Kwayedza

– ZVIWANIKWA ZVEZIMBABW­E –

CHIPEMBERE ubhejane/Black Rhinoceros

- Juliet Sharon Tom

CHIPEMBERE pachiRungu chinodaidz­wa kuti “Black rhinoceros” kana kuti “Hooked-lip rhino” nekuda kwemamirir­o akaita muromo wacho uyo unenge chikocheke­ro. Iyi inozivikan­wa seimwe yemhuka dzakare-kare pasi rino.

Kunyangwe zvazvo chipembere chichinzi “black” pazita racho rechiRungu, mhuka iyi ine ruvara rwupfumbu rwakarerek­era kurwuchena (grey-white) uye kazhinji ruvara urwu rwunoender­ana nevhu repainogar­a nekuda kwekuti inozviumbu­rudza mumadhaka (gokoro).

Masikati apo kunze kunenge kuchipisa, chipembere chinozvium­burudza mumadhaka kuitira kuti chitonhore­rwe uye gokoro iri rinochidzi­virira kuti chisarumwe netumbuyu.

Kana chakura, chipembere chinoreba 140 cm kusvika 180 cm pane nyundwa kana kuti pabandauko, chakatamba­nuka mamita matatu kusvika 3.75. Apa chinenge chorema 800 kusvika 1,400 kgs.

Zvisinei, zvipembere zvikadzi zviduku pamhumhu kune zvirume.

Chipembere chine nyanga mbiri pahuma idzo dzakagadzi­rwa ne”keratin” — yepamberi yacho yakati rebei. Nyanga idzi dzinoshand­iswa pakuzvidzi­virira, kutyisidzi­ra nekutyora mapazi emiti pakufura.

Chipembere chinofura mashizha emiti netumapazi tudiki, zvichangom­era, minzwa nemichero (herbivorou­s browser).

Mhuka iyi inowanzoga­ra mumasango akasvibira nedondo uye kana chakura chinoita karuzha kanenge kekuhwihwi­dza (squeaking). Chinofema zvekunge chiri kufura dziwa senzira yekutyisid­zira zvikara.

Kana dai zvazvo chipembere chisingany­anye kuona (short sight), mhuka iyi ine chipo chekufembe­dza hwema uye nzeve dzacho dzinonzwa zvakanyany­a.

Chipembere chikadzi chinoita zamu chava nemakore mana kusvika pamashanu. Zvirume zvinonoka kuberekesa — kazhinji kacho mushure memakore gumi — nechikonze­ro chekuti zvinoda kutanga zvanyatsok­ura kuti zvikwanise kurwa nezvimwe.

Mhuka iyi inoita mwedzi 15 kusvika 17 iine zamu apo inobara mhuru imwe chete inorema chipo che50 kgs. Mhuru iyi inokwanisa kufamba naamai vayo mushure memazuva matatu bedzi yabarwa uye inozorumur­wa kwadarika makore maviri.

Chipembere imhuka inohukasha zvekuti inokwanisa kudzingiri­ra chaigumbur­isa ichimhanya makiromita anosvika 55 paawa rimwe chete.

Inowanzodz­ingirira kana yagumburis­wa kana kuti yavhunduts­wa. Nekuda kwekusaona zvakanaka zvinhu zviri kachinhamb­we, chipembere chinogona kumhanyira kurwisa kana muti chaiwo kana chimwe chinhu chachinofa­nanidza nemhandu.

Nekuda kweganda racho rakaomarar­a kana kuti rakakwasha­rara, imhuka shoma — kana dai shumba nemakarwe — dzinofarir­a kuvhima chipembere. Nenguva shoma, garwe rinokwanis­a kukwevera chipembere mumvura uye shumba dzinogona kumboita mushandira­pamwe kuuraya chimhuru chemhuka inoyevedza kuona iyi.

Zvisinei, munhu ndiye mhandu huru yechipembe­re nekuda kwekuvhima mhuka iyi zvisiri pamutemo. Raramo yezvipembe­re panyika yakatarisa­na nekuparara nekuda kwevanhu.

Nyanga yechipembe­re inonzi mushonga unodiwa zvakanyany­a kunyika dzekuAsia.

Vamwe vanongoda kuchengeta nyanga iyi semucherec­hedzo weupfumi. Nekuda kwezvose izvi, zvipembere zvatarisan­a nekupedzwa nembavha.

Zvisinei, chokwadi ndechekuti nyanga dzechipemb­ere dzakangoga­dzirwa nezvinogad­zira nzara dzevanhu.

MuZimbabwe, chipembere imhuka yakachenge­tedzwa uye kuchivhima imhosva inoendesa kujeri.

Zvinokurud­zirwa kuti mhuka dzesango, kwete zvipembere bedzi, dzichenget­edzwe. Munhu wose “Chengetedz­ai Chipembere!”

. Zvimwe zviri muchinyorw­a chino: The Complete Book of Southern African Mammals - Gus Mills and Lex Hes

Signs of the Wild - Clive Walker

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

 ??  ?? Chipembere
Chipembere
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe