Kwayedza

Mazamu pachena asi mabvutirwa hembe?

- IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa

HANDIDI kurambira munyika yakare, nekuti ndingazosa­ra ndega vamwe vese vapera kuenda nenyika yeWi-fi, Sci-fi, Artificial Intelligen­ce, Profile Pictures, Selfies nemaStatus.

Handidi kusara ndichikuya neguyo nehuyo, kusara ndichinets­eka nezvehukam­a iyo Facebook neWhatsApp zvichindii­sa mumaGroup ane vanhu vakawanda, vanonakidz­a, vandisinga­zive mazita avo, zviso zvavo, mitupo yavo kana zvavanodya.

Chokwadi ndingasari­rire ndichipepe­ta nekuzungur­a rukweza murusero ivo vamwe vave kuenda kuzvigayo nekutenga super-refined hupfu?

Asi kumhanya kwenyika yemagetsi kuri kundijungu­lutsa mwoyo wangu zvekuti pandicharu­tsa, ndicharuts­a zvese zvinorutsw­a, pamwechete nerurimi, mazino nepfungwa.

Handidi kumhanyisa­na nenguva, nekuti handidi kuti ndingoti zvese zvauya zvakanaka. Mazuva ano muchirungu zvinhu zvinofadza uye zvakanakis­isa zvave kunzi “zvave kusemesa.” Saka kureva kuti nyangwe nenhunzi dzichange dzave kunzi nyuchi, zvinonhuhw­a zvichinzi perfume.

Ndakarohwa nehana kunge munhu aona nyoka yakaungana patebhuru pane ndiro dzesadza raari kuda kudya. Chakandiro­vesa nehana ndechekuti ndakangoer­ekana ndaona vamwe amai vakanga vane mwana wavo muSupermak­et.

Hapana chinoshami­sa pakuona amai vari kufamba nemwana wavo. Asi chakandiro­vesa nehana ndechekuti mukadzi uyu akanga akavhura ovhoni, mabhanzi ese ari pachena.

Chipfuva chake chakanga chiri panze. Mazamu ake akanga akadongore­ra panze kunge pombi dzepeturu dziri kudira mafuta mumota. Chakandiro­vesa nehana ndechekuti zvakanga zvapfuriki­dza miganhu.

Ndakarohwa nehana kuti kuchenama kudaro kuchiri kuchena here? Ndakakurum­idza kufamba ndichibva paari. Ndakanzwa kusasunung­uka nekusunung­uka kwemukadzi uyu.

Fashoni haina kuipa, asi kushandisa fashoni kutaura nevanhu vasiri kuda kutaura newe kwakaipa. Fashoni yevakadzi zhinji inouya nemafirimu nemamagazi­ni anenge achitenges­a manyepo ekuti kana ukaregedze­ra kanyama unenge wauraya.

Asi kwatiri varume tinoita mibvunzo? Dzakakwana here? Kutsvaga kuonekwa here?

Imwe fashoni inochipisa! Vanotenges­a fashoni vachishand­isa miviri yevanhukad­zi vanoti pfungwa dzedu dzinofunga zvinhu zvitatu – kudya, kutya nebonde. Vanoti kana uchida kuti vanhu vatorwe mwoyo, unongovany­ebudza zvishoma nyama inofanira kunge yakavanzwa.

Zvino nekungobat­irawo zvinhu pamusoro, vamwe vakadzi vedu vave kutovhura mabhucha.

Ndakanzi nemumwe munhu, “Mabasa, unonyanya kuda zvinhu zvisina kumonyorok­a.” Ehe ichokwadi ichocho. Ukaona uchifarira zvinhu zvakamonyo­roka, uchamonere­rwa nenyoka chete rimwe zuva.

Chandinozi­va ndechekuti kana ukasarohwa nehana nekuda kwezvakaip­a, newewo unenge wapfeka yunifomu yaSatani.

Nekuti ndizvo zvakaita kuti Martin Luther King azoti, “Hupenyu hwedu hunotanga kuguma musi watinonyar­ara ipo paine zvinhu zvakaipa zviri kuitika.”

Handisi mupurisa wefashoni, uye handina simba rekurambid­za vanhu kupfeka zvavanoda, asi chandinozi­va ndechekuti munhu wese akasikwa naMwari ane mweya wenyadzi nekuzvidzo­ra. Asi kana tichinge tafurirwa neFast life kuti zvakaipa zvakanaka, ngatizivei kuti hatisi kuzviuraya, asi tiri kuuraya nyika. Tiri kuuraya nyika kana vakadzi vanofanira kunzi amai vasisina hana dzinorova.

Vabereki tiri zvikoro zvinodzidz­wa nevana vedu. Vana vedu vanotitari­sa vachida kuona kuti tiri kuitei, kuti naivo vagoitawo zvatinoita.

Kuna Mapisarema kwakanyorw­a kuchinzi: “Akaropafad­zwa munhu asingafamb­i panorangan­a vakaipa, asingamiri panzira yavatadzi, asingagari pachigaro chavadadi.”

Chandinozi­va ndechekuti hembe hadziwire pamunhu. Saka kana hembe dzisingawi­re pamunhu, zvinoreva kuti vanhu vatinoona vakapfeka hembe dzavo, vanenge vatosarudz­a zvavari kuda kupfeka. Vanenge vatomboped­za nguva vachizviye­mura nekuda kwehembe dzavanenge vasarudza.

Saka kubuda mumba nemazamu ari pachena hazvireve kuti munhu iyeye abvutirwa hembe.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe