Vonetserana kondomu rakashandiswa
BOPOTO pamusoro pekondomu rakashandiswa iro rinonzi rakaonekwa richidyiwa nekamwe kamwana rakazosvika kumatare edzimhosva zvichitevera kutukidzirwa kwakaitwa amai vekamwana aka nemumwe muzvinhabhizimisi wekuBeatrice uyo ane night club mushure mekunge apomerwa kuti makasitoma ake ndiwo anorasa-rasa makondomu akashandiswa aya.
Cyphas Gwari (31) wepanhamba 9204 Nyatsime, kuBeatrice, akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Court ndokubatwa nemhosva yekutukidzira Luckia Chiroodza (28) wepanhamba 1246, kwakare kuNyatsime.
Mutongi wedare iri, Yeukai Chigodora, akatemera Gwari chirango chekubhadhara faindi ye$60 uye kukundikana kwake anogara mujeri kwemwedzi mumwe chete.
Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa11 Kurume gore rino, munguva dzemangwanani, Chiroodza akaenda paGwari Night Club akabata kondomu rainge rakashandiswa iro akanga aona mwanakomana wake ane makore maviri okuberekwa achidya.
Akasvikotaurira Gwari kuti sei achisiya makasitoma ake achirasira makondomu pese-pese. Ndipo pakamuka bopoto apo Gwari akatanga kumutukirira nezvinyadzi.”
Dare rakatora mashoko aya sechinhu chinodzikisira chimiro pamwe nehunhu hwemunhu.
Pakumiswa kwaakaitwa mudare, Gwari akarambisisa mhosva iyi zvisinei nekuti dare rakamubata nemhosva zvichitevera umbowo hwaimuroverera.
“Mhosva yekuti ndakatuka mumhan’ari handiibvume asi kuti iye mumhan’ari ndiye akauya nekondomu rakashandiswa pabasa pangu achiti akanga ariwana richidyiwa nekamwana kake,” anodaro.