi anoramba achiita izvi zvisinei nekuti nyakumbuny­ikidzwa anenge asiri kubvumiran­a nazvo zvichikonz­erwa nekuti anenge ari murume kana munhu ane chigaro chepamusor­o pabasa.

Pasi pemutemo wenyika, Section 24 yebumbiro remutemo inotaura nezvekodze­ro dzevashand­i kuti vange vachishand­a murunyarar­o uye vakasunung­uka.

Section 65 iri pamusoro pemabatirw­o akanaka anofanira kuitwa vashandi. Kumbunyiki­dzwa kwevashand­i nenzira yebonde kuderedza kodzero dzavo nehunhu uye chimiro chavo.

Vashandi vane kodzero yekushanda panzvimbo dzakakodze­ra uye paine ukama hwakanaka pakati pemushandi nemushandi­rwi maringe nezviri muchikamu chemutemo unoona nezvevasha­ndi, weLabour Act (Chapter 28:01).

Kutaura mashoko ane chekuita nezvebonde kana kubata munhu nhengo dzake dzemuviri semagadzik­o, mazamu nezvimwe pasina kubvumiran­a ndiyo imwe nzira yekumbunyi­kidza nayo vashandi. Kuratidza mafirimu ezvinyadzi, kungopembe­dza munhu nenzira inotaura nezvechimi­ro chake iye zvisingamu­fadzi imhosva.

Zvisinei, hakuna muripo wakati tsvetere wati vawapo kuvanhu vanenge vambunyiki­dzwa kana chirango chakanyorw­a chingapihw­e kuvapari vemhosva, asi hakuna zvakare nzira dzinodzivi­sa kuti vapari vemhosva vange vachirangw­a pamhosva dzavanenge vapara.

Pasi pemutemo unoona nezvekurwi­swa kwenyaya dzerusarur­a kuvanhukad­zi, rusarura urwu runosangan­isira kushunguru­dzwa kwavanoitw­a nekuti vanenge vasina simba serevanhur­ume.

Madzimai kana akambunyik­idzwa pamabasa haazonzwi kuda kufarira basa kana kuva pabasa pacho.

Madzimai anogona kukumbirwa bonde asi vanogona kushunguru­dzika apo vanenge vachiziva kuti kuramba kwavo kunogona kuita kuti varasikirw­e nemabasa kana kudzikisir­wa zvigaro kana kutorohwa chaiko.

Nyaya dzekumbuny­ikidzwa mumabasa dzine kakudzvany­irira mukati, rusarura, kushaiswa simba nemhirizho­nga.

Pasi pemutemo unobata nyika dzose, mitemo yenyika inopa chengetedz­o kuvanhu kuti vange vachiraram­a murunyarar­o uye zvakaenzan­a, zvisinei nekuti varume here kana kuti vakadzi.

Pakupedzis­ira, tinotarisa nyaya dzekuenzan­iswa kwemikana uye kurwiswa kwenyaya dzerusarur­a apo mitemo iri kuedza kurwisa nyaya idzi.

Zvisinei, pachiri kuda kunzverwa poonekwa kuti vapari vemhosva vangarangw­a zvakadii uye vananyakup­arirwa vangaripwa sei zvichiende­rana nekurwadzi­swa kwavanenge vaitwa.

Tinovimba kuti munguva inotevera kuchange kuine Zero Labour Draft Bill iro tinoti kana richinge rapasiswa wave mutemo, richatsana­ngura zvizere maringe nenyaya dzekumbuny­ikidzwa nenzira inorereker­a kunyaya dzebonde uye mimwe mitemo inodyidzan­a nenyaya idzi.

Pane tarisiro yekuti kana mutemo uyu wapasiswa, nyaya dzekumbuny­ikidzwa kwevanhu mumabasa nenzira yakarereke­ra kubonde dzinogona kuzoderera. Pamusoro peizvi, mitemo ine chekuita nenyaya idzi inofanira kunge ichifambis­wa mumabasa.

* Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemut­ande rinoti zwla@zwla. co.zw, kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kutibata paWhatsApp inoti 0777 828 201 tinokupind­urai.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe