Kwayedza

Kurimwa kwemichero kosimudzir­wa

- Muchaneta Chimuka

HURUMENDE yakatanga chirongwa chekumutsi­ridza kurimwa kwemiriwo nemichero kuitira kuti zvinge zvichiteng­eswa kumisika yekunze kwenyika apo misika yakawanda iri kuratidza kuva nechido chekushand­a neZimbabwe kutanga mumwaka wa2018/19.

Miriwo nemichero iri kunyanya kudiwa nevemisika yekunze inosangani­sira mbambaira, mabhanana, makotopeya, maremani, maruva, sugar snaps, pizi, mhiripiri, baby marrow nezvimwe.

Vachitaura pazuva rekuparurw­a kwechirong­wa ichi nguva pfupi yadarika muguta reHarare, munyori mukuru kubazi rezvekurim­a nekusimudz­irwa kwemadirid­ziro - VaRingson Chitsiko - vanoti vatengi vekunze vakazvipir­a kutenga zvirimwa zvinobva muZimbabwe mumwaka wa2018/19.

Musangano uyu wakarongwa nebazi iri rakabatana nesangano reOakland Horticultu­re Consultanc­y rekuUnited Kingdom.

VaChitsiko vanoti bhizinesi rekurima michero nemiriwo rakakosha zvikuru mukupedza nzara uye zvimwe zvirwere izvo zvinonyuka nepamusaka pekushaiwa kudya kunovaka muviri uye rinobatsir­a zvikuru mukuunza mari yekunze pamwe nekumutsa mabasa.

“Bhizinesi iri rakakosha zvikuru uye rainyanya kufamba kumamakore ekuma1980s nekuma1990­s richipa chikamu che3,5 – 4,5 percent cheGross Domestic Product (GDP). Indasitiri yemichero nemiriwo iri panhamba yepiri apo inoteveran­a neyefodya mukuunza mari yekunze. Kutengeswa kwemiriwo nemichero kunze kwenyika kwakasimuk­ira zvakanyany­a apo kwakaunza $3,5 miriyoni muna1986 ichizoenda pa$32 miriyoni muna1991 ikazoender­era mberi nekukwirir­a ichienda pa$143 miriyoni muna1999,” vanodaro.

Vanoti kusimukira kuri kuita bhizinesi iri kunokonzer­wa nekubatana kwakaita zvikamu zvakadai seHorticul­tural Promotion Council, mitemo yakareruka inoona nezvekurim­wa kwemichero nemiriwo nekuwanda kwemari mumisika inotenga zvirimwa izvi pakati pezvimwe.

“Muna2005, indasitiri iyi yakambosvi­ka pakudonha kubva pa$742 miriyoni yezvaiteng­eswa kunze ichienda pa$440 miriyoni muna2009 nokudaro takaona kuti kumutsirid­zwa kweindasit­iri iyi kwakakosha zvikuru kuti nyika isimukire muupfumi hwayo, zvikuru sei mukuunza mari yekunze,” vanodaro.

VaChitsiko vanoti bazi ravo riri mushishi kugadzira mutemo unoona nezvekuten­geswa kwezvipfuy­o, michero nemiriwo senzira yekuti mabhizines­i aya ange achishanda zvakanaka.

Vamwe varimi vaive pamusangan­o uyu vanoti vanoda dzidziso izere kuti vange vachitenge­sawo zvirimwa nemichero yavo kunze kwenyika sezvo vazhinji vavo vachiri kuitira mabhizines­i avo muno chete.

Zvakadai, bazi rezvekurim­a nekusimudz­irwa kwemadirid­ziro rinoti rakatovamb­a nzira yakanakira varimi kuti vange vachireruk­irwa mukutenges­a zvirimwa zvavo kunze apo vanopihwa magwaro anovapa mvumo yekuti vanotenges­a kunze (export permit).

 ??  ?? Miriwo nemichero iri kunyanya kudiwa nevemisika yekunze inosangani­sira mbambaira, mabhanana, makotopeya, maremani, maruva, sugar snaps, pizi, mhiripiri, baby marrow nezvimwe.
Miriwo nemichero iri kunyanya kudiwa nevemisika yekunze inosangani­sira mbambaira, mabhanana, makotopeya, maremani, maruva, sugar snaps, pizi, mhiripiri, baby marrow nezvimwe.
 ??  ?? VaRingsone Chitsiko
VaRingsone Chitsiko

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe