Kwayedza

NAC yopa vatori venhau mibairo

-

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) richange richipa vatori venhau mibairo yavo yepagore kuBulawayo nomusi weChina, Chikumi 28, senzira yekuvakuru­dzira kuti vange vachinyora zvakanyany­a maringe neHIV neAIDS.

Miba i ro iyi yava muchikamu chepiri zvichiteve­ra mamwe makwikwi erudzi urwu ayo akaitirwa muHarare gore rapera.

Nekuda kwebasa guru rinoitwa nevatori venhau mukufambis­a mashoko maringe neHIV, zvakaonekw­a zvakakosha kuti vange vachikurud­zirwa kuburikidz­a nekuvapa mibairo.

Kubvira pakabuda nyaya yekutanga yeHIV muZimbabwe muna1985, vatori venhau vakabatsir­a zvikuru mukuwanisa vanhu mashoko maringe neutachion­a hweHIV zivo zvakaunza shanduko huru muraramo yevanhu pamwe nekubvisa dzimwe pfungwa dzakashata idzo dzaive muvanhu maringe neHIV.

Nekune rumwe rutivi, sangano reNAC rakanga richiita misangano nevatori venhau uye vapepeti richivapa ruzivo maringe neshanduko uye ruzivo rwutsva rwuri kuburwa pamusoro penyaya dzine chekuita neHIV.

Mibairo iyi iri kupihwa kuvator i venhau avo vakanyora nyaya dzavo kubvira mumwedzi waNdira naZvita 2017. Vatori venhau vakuru ndivo vakaongoro­ra mabasa akaitwa nevatori venhau ava vachitaris­a kutsetsenu­ra kwaiitwa nyaya dziri pamusoro peHIV neAIDS.

Vachakunda mumakwikwi aya vachawanis­wa mibairo mikuru, kusanganis­ira mikana yekuenda kumisangan­o mikuru yeHIV neAIDS inoitwa kunze kwenyika.

Nhengo dzekubazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana, dzeNAC nevamwe vatsigiri vari kutarisirw­a kunge vari pachiitiko ichi.

Gurukota rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana Dr David Parirenyat­wa ndivo vachange vari muyenzi mukuru.

Gore rapera, Sharon Kavhu wekuSouthe­rn Times ndiye akahwapura mubairo mukuru uye akawaniswa mukana wekunopind­a musangano mukuru weHIV kuFrance uyo waakaitwa kwemazuva mashanu, akawana zvakare chitupa nemukombe. Tinomuda Chakanyuka wekuThe Sunday News akatora mubairo wepiri akawana mukana uzere wekuenda kuCote d’Ivoire uko kwaiva nemusangan­o mukuru weHIV and STIs (ICASA) apo Mirirai Nsingo wekuH- Metro akawana mukombe ne$850.

NAC yakapa zvakare Zimpapers, Zimbabwe Broadcasti­ng Corporatio­n neZNAC also ZiFM mibairo yekushamba­dza zvakanyany­a maringe neHIV.

 ??  ??
 ??  ?? Rumbidzai Moyo (kubva kuruboshwe), Vivian Mugarisi naMirirai Nsingo vari pagungano rekupihwa mibairo gore rapera.
Rumbidzai Moyo (kubva kuruboshwe), Vivian Mugarisi naMirirai Nsingo vari pagungano rekupihwa mibairo gore rapera.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe