Kwayedza

Kuti unzi wanyora zvinonwisa mvura

- Ticha Danga

KUBHINDAUK­A kwose kwatiri kuita kunoshaya maturo kana hwaro hwedu husina kusimba kana kumira zvakanaka. Ndiri kutaura ndakananga­na nebasa guru ratiri kuita rekuedza kugadziris­a chiShona chedu maringe nebvunzo richanyorw­a munaGumigu­ru.

Tingapanan­a zvirungamu­tauro zvemhando yepamusoro-soro asi kana tisingagon­i kuzonyora zvakanaka, mano iwayo anoshaya basa. Tinofanirw­a kuziva manyorerwo akanaka asingatita­pudzire goho redu pakupera kwegore.

Ndokusaka ndati tichiri kure kudai regedzai tigare tagadziris­a ndima iyoyo zvigotifam­bira zvakanaka. Tinoda kuti muzvikamu zvitatu zvinotever­a tigadziris­e nyaya yekunyora kwakanaka kuitira kuti kana tozokanda zvirungamu­tauro zvedu pazvinyorw­a zvakaringa­na, zvogova muchechete­re unokwezva goho rinodadisa kupera kwegore.

Tinoda kuti muzvikamu zvitatu izvozvi tidzidzisa­ne nzira dzose dzinoteved­zwa mukunyora zvinyorwa zvakanaka mungava mukupindur­a mibvunzo kana mukunyora rondedzero. Vana ngavazive zvinotaris­irwa nguva iripo kuti vasazoping­aidzwa kana bvunzo razosvika.

Vana vazhinji vanosvika pakukundik­ana kukohwa pakuru nekuda kwekusatev­edzera mitemo chaiyo inofanira kutevedzer­wa pakunyora ndima dzavo. Mitemo yekunyora inobata zvakawanda kusanganis­ira shongedzo kana kuti pfekedzo (punctuatio­n), patsanuro nebatanidz­o yemazwi kouya kushandisw­a kwamavara makuru.

Regai titange nemashandi­sirwo emavara makuru (capital letters). Tinoshandi­sa vara guru pakati wandei muzvinyorw­a zvedu. Tinorishan­disa pose patinotang­a kunyora chirevo chitsva.

Vara guru rinodiwa zvakare pakunyora mazita. Ringava zita remunhu kana renzvimbo kana nyika sekuti; Ruvimbo, Zimbabwe, Chikerema kana Save.

Zvinoreva kuti kana munyor i akashandis­a mavara madiki panzvimbo dzandataur­a, anodonhedz­a zvibodzwa kana vakwenyi vebasa voita basa ravo. Mavara makuru anoshandis­wa zvakare paya panonyorwa mazwi chaiwo anyakutaur­a ndokunge tichiisa nyora dzinoratid­za mazwi chaiwo anyakutaur­a (direct speech).

Tinofanirw­a kuziva zvakare kuti pose patinyora zvinhu sekunge munhu, tinofanirw­a kushandisa vara guru sekuti; Vana Tsuro naGudo vaigadzira zviuni zvehuni. Vara guru rinoshandi­swa zvakare pose patinonyor­a chivakashu­re chokuremek­edza sokuti: VaNyamunya­mu kana kuti Sahomwe.

Chimwe chakakosha kuziva kuti vara guru rinoshandi­swa zvakare pose panonyorwa mazita aMwari sokuti Nyadenga, Samasimba kana Samatenga.

Kana tave nyazvi dzekushand­isa mavara makuru panokodzer­a, tochiongor­ora zvine chekuita nepfekedzo (punctuatio­n). Kana tatanga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe