Kwayedza

Vavariro yetatu yedzidzo itsva

– BUMBIRO IDZVA REDZIDZO –

- naChiremba

VAVARIRO yedzidzo itsva yetatu ndeye kusima chidokwado­kwa chekuti mudzidzi azoramba achida kuenderera mberi nedzidzo kana dai apedza chikoro chevadiki.

Dzidzo itsva iyi inotenda kuti upenyu hwevanhu hunoramba huchisandu­ka zuva nezuva. Zvatinodya zvinosandu­ka, zvekupfeka zvinochinj­a, ruzivo runowedzer­a, nyangwe tsika dzedu inongove shandukumi­nya.

Nokudaro zviri pachena semburwa yapamhino kuti muupenyu hwanhasi munhu akasaramba achidzidza anosara shure segotsi.

Ari kuchikoro, mudzidzi anodzidzis­wa kufunda oga pasina mudzidzisi kana kuti mudzidzisi achibatsir­a pano nepapo. Panopedza mudzidzi dzidzo itsva iyi, anofanirwa kunge oziva zvekuita kuti awane ruzivo ari oga kana dai pasina mudzidzisi.

Mudzidzi anokwanisa kutsvaga ruzivo paindaneti achishandi­sa foni kana kombiyuta yake. Apa hapadi mudzidzisi, panongoda kuti mwana agone kushandisa foni kana kombiyuta kutsvaga zvaanoda paindaneti. Paindaneti panowanikw­a gungwa rezivo yezvinhu zvakasiyan­a siyana zvingadiwe nemunhu muupenyu.

Dzidzo itsva yakambamba­shirawo e-learning. Ichi chirongwa cheita-woga-ndima-yako. Apa zvidzidzo zvakagadzi­rwa nenyanzvi zvinenge zvakaiswa pamadisk kana mukombiyut­a zviine mibvunzo yenzwisiso nemhinduro dzinotaris­irwa zvekuti mudzidzi anofunda oga nenguva yaanoda pasina fofafofa yekasika-kupedza-tiende inoitwa muzvikoro.

Mudzidzi anozvimaki­ra basa raanenge anzi aite, uye kana akatadza anodzokoro­ra paanodira nekutarisa mhinduro dzaanotari­sirwa kupa. Akanga ave neruzivo rwekudzidz­a oga, mudzidzi anogona kudzidza madhigirii online ave kumba kwake nguva dzemanheru asi masikati achiswera achiita zvake zvekuzviri­ritira.

Chinangwa chatiri kutaura nezvacho chinobatsi­ra kuumba mudzidzi anofunga zvakakwana, zvakajeka, zvakadzika uye anokwanisa kugadziris­a zvinonetsa muupenyu kana kugadzira zvinhu zvinobatsi­ra muupenyu hwedu. Semazuva ano, tave kunzwa kuti vana vokwanisa kugadzira marobhoti mumayunivh­esiti edu, chinhu chaisafung­irwa kugadzirwa neverudzi rwedu.

Kana dzidzo ikaburitsa vana vazhinji vane unyanzvi hwakadai, chaipa chii?

Nyika inenge yotosimuka­ka! Tinenge tatove kumberi!

Muchikamu chinotever­a tichataris­a vavariro yedzidzo itsva yechina.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe