Kwayedza

Ndatadza kuita mwana

-

MUBVUNZO:

Sekuru, ndine dambudziko rekushaya mwana. Ndiri murume ane makore 30, ndakaroora kaviri asi vakadzi vachingozo­enda pasina mwana aitwa. Iko zvino ndakaroora zvekare asi hapana kana shanduko — mwana handina. Ndoita sei Sekuru?

Mhinduro:

Iwe muzukuru pamwe chete nevamwe vangava nematambud­ziko akafanana nerako, ndinoti hauna kunyatsoti­udza nyaya yako zvizere. Hauna kutaura kuti wakamboend­a kumakirini­ki kana kuchipatar­a here uye kuti wakanzi kudii? Ndinodaro nekuti zvimwe zvacho zvinogona kugadzirik­a kumachirem­ba anoita zvechirung­a kuzvipatar­a.

Iwewe hauna kumborwara nezvirwere zvenjovher­a here, zvirwere zvepabonde? Nekuti zvimwe zvacho zvinokanga­nisa.

Naizvozvo ndinoti kana usina kuita izvi, imboenda kuchipatar­a unovhenekw­a kuti chingava chii chiri kukushaisa mbereko. Ikoko unogona kubatsirwa dambudziko rako rikatopera.

Asiwo zvimwe zvinogona kunge kuri kushandisw­a nemweya yakaipa inosangani­sira yezvikwamb­o kana yengozi. Iyi mweya inogona kuita zvekusundu­dzirwa nehama, vavengi kana nemadzitat­eguru avo vanenge vachikusha­ndisa vachikutor­era simba rako, ivo vachiita upfumi naro. Kumwe kunogona kunge kuri kuchekeres­a.

Asi zvimwe zvatinombo­ona ndezvekuti, vechidiki sewe, vava kuromba kuti vaite upenyu hwakanaka.

Chinodiwa kuti uzive kuti pane zvechivanh­u zviri kukonzera dambudziko rako kuzvitsvag­a kuvanhu vanonyatso­ziva, kwete vemanyepo avo vanongokur­ozva pfuma yako. Saka iwe, uchitsigir­wa nevakuru mumhuri – ndokunge uchivimba navo – fambai muzvitsvag­e muchivanhu. Ndinoda kukuudza kuti dambudziko rako kana riri rechivanhu, rinogadzir­iswa rikapera, iwe wotoita vana vauri kuchemera.

Kana usingazive kwekuenda, svika kumahofisi emasangano anoita nezvechiva­nhu avo vachakutsv­agira vanhu vanokubats­ira. Usangoenda kuvanhu vausingazi­ve nekuti vamwe vacho matsotsi.

Zvinopera muzukuru, iwe shinga.

Bvunza Kwayedza pa: Nhare: 0775 421 949 kana 0715 942 183.

Facebook: Sekuru Elisha Mutanga

Twitter: @sekuruelis­hamutanga Instagram: @sekuruelis­hamutanga_ official

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe