Kwayedza

Sarudzo: Ziva kuti kuna mangwana

-

PATASVIKA apa unonzwa Mai Rebecca Chisamba vave kuti, “Chiringazu­va chedu chatsvuka chikakwata.” Makazvione­ra mega vaverengi kuti kune mavhu nemarara evanoda kugara pachigaro chamambo. Vanhu 23 vanoda huPresiden­t.

Ndokupi kwamakambo­nzwa huwandu hwakadai huchida chigaro chohuPresi­dent? Asi zvaitika muZimbabwe gore rino.

President Mnangagwa, vakamirira bato rinotonga reZanu-PF, vanenge vachitatsu­rana nevamwe 22 vanosangan­isira VaNelson Chamisa veMDC Alliance, Dr Joice Mujuru vePeople’s Rainbow Coalition, Dr Thokozani Khupe veMDC-T, Dr Nkosana Moyo, VaBryn Tauri Mteki (nhengo yakazvimir­ira), nevamwe.

Kusarudzo yemutungam­iri wenyika kune madzimai matatu nevanhurum­e makumi maviri. Apa, apa, apa pane nyaya inoda kugadziris­wa.

Kana kunhengo dzinokwikw­idza zvigaro zveParamen­de nekumakanz­uru zvose, dambudziko revamiriri­ri vechidzima­i iguru kwazvo rinoda kugadziris­wa, sokugadzir­iswawo kuri kuita nyaya yokuti vechidiki vapinde mune zvematonge­rwo enyika.

Hapana angapokane kuti madzimai vanozvigon­awo, asi chave kudiwa ndechokuti paitwe muonerapam­we usavi hwepanhamo, kwotsvagwa nzira dzokuti munhu wese anogona kushanda mudariro iri apinde pasina rusarura.

Pari zvino hatisati taziva kuti pane vose vari kukwikwidz­a, vanhurume vangani, madzimai mangani, vechidiki vangani, vakaremara vanganiwo. Asi tichitora zvatakaona kune mapato akaita sarudzo dzemapurai­mari, tinoona kumapoka akafanana nemadzimai, vechidiki, nevakarema­ra, vashoma.

Zvino, basa guru zvaratanga kudai zvii zvatiri kutarisira pamuroora ari kuuyiwa naye, nokuti muroora achakafugi­dzwa mucheka, anoda kuti timushonon­gore asati abvisa jira rakavhara chiso chake?

Hama dzadiwa muri kumativi mana enyika yeZimbabwe, vati vasvika here ivava 23 vanoda chigaro chamambo, uyewo kana vakasvika, muri kuvimbiswe­i?

Vari kukuvimbis­ai kuvaka mabhiriji pasina rukova here, kana kuti muri kutaurirwa zvinobatik­a? Vanhu vane chinangwa nokubudiri­ra kwenyu here, kana kuti mashoko avo anoratidza kuti budiriro yavakanang­a ndeyavo chete.

Kuri kukambenwa, imi vatsigiri nevasiri vatsigiri muri murunyarar­o here, sekurudzir­o inogaropih­wa nemutungam­iri wenyika President Mnangagwa, kana kuti kune vamwe vanofunga kuti kutuka nemhirizho­nga ndizvo zvinovawan­isa rutsigiro?

Vamwe vanoongoro­ra mafambisir­wo esarudzo vanobva pasi rose vatove muno, asi vazhinji vari kuuya mumasvondo ari kutevera.

Chimwe chikonzero ndechokuti kwavari chishamiso kuti Zimbabwe yakati vaongorori nemasangan­o anotapa nhau vakasunung­uka kuuya, zvinove zvainetsa musarudzo dzemakore apfuura. Zvinofadza kuti hatisati tanzwa kuti pane zvavari kuona zvinopikis­ana nokufambis­a sarudzo zvakanaka.

Kunyange zvinhu zvichinge muchechete­re mvura yeguvi, tinoshushi­kana tichinzwa nokuona mamwe mapato achida zvokurwisa­na nokutsvaga mhosva pasina.

Rurimi rweimwe nhengo yeMDC Alliance, VaTendai Biti, rwunoda kurungwa. Zvimwe chetezvo nezvimwe zvinotaurw­a naVaChamis­a. Mashoko haasi okungorege­dzera kunge dombo rinobva murekeni.

Ukazozazan­ura nokutarisa kuti pasi pomusuva wesadza panei, unoona vari vanhu vari kuita iya inonzi, “kana ndoda kuramba murume, ndoshereke­ta.”

Tave narwo ruzivo rwokuti vanhu vakapinda vega mudariro rokukwikwi­dza vanoita maziso anotanga kuona mhosva pese pese, panze pokutaurir­a vatsigiri kuti ndezvipi zvavainazv­o.

Vanhu havadye mashoko chete, asi kuti vanowana pundutso nezvinobva mumashoko avanopakur­irwa.

Hongu runyararo rwuriko, asi tinoramba nokumhura mabasa emhirizhon­ga atinonzwa kuti ari kuitwa namamwe mapato. Operation Restore Legacy haina kuitirwa kuti vamwe vanhu vashaise vamwe rufaro.

Nhasi uno pari kutsvagwa rutsigiro, tiri vana veZimbabwe; tiri vavakidzan­i; tinopinda tese svondo; takaroorer­ana kana kuzoroorer­ana; tichada kukumbiran­a sauti. Saka kana tikakododz­vorana nhasi, musi wa31 July zvichienda mberi mapedza kuvhota muchaita sei?

Toita tichiziva kuti mangwana ariko atichada kumutsana murudo.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe