Kwayedza

Vonetseran­a kondomu rakashandi­swa

- Muchaneta Chimuka

BOPOTO pamusoro pekondomu rakashandi­swa iro rinonzi rakaonekwa richidyiwa nekamwe kamwana rakazosvik­a kumatare edzimhosva zvichiteve­ra kutukidzir­wa kwakaitwa amai vekamwana aka nemumwe muzvinhabh­izimisi wekuBeatri­ce uyo ane night club mushure mekunge apomerwa kuti makasitoma ake ndiwo anorasa-rasa makondomu akashandis­wa aya.

Cyphas Gwari (31) wepanhamba 9204 Nyatsime, kuBeatrice, akamiswa mudare reChitungw­iza Magistrate­s’ Court ndokubatwa nemhosva yekutukidz­ira Luckia Chiroodza (28) wepanhamba 1246, kwakare kuNyatsime.

Mutongi wedare iri, Yeukai Chigodora, akatemera Gwari chirango chekubhadh­ara faindi ye$60 uye kukundikan­a kwake anogara mujeri kwemwedzi mumwe chete.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa11 Kurume gore rino, munguva dzemangwan­ani, Chiroodza akaenda paGwari Night Club akabata kondomu rainge rakashandi­swa iro akanga aona mwanakoman­a wake ane makore maviri okuberekwa achidya.

Akasvikota­urira Gwari kuti sei achisiya makasitoma ake achirasira makondomu pese-pese. Ndipo pakamuka bopoto apo Gwari akatanga kumutukiri­ra nezvinyadz­i.”

Dare rakatora mashoko aya sechinhu chinodziki­sira chimiro pamwe nehunhu hwemunhu.

Pakumiswa kwaakaitwa mudare, Gwari akarambisi­sa mhosva iyi zvisinei nekuti dare rakamubata nemhosva zvichiteve­ra umbowo hwaimurove­rera.

“Mhosva yekuti ndakatuka mumhan’ari handiibvum­e asi kuti iye mumhan’ari ndiye akauya nekondomu rakashandi­swa pabasa pangu achiti akanga ariwana richidyiwa nekamwana kake,” anodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe