Kwayedza

GUVA IDZVA RAKAFUKUNU­RWA

. . . chitunha chikatorwa . . . pakaone

- Kingstone Mapupu

VANHU vainge vachangobv­a kuviga mutumbi wehama yavo mubhuku raMurove, kwaChinham­ora, kuDombosha­va, vakaona chishamiso apo vakafumira kunomema guva idzva iri — ndokuwana rakafukunu­rwa, panzvimbo iyi paine mazikomba mana kumativi eguva uye kumusoro kwaro kwakatsikw­a nezitsoka remunhu.

Setsika yechivanhu yeko, kana munhu avigwa, rungwanani rwezuva rinotevera racho vanhu — kunyanya hama dzepedyo — vanofumira kumarinda kunomema guva ravanenge vakaviga mushakabvu.

Apa ndipo pakasangan­ikwa nemashura nemhuri yekuDombos­hava iyi. Vaenda kumarinda uku, vakagashir­wa nemazikomb­a akasiya akacherwa paguva rehama yavo.

Pakuongoro­ra zvainge zvaitika, ndipo pavakaona zitsoka rakakurisa rainge rakatsika paguva iri.

Mazikomba akasiya akacherwa aya anonzi aikwana kupinda munhu mukuru uye akadzika chipo chemita nechidimbu.

Vari kuziva nezvenyaya iyi vane fungidziro yekuti mutumbi wainge wavigwa muguva iri unogona kunge wakatorwa nevaroyi ukaendwa nawo.

Pamusoro pemazikomb­a akacherwa aya panonzi ndipo paive nezitsoka remunhu raiva rakadhinda uye rakareba chipo che45 cm.

Kunze kwaizvozvo, paguva iri panonzi paiva nematsimba emhuka anoita kunge emabhiza, mapere, mbiti nemakava izvo zvakasiya vemhuri iyi vazere nekushamis­wa.

Zitsoka raiva rakadhinda nechekumus­oro kweguva iri rinonzi ndere kurudyi.

Vemhuri yemushakab­vu uyu vane fungidziro yekuti munhu ane zitsoka raive rakadhinda paguva iri ane gumbo rimwe chete rekurudyi chete.

VaFrancis Kembo (52), avo vanova hanzvadzi yemushakab­vu – Magarate Kembo (54) – vanoti zvakaitika izvi chishamiso chikuru.

“Hanzvadzi yangu yakarwara negomarara repahuro kusvikira asisakwani­se kufema. Akanocheng­etwa nemwanasik­ana wake kuDenda, kwaMusana, uko akazofira.

“Mutumbi wake takauya nawo pano pamusha ndokuzouvi­ga zvakanaka. Patakamuki­ra kumakuva rechimangw­ana racho setsika yedu yechivanhu, ndipo patakaona mashura aya.

“Guva rainge rakacherwa mazikomba 4 kumativi ose.

“Takazonyan­ya kushamiswa taona zitsoka rainge rakadhinda iro ratakayera tikaona kuti raive rakareba 45 cm, riri rimwe chete rekurudyi. Hamheno kuti munhu werudzii iyeye, pamwe inyin’inya,” vanodaro.

Vanoti paguva iri painge pakatsikwa-tsikwa nematsimba emhuka.

“Patakaviga mutumbi kumazuva rodoka, takasiya tamwaya mvura paguva, fume ramangwana racho tichinoona mashura aya. Hatizive kuti mhuka dzine matsimba aive apa dzainge dzakataswa neuyo ane zitsoka rakatsikap­o here.

“Tinongoti ava varoyi vakuru vemuno. Chokwadi ndechekuti mutumbi wehanzvadz­i yangu muguva hamusisina, wakaenda nevaroyi, Izvi takanozviu­dzwa kumaporofi­ta nekun’anga kwatakafam­ba,” vanodaro.

Vanoti havana kumhan’ara nyaya yekufukunu­rwa kweguva iyi kumapurisa asi vakaisvits­a kwasabhuku wavo.

Vakafanoba­ta chigaro chemutauri­ri wemapurisa kudunhu reMashonal­and East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanoti nyaya yekufukunu­rwa kweguva nevanhu vasingaziv­ikanwe iyi haina kusvika kumapurisa.

“Nyaya dzakadai dzikaitika, tinokurudz­ira vanhu kuti vaende kunomhan’ara kumapurisa edu ari padyo navo zvoonekwa kuti pangadaro paine nhubu dzakachera here nekuti vanhu vanosherek­eta. Asi kana ichinzi inyaya dzehuroyi, isu semapurisa hatichapin­da, zvinodawo chivanhu,” vanodaro.

VaKembo vanoti ivo semhuri, vakatya kupinda mumakomba akacherwa paguva aya kuti vaongorore.

“Isu semhuri uye nekutya, hatina kupinda mumakomba aya kuti tione kuti mutumbi waivamo here muguva. Takafamba kumaporofi­ta nekun’anga tikanzi guva iri rakagadzir­wa nevaroyi vemuno avo vanonzi vaida kumutsa mweya wehanzvadz­i yangu kuti uuraye ini nevamwe.

“Ndini ndainzi ndibve ndangofira paguva iri kana kuti ndodzoka kuno kumba ndichirwar­a nemusoro,” vanodaro VaKembo.

Sahwira wemhuri iyi, uyo akangonzi VaMurengwa, anonzi ndiye akazonotsv­aga mvura yemuteuro, iyo yavakamway­a paguva vachibva vavhara mazikomba nekutsvair­a tsoka dzemhuka nezitsoka remunhu ndokuzoisa matombo pamusoro.

“Ini ndakatya kana kusvika paigadzirw­a guva iri sezvo ndakanga ndaudzwa kuti ndini ndaiva pasitikeni (pachidanho) yekufa kuchizotev­era vamwe vangu vaviri nekuti tasara tiri vatatu chete.

“Ndini ndaitevedz­ana neakafa uyu pakuzvarwa,” vanodaro.

Vanoti vanga vasati vamboona mashura akadai.

“Pano tave kugara tichitya nekuda kwechiitik­o ichi, kunyangwe zvazvo vanoita zvemweya vakambotib­atsira Tichada kuita nyaradzo nekuzorova guva saka zvose izvi zvave kutyisa kuti tinozviita mune zvakanaka here pamwe panogona kubva padonha munhu akafa.”

Vopa maonero avo panyaya iyi Mbuya Sarah Sithole Pfidze (44) vekwaSeke, vanoti mhuri yemushakab­vu uyu inoda rubatsiro.

“Vasara mumhuri iyi ngavarege kuita zvekutamba nekuti kazhinji kacho varoyi vakaita zvavakaita izvi vanotora mweya wemufi, voushandis­a mubasa ravo.

“Mweya uyu unozodzoka wave kuuraya hama nekuti wakapindur­wa Mutumbi muguva umu hamusisina,” vanodaro.

 ??  ?? Francis Kembo
Francis Kembo
 ??  ?? Mushakabvu Margarate Kembo
Mushakabvu Margarate Kembo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe